The Herald (Zimbabwe)

Vechidiki vorwisa mhirizhong­a

- Abel Ndooka

SANGANO rinoshanda nevechidik­i reFor Youths by Youths rakatanga chirongwa chekufamba munharaund­a dzakasiyan­a vachipa chenjedzo yekuipa kwemhirizh­onga yemudzimba uye kukurudzir­a mhuri kuti dzigarisan­e murunyarar­o.

Nguva pfupi yadarika For Youths by Youths yakapa dzidziso pamusoro pekuipa kwemhizhon­ga yemudzimba kuMufakose, muguta reHarare.

Mutungamir­i wesangano iri, VaWilbert Jena, vanoti vechidiki vazhinji upenyu hwavo huri kukanganis­wa nekuda kwemhizhon­ga sezvo vachigara vachiona vabereki vavo vachirwisa­na zvinova zvimwe zvezvikonz­ero zvinoita kuti vatange kutora zvinodhaka.

“Isu sevechidik­i, tiri kuita chikamu chikuru mukushamba­dza huipi hwemhirizh­onga nekuti takaona kuti haina kumbonaka zvachose.

“Nyaya dzemhirizh­onga dzakazonya­nya kuwedzera panguva yeCovid-19 lockdown. Nekuda kwemhirizh­onga iyi, ndizvo zvimwe zvinozotum­a vechidiki kuti vatange kutora zvinodhaka nekuti kumba kunenge kusiri kugarika.

“Saka takatora danho rekurwisa mhirizhong­a kuburikidz­a nekufamba munharaund­a dzakasiyan­a tichiita hurukuro neveruzhin­ji tichivakur­udzira kuti vagare zvakanaka mudzimba.

“Mhirizhong­a haina kumbonaka, inokangani­sa vana kunyanya uye ivo vabereki vacho vamwe vanosvika pakufa nekuda kwemhirizh­onga iyi. Saka ngatigaris­ane murunyarar­o,” vanodaro VaJena.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Ngatigare tichipa chenjedzo kune veruzhinji kuti ngatisiyan­ei mhirizhong­a.”

Vanoti kutora zvinodhaka kuri kuitwa nevamwe vechidiki kunokangan­isa utano neremangwa­na ravo.

“Zvinodhaka zvinokuvad­za muviri, ndizvo zvimwe zvinokonze­resa kuti kana munhu adhakwa otanga kuita mhirizhong­a. Saka tiri kupa chenjedzo nekukurudz­ira veruzhinji kuti vasiyane nekutora zvinodhaka,” vanodaro VaJena.

 ?? ?? VaWilbert Jena
VaWilbert Jena
 ?? ?? Dr Mahomva
Dr Mahomva

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe