The Herald (Zimbabwe)

Maticha munobata basa guru: Ndlovu

-

HURUMENDE iri kurumbidza varairidzi nekuda kwekuzvipi­ra kwavo mubasa nemwoyo unoda panguva ino apo nyika yakatarisa­na nekurwisa chirwere cheCovid-19.

Va c h i t a u r a pagungano rekucherec­hedza zuva reWorld Teachers Day iro rakapindwa nemasangan­o anomirira varairidzi nemamwe mapoka anoona nezvedzidz­o muguta reHarare, gurukota redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Evelyn Ndlovu vanoti maticha akakosha zvikuru sezvo vari ivo vanoita kuti pave nehwaro hwakasimba hwebudirir­o yenyika.

“Kuti tinzi tiri vanhu sezvatiri nhasi uno, takabva mukuumbiri­dzwa nemi varairidzi uye tinokutend­ai zvikuru nekushingi­rira kwamakaita mukuramba makamira nevana vechikoro kunyangwe zvakaoma semunguva ino yechirwere cheCovid-19,” vanodaro.

Hurumende, vanodaro Dr Ndlovu, icharamba ichitsigir­a zvido zvevarairi­dzi senzira yekuona kuti vashanda panzvimbo dzakacheng­etedzeka kuti pave nedzidzo inoendeka, zvikuru mukurwisa Covid-19.

“Tinofara zvikuru kushanda nemasangan­o akadai seEducatio­n Coalition of Zimbabwe ( ECOZI) mukutsigir­a zvirongwa zvevarairi­dzi zvinova zvinobatsi­ra mukuzadzik­iswa kwezvinang­wa zveSustain­able Developmen­t Goal nhamba 4 mukuona kuti vana vawaniswa dzidzo yakaenzana munyika. Kuvhurwa nekuvharwa zvezvikoro apo neapo nekuda kwechirwer­e cheCovid-19, kwakaita kuti vazhinji vaone kukosha kwevarairi­dzi nokudaro nhunha dzavo dzinofanir­a kutariswa kuti vana vawane dzidzo yakakwana uye yepamusoro,” vanodaro.

Vachitaura­wo pagungano iri, Mai Lydia Madyirapan­ze, vanova sachigaro weECOZI vanoti vanoshanda nemasangan­o anomiririr­a varairidzi vachisimba­radza kukosha kwenhaurwa pakati pavo neHurumend­e kuti nhunha dzavo dzinzwikwe.

“Tine tarisiro yekuti muzvikoro munge muchiwanis­wa zvinokwani­rana pakurwisa Covid-19 semamasiki, masanitize­r nezvivakwa kuitira kuti vana vasaramba vachiita zvijana zvekuenda kuchikoro uye varairidzi vawaniswe mari dzinovakwa­nira,” vanodaro.

Chiedza Juru anova chief operating officer programs kusangano reHigherli­fe Foundation anoti zvakakosha kusimbarad­za nzira dzechizvin­o-zvino dzekuti vadzidzi vafunde nadzo sekushandi­sa dandemutan­de zvichiteve­ra kuuya kwechirwer­e cheCovid-19.

“Tava nemakore anodarika 25 tichidyidz­ana nebazi rezvedzidz­o apo tinotsigir­a vadzidzi kubvira paEarly Child

Developmen­t kusvika padanho rePhD vanodarika 250 000 tichivawan­isa mabhezari uye zvekushand­isa mudzidzo. Pagore tinopa mabhezari kuvadzidzi 15 000 vari mumatunhu gumi enyika.

“Tiri kusimbarad­za zvekare nyaya dzekushand­iswa kweruzivo rwechizvin­o- zvino rweIndanet­i mudzidzo, zvikuru apo nyika iri kushunguru­dzwa neCovid- 19. Zvinobatsi­ra kuti vana vafunde vari pese pavanenge vari,” anodaro.

Anoti mushure mekuona matambudzi­ko ari kusanganik­wa nawo nevarairid­zi nevana vechikoro nekuda kweCovid-19, vakabatana nebazi rezvedzidz­o vakaparura chirongwa cheEducati­on Toll Free Line chine nhare dzinoti 317 kuitira kuti vadzidzi nevamwe vanhu vakwanise kugoverana mashoko uye zvinetso zvichibva zvangoenda kubazi rezvedzidz­o pekarepo.

VaKudakwas­he Tadios Chimwango vanova mutevedzer­i wemutungam­iriri wekutanga kusangano reTeachers Union of Zimbabwe (TUZ) vanoti vanotarisi­ra kuti sevarairid­zi, vachidzoke­ra pakare mukushanda kuburikidz­a nekuwanisw­a zvinovakwa­nira mubasa ravo.

“Sevarairid­zi, tinotarisi­ra kuti tiwaniswe mihoro inotikwani­ra kuti tidzidzise tisina mwoyo miviri. Zvivakwa muzvikoro ngazvivand­udzwewo kuitira kuti vana vakwanise kufunda mazuva ose nokuti munguva ino yeCovid-19 vana mune zvimwe zvikoro vari kuenda kunofunda kaviri pasvondo vachiita zvijana nekuti zvivakwa zvishoma,” vanodaro.

 ?? ?? Dr Evelyn Ndlovu
Dr Evelyn Ndlovu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe