Kwayedza

ZRP yobatsira nherera, chirikadzi

- Trymore Muvhawa

MAPURISA eZimbabwe Repulic Police ari kuita basa guru rekubatsir­a nherera nechirikad­zi dzakasiiwa nemapurisa aishandira chikamu chePolice Protection Unit (PPU) kubudikidz­a nekuvapa chikafu nekubhadha­rira vana mari dzechikoro.

Vachitaura pakupa chirikadzi chikafu nguva yadarika muHarare, Officer Commanding Police Protection Unit, Senior Assistant Commission­er Lee Muchemwa, vanoti ibasa ravo kurangarir­a vamwe vavo vavakashan­da navo, avo vakashaya, kuburikidz­a nekuchenge­ta mhuri dzavo.

“Chirongwa chatinacho nhasi chekubatsi­ra nherera nechirikad­zi dzakasiiwa nevamwe vedu vaishandir­a Police Protection Unit tinochiita gore negore apo tinenge tichigover­a mhuri dzavakasiy­a chikafu nezvimwewo. Kunze kwechikafu, vana nemadzimai ava tinovabats­ira nenzira dzakasiyan­a-siyana.

“Tinoendesa­wo vana kuchikoro kusvika kuyunivhes­iti asi chatinoita ndechekuti vabereki vari kugara navo vatipe magwaro anoratidza danho ravasvika,” vanodaro Snr Asst Comm Muchemwa.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Makore mazhinji, tine munda watinorima tichizopaw­o mhuri idzi chibage kuti vakwanise kubatsirik­a. Izvi zviri kuitwa kumativi ose enyika. Dzimwe dzenguva imwe yemari iyi inobva kuhomwe yePolice Commission­er General’s Fun Fare, Horse Race pamwe nekune vamwe vanotibats­ira.”

Mumwe ari kubatsirwa pasi pechirongw­a ichi, Mai Sally Chikwiriro, vanoti vanofara zvikuru nekuwanisw­a zvekudya pamwe nekubhadha­rirwa mari yevana yechikoro.

“Ndinotenda Commission­erGeneral Chihuri nevose vePolice Protection Unit vanoita kuti chirongwa ichi chienderer­e mberi nekuti vanotibats­ira zvikuru. Murume wangu akashaya muna 2012 asi kubva ipapo ndiri kuwana rubatsiro rwechikafu nemari yevana yechikoro.

“Ndinodawo zvakare kuti isuwo semadzimai akasiiwa nevarume tiine mhuri, ibasa redu kuti tishinge kuchengeta mhuri dzedu kuburikidz­a nekuita mabhindauk­o

 ??  ?? Snr Asst Comm Muchemwa
Snr Asst Comm Muchemwa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe