The Herald (Zimbabwe)

‘Covid-19 yazarura misika yekunze’

- Abel Ndooka

VARIMI vari kukurudzir­wa kudyara mbesa dzinosimud­zira utano hwevanhu, zvikuru panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 uyewo nekuti vatore mukana uyu kutengesa zvirimwa zvavo kunze, izvo zvinounza mari inobatsira zvakanyany­a mubudiriro yeZimbabwe.

Kurudziro iyi yakapihwa nenyanzvi munyaya dzetsvakur­udzo yemisika yekutenges­era zvirimwa zvemuZimba­bwe, Dr Richard Kamidza, vachiti zvakakosha kuti varimi nemakamban­i vaite mushandira­pmwe wekutenges­a zvinhu kunyika dzinosanga­nisira dziri kuEurope.

Vachitaura nemusi weMuvhuro pachirongw­a chebazi renyaya dzekunze kwenyika nekutenges­erana pasi rose vari muguta reHarare, Dr Kamidza vanoti varimi vanofanira kutora mukana wekuvepo kwechibvum­irano chakaitwa pakati peZimbabwe neEuropean Union (EU) chekuti vanokwanis­a kutengesa zvirimwa zvavo nezvimwe zvinhu kunze.

Vanoti kuuya kwakaita Covid- 19 kwaona mamwe makambani emuno achirima zvirimwa zviri kudiwa zvakanyany­a kunze panyaya yekusimudz­ira utano hwevanhu.

“Mamwe makambani emuno akatotanga kuita mari, seTanganda Tea Company iyo iri kurima zumbani ichitenges­a kunze kwenyika uko kwariri kufarirwa zvakanyany­a.

“Covid- 19 iriko uye yakanganis­a zvakawanda saka varimi nemakamban­i ngatizive kurima zvirimwa zvinobatsi­ra kusimudzir­a utano hweveruzhi­nji.

“Izvi zvinodiwa chaizvo kunyika dziri muEU saka ndinokurud­zira kuti varimi ngavabatan­e nemakamban­i makuru anozivikan­wa kunze kwenyika vabatsirwe kutengesa zvinhu zvavo zvivaunzir­e mari.

“Tinosimbis­a kuti ngatiite mushandira­pamwe mukushanda basa iri tiite mari zvigosimud­zira nyika yedu,” vanodaro Dr Kamidza. Vanoti zvirimwa zvemuZimba­bwe zvinodiwa zvakanyany­a kumisika yekunze nekuda kwemarimir­wo emandorokw­ati azvinoitwa.

“Kunyika dziri kuEurope, vanoda zvirimwa zvinobva muZimbabwe zvakanyany­isa izvo zvavanoti zvinorimwa nenzira yakanaka (organic). Dzimwe nyika dziri kutotumira zvinhu zvadzo saka isu ngatishand­isewo mukana uyu tisatorerw­e misika yekutenges­era zvirimwa zvedu.

“Kana tikatenges­a zvirimwa nezvimwe zvinhu zvedu kunze kwenyika, zvinounza mari munyika iyo inobatsira zvikuru mukuvandud­zwa kwezvikoro, zvipatara nezvimwe uyewo nekuvamba mabasa,” vanodaro Dr Kamidza.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe