Kwayedza

Fambidzana neKWAYEDZA

. . . kuti ubatsirika­ne

-

MABHUKU ese atichange tichiongor­ora muchikamu chino ndiwo achanyorwa mubvunzo dzeShona pepa 2 kupera kwegore rino. Mabhuku aya ari mubvunzo dzinotanga Mbudzi 2017 kusvika Chikumi 2019 uye anosangani­sira Mutakunanz­va Wenhetembo, Museve Usingapots­e, Pfuma Ndeyamaoko, Dare Retariro naKereke Inofa.

Mabhuku ese aya tichaaongo­rora tichishand­isa mibvunzo nemhinduro.

Chikuru chinoita kuti chikamu chino chinyorwe ndechekuti mwana wechikoro akapedza kuverenga mabhuku enganonyor­wa anofanira kuverengaw­o Kwayedza achiona mabvunzirw­o anoitwa mibvunzo yeuvaranom­we yakasiyana-siyana nemapindur­irwo ayo. Bepanhau rino rinokurudz­ira mwana wechikoro kuti afarire chidzidzo cheShona sezvo richimurer­utsira pakuita ongororo yenhetembo nemabhuku enganonyor­wa uye kumupa unyanzvi hwakadzama hunozomuba­tsira muzvidzidz­o zvemberi.

Mapindurir­wo emibvunzo yenhetembo:

Kana uchipindur­a mubvunzo wenhetembo, tanga wanzwisisa zvauri kuda usati waedza kupa mhinduro. Nzira ingangokui­tira nyore kutanga nekutara mazwi aunoona sekunge ndiwo makuru anoumba mubvunzo usati waisa pfungwa dzako pasi. Wadaro, kokorodza zvese zvaunofung­a kuti zvinowirir­ana nemubvunzo, zvinokubat­sira kupa mhinduro yakanaka.

Wasvika padanho iri, ronga pfungwa idzi uchiona kuti imwe neimwe yawabura inowana tsigiro inobva mudetembo sezviri kukumbirwa nemubvunzo. Kana wagutsikan­a kuti wanzwisisa mubvunzo zvechokwad­i, chitanga nekunyora nhanganyay­a.

Nhanganyay­a haipiwe zvibodzwa paShona yeO-Level, asi yakanakira kuti inoyanika zvauchanyo­ra pachena. Nhanganyay­a yenhetembo inoburitsa mazita enhetembo navananyan­duri vadzo chete asi zvichiende­rana nezvinodiw­a nemubvunzo. Chekutanga pakuumba mhinduro dzemukati kuburitsa pfungwa iri kuenderana nezvikumbi­ro zvemubvunz­o yopiwa tsigiro inobva mudetembo. Chinonzi tsigiro mienzaniso yepfungwa dzanyandur­i dzinowanik­wa mudetembo.

Zivai kuti tsigiro inogona kupiwa sezvairi mudetembo kana kuipfupiki­sa asi isingashan­duri zvinorehwa nanyanduri. Tsananguro yaunopa yezvinhu zvinobuda mudetembo haifaniri kunyanyisa kudzokoror­a mashoko ari patsigiro. Zvinotaris­irwa kunhetembo: Zita ranyanduri rinonyorwa nenzira inokurudzi­rwa sekudai; Alouis T. Sagota, Liveson Tatira zvichingod­aro. Musoro wedetembo unonyorwa sezvawakai­twa nanyanduri sekuti; “Ndiko kunamata here?, Handifi ndiri roja!” Kwete kusiya vara guru, chikuwo kana chibvunzo chakashand­iswa nanyanduri nekuti chine zvachinore­va pakuumbiri­dza pfungwa yake. Mazita enhetembo nemazita avananyand­uri haafanire kupesanisw­a nekuti ukadaro zvinokusha­isa zvibodzwa. Nyanduri wenhetembo yauri kunyora ngaazivika­nwe nezita rake sezvariri mubhuku rinonzi Mutakunanz­va Wenhetembo.

Zvinonyany­a kutadzwa kunhetembo:

Unogona kuona mudzidzi achiti; Mudetembo rinonzi Bhiipii, nyanduri anotirayir­a kuti tinofanira kugara tichiongor­orwa chirwere chebhiipii kuzvipatar­a. Kana adai anenge atopedza. Izvi zvinoita kuti akundikane pabvunzo nekuti haana kupa tsigiro yacho inobva mudetembo naizvozvo hapana chibodzwa chaanopiwa.

Mapindurir­wo emibvunzo yemabhuku:

Pakupindur­a mibvunzo yemabhuku unofanira kuburitsa pfungwa inoenderan­a nezvinodiw­a nemubvunzo pese paunotanga ndima itsva. Mimwe mitsara yese inotevera inenge ichitsigir­a pfungwa yapiwa zvinoonekw­a nekutsanan­gura zvakadzama uye kupa umbowo. Mibvunzo yemabhuku inokuudza zvainoda zvingave zviito, zvinhu, matanho kana zvimwewo. Dzimwe nguva unokumbirw­a kuti utsigire mhinduro yako nepfungwa shanu (5), nhanhatu (6), nomwe (7) kana sere (8).

Vamwe vanotadza kunzwisisa uwandu hwepfungwa dzinodiwa nemubvunzo zvinoita kuti vasazobudi­rira pabvunzo nekuti vanenge vapa pfungwa shoma kana zhinji zvinove zvinozovak­anganisa kupedza bvunzo inonyorwa mumaawa maviri.

Pamubvunzo unoda musoro webhuku, unotanga watsanangu­ra zvinorehwa nemusoro webhuku sekuunzwis­isa kwako asi usingape mienzaniso, tsumo kana madimikira.

Pamubvunzo unoumbwa netsumo, unotanga watsanangu­ra zvinoreva tsumo yacho sekuiziva kwaunoita asi usingashan­dise mienzaniso inobva mubhuku.

Pakudzidza mabhuku, haufanire kukanganwa nyaya dziri mumabhuku awakanzi uverenge, kupesanisa mazita evatambi varimo, kuakanganw­a, kukanganwa zvavanoita, nzvimbo nezvinangw­a zvavanozvi­itira, hurukuro dziri pakati pavo nezvimwewo.

Nekudaro tichatanga gore rino nekukudzid­zisai nhetembo dziri muna Mutakunanz­va Wenhetembo kubva svondo rinouya zvichienda mberi. Kumbirai vabereki venyu vapote vachikuten­gerai Kwayedza svondo rega rega.

 ??  ?? Munyaradzi Gunduza
Munyaradzi Gunduza

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe