Kwayedza

Zvikwereti zvevadzidz­i zvadzoka

-

HURUMENDE inoti kutanga gore ra2017 iri kudzosa chirongwa chekubatsi­ra vadzidzi vekumayuni­vhesiti nemakoreji vanobva kumhuri dzinotambu­ra pamwe nenherera nemari yedzidzo (students loans and grants) nechinangw­a chekusimud­zira fundo muZimbabwe.

Mashoko aya akataurwa negurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandud­zwa kweruzivo rwemichina, Professor Jonathan Moyo, nguva pfupi yadarika pamusangan­o mukuru weZANU-PF Annual National People’s Conference uyo wakaitirwa kuMasvingo.

Prof Moyo vanoti hurongwa hwekudzosw­a kwechirong­wa ichi hwave padanho repamusoro.

“Bazi redu rakatotaur­a nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ) kuti ringe richiona nezvechiro­ngwa chemari ichapihwa kuvadzidzi sezvikwere­ti uye zvichaitwa kuburikidz­a nemabhanga kuti vange vachiwanis­wa mari iyi,” vanodaro Prof Moyo.

Vanoti chirongwa ichi chichabats­ira vabereki nevamwe vachengeti vevadzidzi avo vari kunetseka kuti vange vachibhadh­ara mari dzedzidzo yepamusoro yevana vavo.

Chirongwa ichi chakambomi­swa mugore ra2006 nekuda kwekunetsa kwaiita mari uye chakatsivi­wa necheCadet­ship muna 2010.

Zvisinei, chirongwa cheCadetsh­ip hachina kuzofambir­a mberi zvakare nekuda kwematambu­dziko ane chekuita nemamiriro upfumi hwenyika izvo zvakaita kuti mari inge ichinetsa kuwana.

Izvi zvakaita kuti vamwe vadzidzi vakundikan­e kunyora bvunzo dzavo nekuda kwekushaya mari iyo yavaifanir­a kubhadhari­rwa pasi pechirongw­a ichi.

Zvakadaro, Prof Moyo vanoti hapana budiriro ingavepo munyaya dzekusimud­zirwa kwemaindas­itiri neupfumi hwenyika kana vashandi vanofanira kunge vachipinda mumaindasi­tiri iwayo vasina kuwaniswa ruzivo rwemabatir­wo emabasa emumakamba­ni akazvimiri­rira kana everuzhinj­i. — The Herald

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe