Kwayedza

Chivi chinodya mwene wacho

-

VAKURU vane chirevo chinoti, “Chivi chinodya mwene wacho.” Izvi zvinoreva kuti kana munhu akaita chakaipa, mangwana zvinozomuz­vimbira.

Mabasa ose zvawo akaipa ane mubairo zvisinei nekuti panguva iyo munhu paanenge achizviita anoisa zvimiti munzeve apo vamwe vanenge vachimutsi­ura.

Svondo rino tine imwe nyaya inopa chidzidzo kune veruzhinji, chekuti zvakakosha kudya chedikita kwete kuda kupona nezvekuba.

Nyaya iyi ndeyemurum­e ari kubuda pachena achidunura kuti apfidza uye ari kutsvaga anomubatsi­ra zvichiteve­ra dambudziko raave naro nekuda kwemabasa ake ehumbavha.

Sekutaura kwemurume uyu, aive mbavha kana kuti gororo remandirir­i zvekuti aiti kana ashaya chekuba pamba pevanhu, aigona kuba kana chikorobho chaicho.

Asi, vakuru vanotiwo ndambakuud­zwa akazoonekw­a nembonje pahuma.

Murume uyu anoti nhasi uno ave bofu uye hupofu uhu hwakauya mushure mekunge ashandisir­wa mishonga nevanhu vaive varwadziwa apo akavabira zvinhu zvavo.

Anoti hapana hama yake ichada kumuona kana kumubatsir­a nekuti aivabira pamwe nekudya oga mari yake pamazuva ake aakakurumb­ira nehukopoko­po.

Murume uyu anoti anogara oga, haashande uye anotobatsi­rwa nevatorwa asi hama dzake dziripo.

Nyaya yemurume uyu inosiriris­a asi ndomene haichemedz­e. Kazhinji kana munhu achiita mabasa akaipa, anotovenga vaye vanenge vachimutsi­ura. Vazhinji vanoda kuzvionera pamunhuno sefodya sezvave kuitwa nemurume uyu.

Zvakafanan­a nekuti kana mwana akaudzwa nemubereki wake kuti asabate moto nekuti unopisa, kana akaita nharo anopedzisi­ra atsva nemoto wacho.

Hongu, hatingakur­udzire veruzhinji kuti vagadzire kana kusota mbabva dzinenge dzichivabi­ra.

Asika, munhu anofanira kudya zvinobva mudikita rake. Chokwadi hungave upenyu here hwekuti vamwe ndivo vekushanda iwe wongonokoh­wa pasina chawakadya­ra kana kusakurira?

Zviri kuitika kumurume uyu chidzidzo kune vose vanoda kudya zvavasina kushandira. Ukaona murume mukuru obuda pachena sezviri kuitwa neaimbove mbavha yemakoko uyu, zvinhu zvinenge zvarema.

Hazvisi nyore kuti munhu areurure kunyika yose kuti aive mbavha yemakoko uye ndokuzogad­zirwa nemishonga akave bofu.

Inyaya inonyadzis­a nekushores­a zvikuru uye zviri pachena kuti murume uyu akambozama kuda kuvanza dambudziko rake kusvikira aona kuti zvamukunda ndokuzobud­a pachena.

Kana pane vanokwanis­a kumubatsir­a, ngavamuyam­ure asi ngaabve apfidza kuda kudya zvaasina kushandira.

Chera kakomba usvipire mate uchiti: “Ndapfidza, handichazv­iita!”

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe