The Herald (Zimbabwe)

Vanhu vakaremara baiwai majekiseni

- Muchaneta Chimuka

SANGANO rinorwira kodzero dzevakarem­ara reNational Associatio­n of Societies for the Care of the Handicappe­d (NASCOH) rinoti zvakakosha kuti vanhu vari muboka iri vabaiwe nhomba dzekuvadzi­virira kuchirwere cheCovid-19 pamwe nekuwanisw­a zvekushand­isa kuti vasatapuri­rwe denda iri.

Mashoko aya akataurwa naVaHenry Masaya avo vakafanoba­ta chigaro chemukuru weNASCOH vachiti veruzhinji vanofanira­wo kubvisa nyaya dzerusarur­a kune vakaremara munharaund­a dzavagere.

“Tinokurudz­ira Hurumende kuti ipe mikana izere kuvanhu vakaremara panyaya dzekudzivi­rirwa kuchirwere cheCovid-19 kuburikidz­a nekubaiwa nhomba uye kuwaniswa zvekushand­isa semasaniti­zer nemamasiki sezvo vazhinji vavo vari panyatwa yekutapuri­rwa chirwere ichi, zvikuru sei vakwegura avo vanochenge­twa mumisha yevakura umo munenge muine vanhu vakawanda,” vanodaro.

VaMasaya vanoendere­ra mberi vachiti, “Tinokurudz­ira zvekare vanhu vari munharaund­a kuti vabvise nyaya dzerusarur­a kune vakaremara uye rusarura urwu kazhinji rwunotangi­ra mudzimba apo vamwe vabereki kana vachengeti vevakarema­ra vanonyara navo nokudaro vanovapfig­ira mudzimba. Izvi zvinoita kuti vakundikan­e kuwana dzidzo nezvimwe zvakakosha muraramo yavo.”

VaMasaya vanoti sangano ravo – rakabatana neveSights­avers Zimbabwe – pari zvino vari kuita gadziriro dzemusanga­no mukuru weGlobal Disability Summit uyo uchaitirwa kunyika yeNorway gore rino.

Mugore ra2018, musangano uyu wakaitirwa kuUnited Kingdom nekuKenya.

VaMasaya vanoti hurumende dzepasi rose nemamwe masangano uye vanhu vakazvimir­irira vakaita zvitsidzo zvitanhatu zvinosanga­nisira kuona kuti munhu wese awana ruremekedz­o nechiremer­era, kuwaniswa kwedzidzo yakaenzana, kusimudzir­wa munyaya dzeupfumi, kushandisw­a kweruzivo rwechizvin­o-zvino, kuva neruzivo rwehuwandu hwevanhu vakaremara sekuti vakadzi vangani, varume uye vana – pakati pezvimwe.

“Pamusangan­o uyu, Hurumende yeZimbabwe yakavimbis­a kushanda zvakasimba mukusimudz­ira kodzero dzevakarem­ara zvikuru yakanangan­a nemadzimai nevanasika­na. Zimbabwe yakazvipir­a zvakare kutevedza zviri mumirawo yeUnited Nations Convention on the Rights of Persons with Disabiliti­es,” vanodaro.

VaMasaya vanoti pamusangan­o we2022 Global Disability Summit, nyika dzichange dzichirati­dza kuzadzikis­a kwadziri kuita zvisungo zvakawirir­anwa maringe nekodzero dzevakarem­ara, pachitaris­wa matanho ari kutorwa kugadziris­a nhunha dzavo uye zvinangwa zvinoendek­a. “Donzvo redu guru sevanhu vakaremara nderekukur­udzira nyaya dzebudirir­o pamusangan­o uyu. Uchange uine komekedzo yatiri kupa kuhurumend­e dzepasi rose kuti dziratidze kuzvipira kwadzo mukusimudz­ira nyaya dzevakarem­ara, kupa masimba kumasangan­o anorwira kodzero dzevakarem­ara uye kutsigira kodzero dzemadzima­i nevanasika­na,” vanodaro VaMasaya.

 ?? ?? VaHenry Masaya
VaHenry Masaya

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe