Mhosva dzawanda mudare: Mambo
Kingstone Mapupu
MAMBO Chihota vekudunhu reMarondera, kuMashonaland East vanoti kubva pakatanga denda reCovid-19, mhosva dzekusavimbika muwanano, huwori nekushungurudzana mumisha dziri kuwanda idzo dzinoguma dzakwidwa kudare ravo.
VaRaphael Ngoni Chigodora vanova Mambo Chihota vanoti kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 munyika muno mugore ra2020, mudare ravo muri kuwandawo mhosva dzakasiyana.
“Ichokwadi, chirwere cheCovid-19 chaunza kusagadzikana kwezvinhu mumhuri dzakawanda mudunhu mangu nekukonzerawo kuparwa kwemhosva dzakasiyana mudzimba. Izvozvi mukaona mhosva dziri kuuya kudare rangu dzekutorerana madzimai, kubvutirana varume nekurwira ingava minda kana mapindu dzakawanda zvikuru. Tine mhosva dzemakunakuna dziri kuwandawo, kushungurudzwa kwevakwegura nedzimwe dzinofambirana nekuti vanhu vanenge vachigara kudzimba,” vanodaro Mambo Chihota.
Vanoenderera mberi vachiti, “Tine vanhu vaiva varamwa misha vari kumabasa asi ndokuzoburitswa mabasa ndokuona upenyu husisaite kwavaigara nemhuri dzavo. Vakadzoka kumisha vachiwana dzimba dzaparara uye minda yevabereki ichirimwa nedzimwe hama. Nyaya dzose idzi dziri kuuya kudare rangu vanhu vachirwira minda nemapindu.”
Mambo Chihota vanoti rimwe rematambudziko akatarisana nedunhu ravo nderevechidiki vari kutora zvinodhaka nekuda kwekushaya zvekuita avo vanopedzesira vave kuita mabasa ehunzenza nekupara mhosva.
Vanoti kune vanhu vaimboshora kugara kumaruwa avo vari kudzoka kubva kumadhorobha nekumaguta mushure mekunge zvinhu zvaoma.
“Covid-19 yakaipa asi yaunganidza mhuri dzaive dzaparadzana kwemakore akawanda, zvava kusimudzawo mhosva dzakawanda muvanhu.
“Nyaya dzatiri kuona kumaruwa nekuda kwedenda iri zvapa chidzidzo kuruzhinji kuti misha haisiiwe ichiparara, vamwe vava kudzoka misoro imire vasina pekugara vosvipokopinda mukicheni maambuya kana maamai mavakambotiza vachiti kuchirungu kunoshamisira,” vanodaro Mambo Chihota.
Vanokurudzira vanhu kugara zvakanaka uye kana vachinge vatadza kuwirirana votsvaga vayananisi pane kuita zvemhirizhonga.