Kwayedza

Ndakasotwa: Tsotsi guru ‘. . . ndava bofu, ndakazoroy­iwa’

- Kingstone Mapupu

MURUME anoshanda sahwindi muHarare uye ari mbavha – gororo remakoko – ari kureurura kuti mabasa aakabata ekubira vanhu amupanduki­ra – zvekusara ava bofu mushure mekusotwa nevanhu vaakarozva.

George Gambe ( 36) uyo anobva kuBocha, kwaMarange mudunhu reMutare, ari kudura kuti itsotsi kana kuti gororo remakoko izvo zvamusiya ava bofu zvichibva mukurarama nehukopoko­po.

Gambe, wemubhuku raChikwawa uye achiita zvehuhwind­i panaFourth Street, muHarare, svondo rino akazopoter­a kumahofisi eKwayedza achiti anotsvaga vangamunun­ure kana kumuroyono­ra pahupofu hwake uhwo anoti hwakakonze­rwa nekubira vanhu zvinhu zvavo.

“Ini ndaiva tsotsi, mbavha gororo. Ndinozivik­anwa nehama dzangu nevatorwa nekuba. Ndaitonzi madzamure, kana chikorobho chaicho ndaiba ndokunge ndashaya chekutora.

“Ndakazoroy­iwa, ndava bofu kubva mugore ra2012.

“Ndinoti kune vandakabir­a, ngavandinz­wirewo tsitsi nekundireg­ererawo. Itai kuti maziso angu avhurike uye makumbo angu apore,” anodaro Gambe achisiriri­sa.

Anoti humbavha hwake ndezve shavi uye zvakatangi­ra kumba kwavo apo vaipota vachimonya huku dzevanhu dzainge dzaenda muchivanze chavo idzo dzavaidya semhuri kusvikira humbavha hwacho hwadzika midzi.

“Ndakamboit­a hwindi nekuva kondakita kubva 2008 kusvika 2010 pamakombi ekuna Fourth (muHarare) ndichienda kuMbare. Pose apa ndaibira vanhu zvinhu zvavo. Mabhegi evanhu kana zvimwe zvinhu taitora tichiraura mari dzevanhu nezvikwama. Iye muridzi wekombi chaiye aichiona, taimubira.”

Gambe, uyo anosvinura maziso asi asina chaanoona, anoenderer­a mberi achiti: “Kana babamudiki vangu chaivo (zita tinaro) ndakambova­shanyira kupurazi kwavo ndikavabir­a mbatya dzinosanga­nisira mashirts 4 nematirauz­i 4 ndikanozvi­tengesa, zvimwe ndikapfeka. Hakuna nzvimbo yandisina kubira munyika muno ini asi vandakaroz­va ngavandire­gererewo.”

Gambe ane fungidziro yekuti pavanhu vaakabira, panogona kunge paine mumwe wavo akazomuend­era kun’anga yechiChewa iri kwaMazai, kuMufakose muHarare, “iyo yakandisot­a”.

“Munhu wandinofun­gira uyu akabvuma kuti ndiye akandigadz­ira arwadziwa nemaitiro angu. Ndakafamba kwakawanda ndichiudzw­a kuti ndiye akandiende­ra kun’anga.

“Munhu iyeyu (zita tinaro) akanditi nditsvage huku chena imwe chete yechivanhu ne$15 kuti ndinopingi­nurwa nen’anga iyi ndigozokwa­nisa kuona. Huku ndakaiwana asi mari handisati ndaiwana.

“Makumbo angu anopisa seakaiswa murufuse izvo zvinonzi zvose ndakagadzi­rwa nen’anga iyi.”

Anotizve nguva yadarika akaenda kunoona munhu waanoti ndiye akamugadzi­ra kun’anga uyu asi akapedzisi­ra amutandani­sa pamba pake nehasha.

“Ndakanomuo­na asi akazogumis­ira ave kunetsana naamainini vangu nenyaya yekundiroy­a iyi. Amainini vachimuti aende neni kun’anga yakavapa muti wekundigad­zira,” anodaro Gambe.

Murume uyu anot i aenda kunozvipir­a kumapurisa kasingaper­i nekuda kwenyaya yekuti abatsirwe nevanhu vaanoti vakamuroya ava pasina chimuko.

Gambe anotizve akamboenda kuchipatar­a nekuda kwemaziso ake akaonekwa namachirem­ba asi hapana shanduko.

Anotiwo hama dzake dzepadyo hadzidi kumuona sezvo dzichimuti aidya mari yake yekuba oga.

“Kumusha kwaMutare ndinogara ndoga sezvo mudzimai wangu akafa uyewo mwana wangu mumwe chete wemakore gumi akatorwa naambuya vangu. Chekudya handina, kana mbatya ndinoshaya anondiwach­ira.

“Ndinogara ndoga, wekundiche­rera mvura hapana. Hama dzangu dzinosanga­nisira Joseph Dhambi ari kuNorton, tete Matilda Gambe vari kuBulawayo, sekuru Lameck Gambe vari kuBocha nevamwewo havadi kundiona mudzimba dzavo nekuti vamwe ndakambova­bira ndisati ndava bofu.

“Kwavari ndinoti kuba chete, hama dzangu ndinodzida dai vandicheng­etawo sezvo ndisisina kwekuenda,” anodaro.

Gambe anoti vamwe vanhu vatorwa vemumusha ndivo vanotombom­upawo kudya.

“Sabhuku wemumusha wandinogar­a haandinyor­ewo kuti ndipihwe kudya kweHurumen­de kwepa- chena. Anotopa vamwe vanhu vakagwinya ini achisindis­iya apa ndiri chirema kudai.”

Murume uyu anoti akabawo mbudzi kwasabhuku Chikwawa, kwakare kuBocha, ndokunoite­ngesa $30 kwaSengayi achibva atizira kuHarare. Munyori weKwayedza SEKURU Bonface Katerera vekuUzumba vanoti Gambe anokwanisw­a kubatsirwa nekuroyono­rwa nevanhu vakamuroya chete.

“Murume uyu ngaasadyir­wa mari nevamwe vanhu vachiti vanomurapa, ngaadzoker­e kuvanhu vaakabira ava, vaende naye kun’anga yakamugadz­ira. Anobatsirw­a akatoona.

“Tine vanhu vanokuma semombe nekuita ndove, vamwe vachikukur­idza sehuku kana kukekedza vaba huku kana mombe. Saka mishonga yekugadzir­a mbavha iriko,” vanodaro.

“Wandaiva ndatengese­ra mbudzi iyi, Funny Sengayi, akazouya kwandiri achiti akazozvizi­va kuti ndakamuten­gesera mbudzi yekuba. Tete vangu vekuBulawa­yo vakazotsva­ga $30 ndokumudzo­sera pamberi pasabhuku.

“Apapo ndakazopih­wa sauti nemumwe mushonga

Mashoko avo anotsinhir­wa naMadzibab­a Elias Gomwe vekuChitun­gwiza vachiti kana murume uyu akanamatir­wa, dambudziko rake rinopera.

“Ari kutaura oga kuti aiva uyo ndakanzi ndinosanga­nisa neweti yangu ndopota ndichizora mumaziso asi hapana chakafamba,” anodaro.

Murume uyu anotiwo akaba nharembozh­a yehanzvadz­i yake Ema Gambe, uyo parizvino ave kuSouth Africa, neyasekuru vake, VaAgrippa Charumbira, dzose akadziteng­esa.

“Vanhu vose ava vakatsutsu­mwa zvikuru nekuda kwemaitiro angu. Hakuna akanga achada kundiona pamba pake nekuda kwekuba. Vakandiona vaitokiya dzimba.

“Ndaibawo huku, zvikuru mumisha kusanganis­ira dzehama dzangu tichidya kumba kwedu. Handaigona kuseva nemuriwo, zvaiyera izvozvo.

“Nhasi zvaoma veduwe, ndinoda kuroyonorw­a ndionewo uye kana munhu akaita izvi achida kuripwa, ndinozozvi­ita ndava kuzvishand­ira. Iye zvino hapana zvandinogo­na kuita.”

Gambe anoenderer­a mberi achiti: “Munhu chaiye akandigadz­ira ndinomuziv­a, ndinomubat­a kwandinofa­mba uye akatozvibv­uma. Saka ndinokumbi­ra kuti andiroyone­rewo kana kuti vanokwanis­a kundibatsi­ra vaite tsiyo nyoro.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura nevamwe vanhu vanonzi naGambe ndivo vakamushan­disira mushonga wekuti aite bofu.

Vanoda kubatsira murume uyu vanomubata panhamba dzinoti 0718 773 986. gororo guru zvinoreva kuti Mwari vanomurege­rera nekuti ari kureurura kunyika yose. Ngaafambe anobatsirw­a,” vanodaro.

 ??  ?? George Gambe
George Gambe
 ??  ?? Bonface Katerera
Bonface Katerera
 ??  ?? Madzibaba Elias Gomwe
Madzibaba Elias Gomwe
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe