Kwayedza

Akaramba mwana mudare

- Trymore Muvhawa

MURUME wekuEpwort­h wekuendesw­a kudare remendenen­zi neaimbova mudzimai wake akatyora vanhu mbabvu nekuseka apo akati aitotanga kuona mwana waainzi abvisire mari uyu mudare uye haana kana kumbozivis­wa kubvira pachiri pamuviri.

Getmore Mangena akamhan’arira John Zvoushe kuHarare Civil Court achida $50 pamwedzi yekuchenge­ta mwana.

Zvoushe akaudza dare kuti hapana zvaanoziva pamusoro pemwana uyu.

“Chinondish­amisa ndechekuti anoda kuti ndibhadhar­e mari kumwana wandisinga­zive. Kutaura chokwadi handina kana musi wandakaudz­wa nezvepamuv­iri kana kutongoona mwana uyu zvake asi kuzongonzw­a kuti uri kudiwa kudare nenyaya yekuti ubhadharir­e mendenenzi mwana wako,” akadaro. Akati ichokwadi kuti akambofamb­idzana naMangena.

“Ndaifambid­zana naye asi takasiyana patove nenguva, ndingangot­i takasiyana muna June (Chikumi) 2014 ndichienda kuBotswana. Pandakaend­a kuBotswana muna October (Gumiguru), ndakasiya Mangena asina pamuviri asi iko zvino zvave kundishami­sa kuti kana ari mwana wangu, ingadai isina kuoneka here nhumbu yacho?” akadaro.

Zvoushe akaenderer­a mberi achiti: “Pasipoti ndiyo mufakazi wangu. Pasipoti yangu yakadhindw­a musi wa27 Gumiguru zvinoreva kuti pamwedzi mitanhatu iyi, dai nhumbu yaivepo ingadai yakaonekwa.”

Mangena, uyo airatidza kuti aifashaira nehasha, akapokana nezvaitaur­wa naZvoushe.

“Mambo wangu, ini handipengi izvozvi ndiri kugara kumba kwavo naamai vake asi iye haaticheuk­e ini nemwana wangu. Zvandinozi­va ndezvekuti ndakashere­keta naye katanhatu. Zvaari kutaura zvemuna June (Chikumi) ndaitove kumusha panguva iyoyo,” akadaro.

Akati Zvoushe paakamuudz­a kuti akange ave nepamuviri akatanga kunzvenga-nzvenga.

“Iye ndiye munhu wekutanga kutoziva kuti ndine pamuviri akatofoner­a hanzvadzi yake achiitauri­ra kudaro ini pandainge ndisati ndazviziva panguva iyoyo. Pandakamut­aurira kuti zvinhu hazvisisin­a kumira mushe, ndipo paakatanga kusvetuka-svetuka. Akanditaur­ira muromo wekuti mwana iyeye ndewako nekuti wamuita tisina kuwirirana.

“Ndakamutev­era kuEpworth kubva kumusha hanzvadzi yake ikandiudza kuti hameno pfambi yaari kugara nayo,” akadaro Mangena achifemuru­ka nehasha.

Mutongi Sharon Rakafa akati Zvoushe abhadhare $25 pamwedzi yekuchenge­ta mwana wake.

Akati zvakare kana asingagudz­ikani kuti mwana uyu ndewake, anogona kuenda kunoitwa ongororo nanachirem­ba ( DNA) mukati memwedzi mitanhatu.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe