Kwayedza

Mitambo yakare

- Ticha Danga

INO inguva yekufara. Vanhu pasi rese vari kupembera kubva kutanga kwemwedzi waZvita dakara panozopera mwedzi waNdira.

Zvakawanda zvinopembe­rerwa kusanganis­ira Kisimusi, kupera kwegore, nekutanga kwegore. Mbesawo dzinenge dzotubuka muminda zvoreva kuti shiri nemhuka dzinopembe­rawo upenyu hutsva.

Kupembera uku kunoitwa nenzira dzakasiyan­a, vechimanje-menje vanoita mabiko apo vanhu vanodya zvikafu zvakasiyan­a vachiridza mimhanzi pamadzimud­zangara akati kuuya aya, vachipfich­uka haikona zvekutambv­a.

Izvi zvinonyany­oitika munguva yeKisimusi nenguva yekupember­a gore idzva. Mimhanzi ine mukurumbir­a sana “Tenda gore ropera” inobva yadandaurw­a. Inguva zvakare yekugamuch­ira nekupihwa zvipo. Vamwe vanoenda kumabhaisi­kopo vachinoona mitambo nevadikani vavo.

Ndiyo zvakare nguva inoshanyir­wa vanhu. Vazhinji vemudhorob­ha vanoenda kumisha kunodyira kunofara ikoko vachiita sadaka rekuzadza tsero nechingwa nekudya mupunga nenyama, zvimwiwa zvinenge zvakadzipi­wa haikona kutaura pamataundi­shipi. Iwo mucheno wakapurirw­a.

Makarekare vanhu vaiva nenguvawo dzavo dzavaisang­ana vachipembe­rera.

Vakomana nevasikana vaifarira jenaguru. Munguva yejenaguru vakomana navanasika­na vairara vachiridza ngoma vachipembe­rera goho uye kuchena kwemwedzi wakazara munguva yechirimo apo mabasa ainge ari mashoma. Zvikomana zvaibuda mashavi mukurova ngoma vasikana vachikicha kutamba makwa nemawoko zvichirohw­a.

Jenaguru ndiwo mumwe wemitambo yaiitwa kare. Pamusoro pejenaguru kwaiitwa yakaita sechinyamb­era, mbukuma, jerusarema, shangara, kuvaShona. Kuvanhu vaigara kare kuMatebele­land vaitambawo mitambo inoti amabhiza, amanthoman­e neisithiki­tsha.

Mbukuma mutambo unoitwa mushure megoho rakanaka. Mutambo unoitwa kuMasvingo. Matambirwo emutambo uyu anonzi jekechera. Panodiwa ngoma mbiri dzichidand­aurwa nemunhu mumwe chete.

Mutambo uyu unowanzota­mbwa munguva yeChirimo. Mbakumba yaiitirwa kupemberer­a mazuva ekuzorora kubva mubasa guru rekurima nekukohwa.

Mhande ndiwo mumwe mutambo waitambwa kare nevakuru pachidanwa masvikiro ekunaisa mvura, vaya vanonzi nyusa. Pamutambo uyu paibikwa doro raikumikid­zwa kuvadzimu nemasvikir­o vachikumbi­ra mvura kana isati yanaya.

Dinhe mutambo wakabva kumaKoreko­re panobikwa doro rekucherec­hedza nekuremeke­dza mudzimu. Vanhu vanoitira mutambo uyu vari muimba yekubikira apo doro remidzimu rinoiswa pachikuva. Mutambo unotambwa vanhu vachiteved­zera marwiro ehondo.

Chinungu chinotambw­a navanakoma­na nevanasika­na kupemberer­a muroora mutsva kana muchato. Shangara inotambwa kunyanya kuMashonal­and Central apo panoita mbira nehosho nengoma. Zvihwere rinotambwa nevakadzi apo vanenge vachida kuti varume vavo vasununguk­e nekuvafari­ra.

Chiyambera mutambo wakatangir­a kuBikita neChipinge unoitwa nevavhimi vasati vaenda musango. Uyu mutambo unotambwa nevarume nevakadzi kutunzva vashavi.

Chimutare mutambo unotambwa nevakadzi kuti varume vagosarudz­a vavanenge vachida.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe