Vanhu vakaremara baiwai majekiseni
SANGANO rinorwira kodzero dzevakaremara reNational Association of Societies for the Care of the Handicapped (NASCOH) rinoti zvakakosha kuti vanhu vari muboka iri vabaiwe nhomba dzekuvadzivirira kuchirwere cheCovid-19 pamwe nekuwaniswa zvekushandisa kuti vasatapurirwe denda iri.
Mashoko aya akataurwa naVaHenry Masaya avo vakafanobata chigaro chemukuru weNASCOH vachiti veruzhinji vanofanirawo kubvisa nyaya dzerusarura kune vakaremara munharaunda dzavagere.
“Tinokurudzira Hurumende kuti ipe mikana izere kuvanhu vakaremara panyaya dzekudzivirirwa kuchirwere cheCovid-19 kuburikidza nekubaiwa nhomba uye kuwaniswa zvekushandisa semasanitizer nemamasiki sezvo vazhinji vavo vari panyatwa yekutapurirwa chirwere ichi, zvikuru sei vakwegura avo vanochengetwa mumisha yevakura umo munenge muine vanhu vakawanda,” vanodaro.
VaMasaya vanoenderera mberi vachiti, “Tinokurudzira zvekare vanhu vari munharaunda kuti vabvise nyaya dzerusarura kune vakaremara uye rusarura urwu kazhinji rwunotangira mudzimba apo vamwe vabereki kana vachengeti vevakaremara vanonyara navo nokudaro vanovapfigira mudzimba. Izvi zvinoita kuti vakundikane kuwana dzidzo nezvimwe zvakakosha muraramo yavo.”
VaMasaya vanoti sangano ravo – rakabatana neveSightsavers Zimbabwe – pari zvino vari kuita gadziriro dzemusangano mukuru weGlobal Disability Summit uyo uchaitirwa kunyika yeNorway gore rino.
Mugore ra2018, musangano uyu wakaitirwa kuUnited Kingdom nekuKenya.
VaMasaya vanoti hurumende dzepasi rose nemamwe masangano uye vanhu vakazvimiririra vakaita zvitsidzo zvitanhatu zvinosanganisira kuona kuti munhu wese awana ruremekedzo nechiremerera, kuwaniswa kwedzidzo yakaenzana, kusimudzirwa munyaya dzeupfumi, kushandiswa kweruzivo rwechizvino-zvino, kuva neruzivo rwehuwandu hwevanhu vakaremara sekuti vakadzi vangani, varume uye vana – pakati pezvimwe.
“Pamusangano uyu, Hurumende yeZimbabwe yakavimbisa kushanda zvakasimba mukusimudzira kodzero dzevakaremara zvikuru yakanangana nemadzimai nevanasikana. Zimbabwe yakazvipira zvakare kutevedza zviri mumirawo yeUnited Nations Convention on the Rights of Persons with Disabilities,” vanodaro.
VaMasaya vanoti pamusangano we2022 Global Disability Summit, nyika dzichange dzichiratidza kuzadzikisa kwadziri kuita zvisungo zvakawiriranwa maringe nekodzero dzevakaremara, pachitariswa matanho ari kutorwa kugadzirisa nhunha dzavo uye zvinangwa zvinoendeka. “Donzvo redu guru sevanhu vakaremara nderekukurudzira nyaya dzebudiriro pamusangano uyu. Uchange uine komekedzo yatiri kupa kuhurumende dzepasi rose kuti dziratidze kuzvipira kwadzo mukusimudzira nyaya dzevakaremara, kupa masimba kumasangano anorwira kodzero dzevakaremara uye kutsigira kodzero dzemadzimai nevanasikana,” vanodaro VaMasaya.