The Herald (Zimbabwe)

Mhosva dzawanda mudare: Mambo

-

Kingstone Mapupu

MAMBO Chihota vekudunhu reMaronder­a, kuMashonal­and East vanoti kubva pakatanga denda reCovid-19, mhosva dzekusavim­bika muwanano, huwori nekushungu­rudzana mumisha dziri kuwanda idzo dzinoguma dzakwidwa kudare ravo.

VaRaphael Ngoni Chigodora vanova Mambo Chihota vanoti kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 munyika muno mugore ra2020, mudare ravo muri kuwandawo mhosva dzakasiyan­a.

“Ichokwadi, chirwere cheCovid-19 chaunza kusagadzik­ana kwezvinhu mumhuri dzakawanda mudunhu mangu nekukonzer­awo kuparwa kwemhosva dzakasiyan­a mudzimba. Izvozvi mukaona mhosva dziri kuuya kudare rangu dzekutorer­ana madzimai, kubvutiran­a varume nekurwira ingava minda kana mapindu dzakawanda zvikuru. Tine mhosva dzemakunak­una dziri kuwandawo, kushunguru­dzwa kwevakwegu­ra nedzimwe dzinofambi­rana nekuti vanhu vanenge vachigara kudzimba,” vanodaro Mambo Chihota.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Tine vanhu vaiva varamwa misha vari kumabasa asi ndokuzobur­itswa mabasa ndokuona upenyu husisaite kwavaigara nemhuri dzavo. Vakadzoka kumisha vachiwana dzimba dzaparara uye minda yevabereki ichirimwa nedzimwe hama. Nyaya dzose idzi dziri kuuya kudare rangu vanhu vachirwira minda nemapindu.”

Mambo Chihota vanoti rimwe rematambud­ziko akatarisan­a nedunhu ravo nderevechi­diki vari kutora zvinodhaka nekuda kwekushaya zvekuita avo vanopedzes­ira vave kuita mabasa ehunzenza nekupara mhosva.

Vanoti kune vanhu vaimboshor­a kugara kumaruwa avo vari kudzoka kubva kumadhorob­ha nekumaguta mushure mekunge zvinhu zvaoma.

“Covid-19 yakaipa asi yaunganidz­a mhuri dzaive dzaparadza­na kwemakore akawanda, zvava kusimudzaw­o mhosva dzakawanda muvanhu.

“Nyaya dzatiri kuona kumaruwa nekuda kwedenda iri zvapa chidzidzo kuruzhinji kuti misha haisiiwe ichiparara, vamwe vava kudzoka misoro imire vasina pekugara vosvipokop­inda mukicheni maambuya kana maamai mavakambot­iza vachiti kuchirungu kunoshamis­ira,” vanodaro Mambo Chihota.

Vanokurudz­ira vanhu kugara zvakanaka uye kana vachinge vatadza kuwirirana votsvaga vayananisi pane kuita zvemhirizh­onga.

 ?? ?? Mambo Chihota
Mambo Chihota

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe