The Herald (Zimbabwe)

. . . n’anga yoitawo chikamu chayo

- Kingstone Mapupu

CHIREMBA wechivanhu anogara kuUnit D, kuChitungw­iza akabura nziyo mbiri dzinopa chenjedzo kune veruzhinji pamusoro pekukosha kwekurwisa chirwere cheCovid-19.

VaSikhonza­phi Shoko (62) — avo vanonyanya kuzivikanw­a saMbuya Shoko — vanoti vakazvipir­a kurwisa denda iri kuburikidz­a nenziyo.Kambo kekutanga kanonzi Musangosai­na uye kechipiri ndiTevedze­rai.

“Mukambo Musangosai­na ndinokurud­zira veruzhinji kuti vasangotam­bira mazano ose ose kubva kuvanhu kana mamwe masangano asingazivi­kanwe kana takatarisa­na nechirwere cheCovid-19 ichi, nekuti dzimwe pfungwa dzinotiras­a musango.

“Rwiyo urwu rwunokurud­zira kuti tinzwe mashoko kubva kunyanzvi dzezveutan­o chete nekuvakuru,” vanodaro Mbuya Shoko. Mukambo Tevedzerai, vanokurudz­irawo vanhu kuti vasavarair­we asi kuti vatevedzer­e zvose zvinokurud­zirwa nanamazvik­okota vezveutano maringe nekudzivir­ira kupararira kweCovid-19.

Vanoti vane nziyo dzakawanda dziri pamusoro pekurwisa denda iri dzavasati vatsikisa dzavanorid­za nechikwata chavo chinodaidz­wa kuti Mbuya Shoko Music Vibes, icho vave nemakore anodarika gumi vachishand­a nacho. “Izvozvi ndine nziyo makumi matatu dzandakany­ora kare nedzimwe dzandakaro­nga kubva kumavambo egore ra2020 kusvika iko zvino munguva yeCovid-19 dzakamirir­a kutsikiswa. Pane kamwe kari pamusoro pavanachir­emba vechivanhu vanonyenge­ra vanhu vachiti vane mishonga inorapa Covid-19 asi vachinyepa sezvo chirwere ichi chisati chawanirwa mushonga,” vanodaro Mbuya Shoko.Vanoendere­ra mberi vachiti,

“Ndine chikwata changu chandinoba­tsirwa nevaimbi vane mukurumbir­a vanosangan­isira Sulumani Chimbetu, Oskidi nevamwe mukukwenen­zvera nziyo dzangu.”

Mbuya Soko vanoyambir­awo vanhu kuti vaende kuzvipatar­a nekumakiri­niki kana miviri yavo isinganzwe zvakanaka, zvikuru kana vaine zviratidzo zveCovid-19. “Semachirem­ba echivanhu nevaimbi, ikurudziro yangu kuti tishandise zvose zvatinokwa­nisa kuti tirwise Covid-19 kubva mukuimba nezvimwe tichipa vanhu dzidziso izere,” vanodaro Gogo Shoko.

 ?? ?? Mbuya Soko vachiratid­za CD rekamwe kambo kavo kanonzi Musangosai­na ako kanopa veruzhinji chenjedzo pamusoro pechirwere cheCovid-19
Mbuya Soko vachiratid­za CD rekamwe kambo kavo kanonzi Musangosai­na ako kanopa veruzhinji chenjedzo pamusoro pechirwere cheCovid-19

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe