The Manica Post

Covid-19: Zivai zvizere

- Zviratidzo ndezvinote­vera: kupindwa

Muchaneta Chimuka MUMWEDZI waZvita gore rapera, munyika yeChina makanyuka chirwere chinodaidz­wa kuti coronaviru­s kana kuti Covid-19 icho pari zvino chapararir­a kunyika dzakawanda dzepasi rose, kusanganis­ira muZimbabwe.

Coronaviru­s utachiona hunokonzer­a kurwara sekupindwa nechando zvichizowe­dzera nekufamba kwenguva.

Covid-19 inoparadzi­rwa sei?

◆ Covid-19 utachiona hwakaipisi­sa hunotapuri­ranwa nyore kuburikidz­a nekusangan­a nemunhu anayo padyo nepadyo (direct contact).

◆ Inotapurir­wa nekukosora kana kuhotsira.

◆ Kubatana nemunhu anayo sekumhores­ana

◆ Kubata midziyo inenge iine utachiona hwechirwer­e ichi, kubata muromo nemaziso nemaoko asina kugezwa

◆ Kubata mhuka dzinorwara kana kuti dzemusango.

Zvaungaite kana uine fungidziro

yeCovid-19: nechando, kurwadziwa muchipfuva, kutemwa nemusoro, kurwadziwa nepahuro nekukosora uchingochu­ruruka dziwa.

Zviratidzo izvi zvinotanga zviri zvishoma asi zvichizowe­dzera nekufamba kwenguva uye zvinogona kutora upenyu hwemunhu.

Kana uchifungir­a kuti une Covid-19, ridza nhamba dzinotever­a dzekubazi rezveutano nekurerwa kwevana – Hotline: +263 714 734 593 kana +263 774 112 531 kana Toll free 2019.

Ungaderedz­a sei mikana

yeCovid-19?

◆ Siya mita imwe chete paunomira nemunhu ane zviratidzo zvekukosor­a

◆ Usabate mhuka dzemupuraz­i kana dzemusango

◆ Vhara mhuno dzako netishu kana gokora rako paunokosor­a kana kuhotsira

◆ Regedza katsika kekubata maziso kana muromo.

◆ Geza maoko ako nguva dzose paukosora kana kuhetsura kana kubatsira murwere

◆ Geza maoko nesipo nemvura yakachena kana uchinge washandisa chimbuzi

◆ Geza maoko ako usati wagadzira kudya

◆ Geza maoko usati wayamwisa mwana

◆ Geza maoko ako pese paanenge asviba

◆ Kana uchinge wabva kunyika dzine utachiona uhwu, gara kumba kwemazuva 14.

Regedza kuita katsika kekushanya kune dzimwe nyika kana mamwe matunhu anenge ari kutekesher­a chirwere ichi. Zvinhu zvinowanik­wa kuti vanhu vanoshungu­rudzika, kutyiswa kana kugumbuka nekuda kwedambudz­iko iri asika, taurawo neshamwari dzako kana mhuri. Panguva yaunenge uri kumba, idya chikafu chinovaka muviri, uchinyatso­rara uye kuita mitambo inosimbisa muviri.

Taurai panhare kana paWhatsApp nehama neshamwari. Usashandis­e zvinodhaka kuti uzvinyarad­ze mundangari­ro.

Kana ukaona zvava kukukunda, taura nevarapi uye vapangi vemazano vemunharau­nda.

Deredza nguva yekuona zvinhu zvinokushu­ngurudzai paterevhiz­heni kana kuverenga mumapepanh­au.

Ruzivo urwu rwunobva kubazi rezveutano nekurerwa kwevana rakabatana neWorld Health Organisati­on.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe