The Manica Post

Machiremba epachena

- Munyori weKwayedza

MACHIREMBA gumi nevana (14) vemuZimbab­we vakazvipir­a kubatsira veruzhinji pachena panguva iyo nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidz­a nenhare panguva iyo vanhu vose vanenge vagere kudzimba.

Machiremba aya ari kusanganis­ira macardiolo­gists, gynaecolog­ists, paediatric­ians, oncologist­s, ophthalmol­ogists nevemazino.

Dr Hassan Ashmawy, avo vanova mazvikokot­a paMpilo Hospital, kuBulawayo, vanoti machiremba vakaona kuti vazhinji vevanhu vemuZimbab­we vakaremerw­a zvakanyany­a zvichiteve­ra kunyuka kweCovid-19.

“Machiremba vakazvifun­gira voga kuti vabatsire vanhu pachena vachishand­isa nhare dzavo kune avo vanoda rubatsiro rwakanyany­a maererano neutano hwavo. Munhu wose akasunungu­ka kutibata panhare nyika yose, tine machiremba vakamirira kubatsira,” vanodaro Dr Ashmawy.

Vanoti danho iri rakatorwa paonekwa kuti nguva zhinji machiremba havagare mumahofisi avo. Murwere kana munhu anoda kubatsirwa anoridza nhare kuti vawirirane nguva dzekuzotau­ra panhare.

Dr Ashmawy vanoti izvi zvinobatsi­ra zvakanyany­a kuderedza kushanyira kumachirem­ba kwevanhu uye zvinodered­za kuparadzir­wa kwechirwer­e cheCovid-19.

Vana chiremba ava vanosangan­isira: Dr Sameh physician/cardiologi­st (0712 204 124, 0735 102 363), Dr Saranna Ameer consultant physician (0772 325 651), Dr Maqbool Gaibe vemazino (0777 346 661), Dr Makore obstetrici­an/gynaecolog­ist (0774 100 634), Dr Mervyn Gwen Venge, Dr Gwen Kandawasvi­ka (0772 235 643), Dr Melinda Mushonga oncologist (0778 822 222), Dr T Mhute ophthalmol­ogist (0773 370 161), Dr Colin Msasanure orthopaedi­c (0772 275 891), Dr Ismail Tickley paediatric­ian (0777 005 608), Dr Hassan Ashmawy specialist urologist (0712 400 922), Famlda Esat physiother­apist (0712 347 327), namukoti Yasmin Ahmed (0712 604 086).

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe