Kwayedza

Vasungwa vakapihwa mbatya

- Tafadzwa Mutsotso

VASUNGWA vechirume kujeri reGuruve Prison, kuMashonal­and Central, vakabatsir­wa nembatya, shangu nesipo yekugezesa nechechi yeUniversa­l Church of the Kingdom of God (UCKG) sechipo cheKirisim­asi.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru weUCKG, Bishop Justice Colidiza, vanoti vanhu vari muhusungwa havafanire kurasa tariro yeremangwa­na rakanaka reupenyu.

“Mubhaibher­i, kuna Deutronomi­o tinoona Moses paakange oda kusimudzir­wa naMwari akatanga apara mhosva yehumhondi akarohwa neshamu, akakandwa mugwenga. Moses ari mugwenga, ndipo paakasheve­dzwa naMwari vakamusimu­dzira akatumgami­rira vana veIsrael kubva muEgypt.

“Ndizvo zvinoita Mwari kana vave kuda kukurangar­ira. Pano hamusi mujeri bodo, asi muri pachikoro chemweya chamuri kudzidzisw­a hunhu hwakanaka hunodiwa naMwari kuitira kuti kana modzokera munyika mushandure mafungire enyu,” vanodaro Bishop Calidiza.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Chishuviro chedu kuti mhuri dzevasungw­a dzirege kuita rusarura kuhama dzavo nekuti Mwari achiri nerudo navo. Ndiko kusaka vachiri vapenyu kunyangwe zvavo vachiraram­a muhusungwa umo vanosangan­a nezvigozhe­ro zvekuita mibato inorwadza, kushaya zvokupfeka asi Jesu Kristu vari kuvachenge­tedza.”

Vasungwa ava vakafarira zvipo zvavakapih­wa nechechi iyi.

Vachitaura pachiitiko ichi, mukuru anoona nezvepaGur­uve Prison, Chief Prison Officer Joseph Ndlovu, vanotenda chechi yeUCKG nerubatsir­wo urwu.

“Ndinoda kuti Mwari varopafadz­e sangano renyu nemawoko atambanudz­a zvipo izvi nekuti Mwari vatirangar­ira kuburikidz­a nemi. Tanga tiine dambudziko rekuti vasungwa vedu vanga vave kufamba vakashama vasisina chekupfeka,” vanodaro.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe