Chivi chinodya mwene wacho
VAKURU vane chirevo chinoti, “Chivi chinodya mwene wacho.” Izvi zvinoreva kuti kana munhu akaita chakaipa, mangwana zvinozomuzvimbira.
Mabasa ose zvawo akaipa ane mubairo zvisinei nekuti panguva iyo munhu paanenge achizviita anoisa zvimiti munzeve apo vamwe vanenge vachimutsiura.
Svondo rino tine imwe nyaya inopa chidzidzo kune veruzhinji, chekuti zvakakosha kudya chedikita kwete kuda kupona nezvekuba.
Nyaya iyi ndeyemurume ari kubuda pachena achidunura kuti apfidza uye ari kutsvaga anomubatsira zvichitevera dambudziko raave naro nekuda kwemabasa ake ehumbavha.
Sekutaura kwemurume uyu, aive mbavha kana kuti gororo remandiriri zvekuti aiti kana ashaya chekuba pamba pevanhu, aigona kuba kana chikorobho chaicho.
Asi, vakuru vanotiwo ndambakuudzwa akazoonekwa nembonje pahuma.
Murume uyu anoti nhasi uno ave bofu uye hupofu uhu hwakauya mushure mekunge ashandisirwa mishonga nevanhu vaive varwadziwa apo akavabira zvinhu zvavo.
Anoti hapana hama yake ichada kumuona kana kumubatsira nekuti aivabira pamwe nekudya oga mari yake pamazuva ake aakakurumbira nehukopokopo.
Murume uyu anoti anogara oga, haashande uye anotobatsirwa nevatorwa asi hama dzake dziripo.
Nyaya yemurume uyu inosiririsa asi ndomene haichemedze. Kazhinji kana munhu achiita mabasa akaipa, anotovenga vaye vanenge vachimutsiura. Vazhinji vanoda kuzvionera pamunhuno sefodya sezvave kuitwa nemurume uyu.
Zvakafanana nekuti kana mwana akaudzwa nemubereki wake kuti asabate moto nekuti unopisa, kana akaita nharo anopedzisira atsva nemoto wacho.
Hongu, hatingakurudzire veruzhinji kuti vagadzire kana kusota mbabva dzinenge dzichivabira.
Asika, munhu anofanira kudya zvinobva mudikita rake. Chokwadi hungave upenyu here hwekuti vamwe ndivo vekushanda iwe wongonokohwa pasina chawakadyara kana kusakurira?
Zviri kuitika kumurume uyu chidzidzo kune vose vanoda kudya zvavasina kushandira. Ukaona murume mukuru obuda pachena sezviri kuitwa neaimbove mbavha yemakoko uyu, zvinhu zvinenge zvarema.
Hazvisi nyore kuti munhu areurure kunyika yose kuti aive mbavha yemakoko uye ndokuzogadzirwa nemishonga akave bofu.
Inyaya inonyadzisa nekushoresa zvikuru uye zviri pachena kuti murume uyu akambozama kuda kuvanza dambudziko rake kusvikira aona kuti zvamukunda ndokuzobuda pachena.
Kana pane vanokwanisa kumubatsira, ngavamuyamure asi ngaabve apfidza kuda kudya zvaasina kushandira.
Chera kakomba usvipire mate uchiti: “Ndapfidza, handichazviita!”