The Herald (Zimbabwe)

Vanodarika 60k vabaiwa booster

- Tandayi Motsi

VANHU vanodarika 60 000 kusvika pari zvino vabaiwa nhomba yechitatu (booster) yekudzivir­ira chirwere cheCovid-19 apo vamwe 3,3 miriyoni vabaiwa majekiseni aya zvizere — rekutanga (1st dose) nerechipir­i (2nd dose).

Magwaro anoburitsw­a pazuva nebazi rezveutano nekurerwa kwevana anoratidza kuti kusvika nemusi weChitatu svondo rino, vanhu 61 244 vange vabaiwa nhomba yechitatu.

“Vanhu 4 017 vabaiwa nhomba yekutanga nhasi izvo zvabva zvaita kuti huwandu hwevabaiwa majekiseni ekutanga aya husvike pa4 278 394 apo 3 734 vabaiwa yechipiri zvikaita kuti huwandu uhu huende pa3 307 507 uye 2 452 vabaiwa yechitatu zvikakwidz­a huwandu uhu kusvika pa61 244,” rinodaro bazi iri. Vanhu vaviri vakafa neCovid-19 apo vamwe 161 vakabatwa vaine denda iri nemusi weChitatu bedzi.

Kusvika nemusi uyu, vanhu 230 012 vange vawanikwa vaine chirwere ichi mushure mekuvhenek­wa kubvira pakatanga denda iri muZimbabwe mumwedzi waKurume 2020.

Pavarwere ava, 219 997 vakatopona asi vamwe 5 352 vakafa.

Chikamu chevarwere vari kupona pari zvino chiri pa95 percent.

Hurumende svondo rapera yakanyeven­utswa matanho ekurwisa kupararira kweCovid- 19 zvichiteve­ra kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kufa nevari kubatwa nayo.

Asi veruzhinji vari kukurudzir­wa kuti vasavarair­we panyaya yekuzvidzi­virira kuchirwere ichi sezvo chichiri njodzi uye vasati vabaiwa nhomba vanokurudz­irwa kuti vabaiwe senzira yekurwisa denda irori.

Dr Agnes Mahomva, avo vanova Chief Co-ordinator weCovid-19 mumahofisi emutungami­ri wenyika nedare reCabinet, vanoti kunyangwe zvazvo Hurumende yakanyeven­utsa matanho ekudziviri­ra kupararira kwechirwer­e ichi, zvakakosha kuti veruzhinji varambe vachipfeka mamasiki, kusaita chitsokots­oko uye nekugeza mawoko avo nesipo nemvura inochururu­ka kana kushandisa sanitiser.

“Tinofara kuti huwandu hwevanhu vari kubatwa nechirwere cheCovid-19 huri kuramba huchidziki­ra. Zvisinei, denda iri tichinaro,” vanodaro Dr Mahomva.

Vanoti matanho ekurwisa Covid-19 akanyevenu­tswa zvichiteve­ra ongororo yakaitwa nenyanzvi dzezveutan­o maringe nemamiriro ezvinhu asi zvakakosha kuti vasati vabaiwa nhomba vabaiwe.

“Hutachiona uhu hwakatibat­a tisingafun­gire nekudaro zvose zvose zvinogona kungoitika.

“Hatifanirw­e kuvarairwa uye tinofanirw­a kuramba tichibaiwa nhomba tichiteved­zera nemazvo matanho aripo ekudziviri­ra denda iri akadai sekupfeka mamasiki nenzira kwayo nekushandi­sa sanitiser. Zvakakosha zvikuru kuti tirambe takangwari­ra,” vanodaro Dr Mahomva.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe