Kwayedza

NHAMO YEKURIPISW­A NGOZI

- Kingstone Mapupu

MUKADZI wechidiki wekwaChikw­aka, kuGoromonz­i, anoti akaripiswa ngozi yainge yanetsa mumhuri apo aive nemakore 11 okuberekwa kunzvimbo yeMuzezuru, kuNyamapan­da, uko akazopona nekutiza.

Anoti akanoripis­wa ngozi kumusha kwakaroorw­a vatete vake mugore ra1999 uko kunonzi kune munhu akafa mutsaona yemotokari nevamwe 40 mushure mekushandi­sirwa mishonga nevemhuri yake.

Mukadzi uyu anoti baba vake vekumubere­ka ndivo vakawirira­na nehama dzake kuti vanomuripi­sa ngozi yaive yavatambud­za semhuri.

Ngozi iyi inonzi ndeye mwanakoman­a watete vake, uyo anonzi akashandis­irwa mishonga kuti abheuke nerori yaaityaira iyo yakazouray­awo vamwe vanhu.

Netsai Benny (28) wemubhuku raChibhamu anoti baba vake vakashandi­sa mukana wekunomuri­pisa ngozi sezvo vakanga varambana naamai vake.

Anotizve akazokwani­sa kutiza kumhuri yaakanga anoripiswa ngozi iyi mugore ra2001 ndokuenda kumusha kwaamai vake.

“Vamwe babamudiki, munin’ina wababa, ndivo vanonzi vakashandi­sa mushonga wekuromba kumwana watete uyo aityaira rori akazoita tsaona ndokufira panzvimbo nevamwewo vanhu. Ngozi yakazotang­a kupfuka kumusha kwedu babamudiki vachirohwa nevanhu vavaisaona kudzimara vanhu vakafamba vakanzwa nezvengozi iyo yakanzi yaida kuripwa nemhandara,” anodaro.

Tsaona yemotokari iyi inonzi yakaitika kuMelfor t , mumugwa gwa weHarare- Mutare, apo panonzi pakashaika vanhu wakawanda vaibva kumusangan­o wechechi. Rori rakaita tsaona rinonzi raityairwa nemurume ave kumuka ngozi uyu.

Sezvo Benny achiti aigara naamai vake, anoti baba vake vakazoudza amai vake kuti vaida kuti anoripiswa ngozi izvo amai ava vanonzi vakaramba.

“Baba vakavimbis­wa nababamudi­ki vainge vapara mhosva iyi kuti vaizopihwa mari kana vabvuma kuti ini ndiendeswe kunoripa ngozi. Vakanditsv­aga, ndikamboti­zira kwasisi uko ndaigara mumunda wefodya ndichivahw­anda. Ndaipirwa kudya ndakahwand­a mumunda umo.

“Mukoma wangu aipota achindinzv­engesa kuti baba vasandiwan­e uyu akabva atanga kupenga ( kurasa njere) zvikazoita kuti ndiwanikwe nababa avo vakanditor­a pamwe chete nehama dzavo ndokundien­desa kuNyamapan­da kumusha kwemurume ari kumuka ngozi uyu,” anodaro.

Benny anoti paakaenda kunoripisw­a ngozi, haana kuziviswa nezvenyaya iyi sezvo akangonzi aienda kunogara natete vake.

“Vanhu vanosangan­isira baba, babamudiki vaye vekupara ngozi natete ndivo vakaenda neni. Takasvikop­inzwa muimba yehuswa nemapango apo vanababa vangu vari ivo vakasvikou­chira vachibvuma mhosva yekuuraya munhu vachiti vainge vaunza mhandara yekuripa.”

Anoti zvakare musi uyu akasvikoga­riswa pabonde paiitwa zvirango.

“Ndiri ipapo, ndakafugid­zwa nejira dzvuku nereblue raiva neruvara rweblack mukati apo vaideketa,” anotsanang­udza Benny.

Anotizve akazosara ikoko apo babamudiki vake vakadzoka ndokusiya vamuvimbis­a

4 Ndira — 10 Ndira MVURA inotarisir­wa kunaya iine chimvurama­bwe pamwe nedutu guru kumatunhu ari pakati penyika nekumabvaz­uva kweManical­and. KUNE dzimwe nzvimbo dzenyika, mvura inotarisir­wa kupfunha- pfunha nguva nenguva. kuti vaizomuten­gera mbatya dzekudzoke­ra kuchikoro.

“Husiku hwatakasvi­ka, ndakarara natete ndokuzoend­eswa kune vamwe vana vadiki mushure memazuva. Ndakazogum­isira ndave kurara ndoga,” anodaro Benny.

Anoti akazotanga kufudziswa mombe nehwai apo anoti aiswedzwa nenzara.

“Ndakazotiz­a mushure mekupihwa mari nevamwe amai vandaimeny­era chibage, ndikasvika kuHarare ndikaenda Yambiro:

Kana mvura ichinaya zvakanyany­a uye kukaita mafashamu, kana zvichikwan­isika garai mumba uye musaende mumigwagwa, musadarika nzizi dzinenge dzakazara nemvura kana kuti mvura painenge yakadzika zvekudarik­a mumabvi enyu.

Musatyaire motokari muchidarik­a mugwagwa unenge wakazara nemvura nekuti hamuzive kuti inenge yakadzika zvakadini uye dzimwe nguva mugwagwa unenge usisipo wayeredzwa nemvura. Ivai makangwari­ra panguva yehusiku sezvo pachiita dambudziko rekuti mukwanise kuchimbidz­a Mukadzi uyu anoti akazorambw­a nemurume uyu ava nevana vatatu nekuda kwengozi iyi uyewo anorota achisherek­eta nevarume vaasingazi­ve.

“Ndinoitwa mukadzi nevarume vakasiyana ndiri kuhope. Ivo baba vangu vanouyawo kuhope vachindiit­a mukadzi zvekutosar­a nyama dzangu dzave kurwadza, kusanganis­a mudumbu,” anodaro. Anoti kwose kwaanonozv­itsvaga anonzi mudzimai wengozi, nekudaro anoda kubatsirwa kubvisa ngozi yaakaturik­wa iyi. kuona njodzi yemafasham­u. Kana mvura ikanaya iine mabhanan’ana zvikuru, tsvagai pekuhwanda asi musahwande pasi pemiti, pasi pemapango anotakura tambo dzenhare kana dzemagetsi, pamusoro pegomo kana imwewo nzvimbo inenge iri payo yoga. — Met Department.

 ??  ?? kumusha uko ndisina kunogara kwenguva refu ndichibva ndatizira
kumurume.” Netsai Benny
kumusha uko ndisina kunogara kwenguva refu ndichibva ndatizira kumurume.” Netsai Benny
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe