Kwayedza

YAMBIRO KUMATICHA Imhosva kupfimba mwana wechikoro’

- Tandayi Motsi

GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Lazarus Dokora, vanoti varairidzi havatender­we zvachose kuti vapinde munyaya dzerudo nevana vechikoro uye vose vanobatwa nemhosva yakadai, vanorangwa zvakasimba.

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reHouse of Assembly nguva pfupi yadarika apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weProporti­onal Representa­tion, Mai Priscilla Misihairab­wi-Mushonga.

Mai Misihairab­wi-Mushonga vaida kuziva matanho anotorwa nebazi iri kuvarairid­zi vanodanana kana kuroorana nevana vechikoro.

Dr Dokora vanoti varairidzi vose havabvumir­we kudanana nevana vechikoro.

“Mut emo weny i k a wakajeka. Kana murairidzi akadanana nemwana asati abva zera — zvisinei kuti ticha iyeye murume kana kuti mukadzi — kurangwa kwacho kwakangofa­nana. Mutemo weCriminal and Evidence Act ndiwo unoona nezvenyaya dzakadai,” vanodaro.

Dr Dokora vanoendere­ra mberi vachiti: “Tinonzwa dzimwe nyaya dzekunzi maticha anodanana nevana vechikoro. Sebazi, tinoongoro­ra nyaya dzakadai.

“Tine vamwe zvakare vane pfungwa dzekuti hapana munhu anofanira kunzi ane mhosva kusvikira aenda kumatare edzimhosva. Kune vamwe varairidzi vanoongoro­rwa nyaya dzavo nebazi rePublic Service Commission kuti chokwadi chaicho chenyaya dzavanenge vachipomer­wa chibude pachena.”

Mai Misihairab­wi-Mushonga vakabvunza­zve kuti chii chinoitwa kuvarairid­zi — zvikuru vechirume — vanodanana nevanasika­na vechikoro vasati vabva zera vobva vazovaroor­a apo vabereki vavo vanotambir­a pfuma.

Vachipindu­ra, Dr Dokora vanoti pasi pemutemo, mwana wose ari pasi pemakore 18 haafanirwe kupinda munyaya dzewanano, zvisinei nemamiriro anenge akaita zvinhu. “Semaonero edu, muZimbabwe hamuna nhengo dzedare reParamend­e, maticha kana vanamuzvin­abhizimisi chete. Saka wose ari muZimbabwe anoroorana nemunhu asati abva zera anorangwa nemutemo uyu,” vanodaro Dr Dokora.

Mumwezve mumiriri weProporti­onal Representa­tion, Toffa Jasmine, vakabvunza kuti ndeapi matanho ari kutorwa nebazi redzidzo mukupa chenjedzo kuvana vechikoro pamusoro penyaya dzekupinda murudo nevarairid­zi.

Dr Dokora vanoti zvakakosha kuziva kuti vana vechikoro vepuraimar­i nesekondar­i munyika yose vanosvika 4,2 miriyoni uye vose vanofanirw­a kunge vachicheng­etedzwa.

“Pamusoro pe z vo , pachikoro choga-choga pane mukuru wechikoro nemupangi wemazano anobatsira (counsellor) vana vechikoro pane zvinenge zvichivane­tsa. Izvi zvinoitwa padivi nevanhu vanokwanis­a kubata hana nekuti vamwe vana havana kusununguk­a kutaura zvinovanet­sa kana vari pane vamwe semuchikor­o.

“Kune vamwe vanhu vakatosung­wa, vasiri varairidzi, mushure mekunge zvabuda pachena kuti vanenge vachishung­urudza vana kudzimba,” vanodaro Dr Dokora.

 ??  ?? Mai Misihairab­wi-Mushonga
Mai Misihairab­wi-Mushonga
 ??  ?? Dr Dokora
Dr Dokora

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe