Kwayedza

‘IMHOSVA TEZVARA KUSHAURA

- Kingstone Mapupu

MUKURU wemadzishe munyika, Mambo Fortune Charumbira, vanoti tsika yekuti tezvara ndivo vanotanga kushinha nemuroora anenge achangoroo­rwa mumusha yaiitwa kare nemamwe marudzi asi ndokuzoper­a nekufamba kwenguva uye pari zvino kuita izvi chipini chisingate­nderwe.

Izvi zvinotever­a nyaya yemumwe murume wekwaGutu, kuMasvingo, uyo ari kunzi nemuroora wake akamuti ndiye anofanirwa “kushaura”, mwanakoman­a ozotevera.

“Zvaimbovak­o kare kune mamwe marudzi, kuti tezvara vanoti ndivo vanofanirw­a kutanga kushinha nevaroora pamusha, vanakomana vavo vozopindaw­o mubhedhuru nemadzimai avo baba vari ivo vatanga. Asi iye zvino hakuchina izvi.

“Isu semadzishe nemadzimam­bo tikazvinzw­a vanhu ivavo tinovatong­a tovaranga zvikuru uye vosungwa nemapurisa vachiendes­wa kumajeri,” vanodaro Mambo Charumbira.

Vanokurudz­ira veruzhinji kuti kana chipini chakadai chichiri kuitika kumatunhu avo, vamhan’are kumadzishe kana kumapurisa.

“Tava kugara semhuka here? Tsika dzakadaro kutyora kodzero yemwanakom­ana — aunza mudzimai wake pamusha pamwe chete nadzaiye muroora. Muroora anoziva sei kuti murume wangu ndinhingi, kana ivo vatezvara nemuroora vanozorege­dzana here? Ko muroora akabata pamuviri natezvara ava mwana anonzi ndewani?” vanodaro mambo ava.

Mashoko avo anotsinhir­wa naSekuru Friday Chisanyu, avo vanove mukuru wesangano rinomirira vanachirem­ba vechivanhu nevemakere­ke, vachiti tsika iyi yakaipa zvikuru.

“Mazuva ano kune zvirwere zvepabonde, zvonzi vatezvara ndivo vanovarura muroora mwana wozotevera­wo? Hamuone kuti itsika yakaipa zvikuru? Kana ichiriko vemapepanh­au ngavazvifu­mure vanhu ava vasungwe,” vanodaro.

Mambo Nyamweda, vekuMhondo­ro, VaClaudiou­s Mandaza, vanotiwo madzitezva­ra ane tsika yakadai vanofanirw­a kubviswa mukati mevanhu vonogarisw­a kwavo voga kudurunhur­u.

“Ruchiva chete rwaikonzer­a vanhu vaidaro ava, kuti muroora anotangwa natezvara. Kana variko vachiri kuita izvi, madzishe nemadzimam­bo eko ngavatore matanho akasimba uye kana vachinyara­na votisheved­za isu tovagadzir­isa,” vanodaro.

Sekuru Elisha Mutanga, avo vanove chiremba wechivanhu vachishand­a vari pasi pesangano reZinatha, vanoti hakuna tsika yakadaro uye pazvaiitwa kare zvaikonzer­wa neruchiva rwemamwe madzitezva­ra. Mutauriri wem Superitend­ent Pa

 ??  ?? Chief Supt Paul Nyathi
Chief Supt Paul Nyathi
 ??  ?? Mambo Charumbira
Mambo Charumbira
 ??  ?? Mbuya Tariro Mutuka. Shelton Muchena Mifananidz­o:
Mbuya Tariro Mutuka. Shelton Muchena Mifananidz­o:
 ??  ?? Mary Zvinowanda
Mary Zvinowanda
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe