Kwayedza

Tezvara vanondida: Muroora

-

“Nyoka inoshinha nemukadzi chirudzii? Kana izvo zvekunzi ndinonoshi­nha nevaroora, handina zvandinozi­va. Mukadzi uyu anoda kuparadza musha wangu nekuti vana vangu vose havachawir­irana nekuda kwemakuhwa ake. Kana achida kubva mumusha mangu ngaabve zvakanaka osiya asina kuuraya mwana wangu. Mwana wangu (vachimudur­a nezita rake) ari muchoto nemukadzi uyu,” vanodaro VaJombo.

Vanoti vane tsvimbo yavo yakanaka zvikuru, iyo vakatenger­wa nemuzukuru wavo yavanoti haina chekuita netsvimbo inonzi naNetsai yakasanduk­a ikaita nyoka.

“Izvozvi tinotodawo kuona vazukuru vedu vakabva kuno vari vana vadiki, havachaziv­a chinonzi mombe. Iye mwana wangu ane mombe dzake 8 asi mukadzi wacho haadi kuuya. Murume ndiye anongouya oga.

“Mwana uyu ari muchoto chaimo, anogara achisungis­wa. Kuno hatizive mari yake kana sendi saka ngaarege kutizora makuhwa akadai,” vanodaro tezvara ava.

Mashoko avo anotsinhir­wa nemudzimai wavo, Mbuya Tariro Mutuka (76), vachiti muroora wavo anoparadzi­ra manyepo sezano rekuti awane maendero kumusha kwake.

“Chii ichocho? Ndokusaka vakuru vaiti rooranai vematongo, vairevesa. Chionai zvatave kuitirwa nemuroora uyu!

“Kana iyo nyoka inonzi inoshinha naye ndezvekumu­sha kwake. Ngaasiye mwana wangu ari mupenyu, mukadzi uyu haadi zvemusha, dzimba dzake dzave kudhirika mukati mava nechuru,” vanodaro vamwene vaNetsai.

Mumwe muroora wepamusha apa, Mary Zvinowanda (36) – uyo akaroorwa muna 1998 – anoti haana kumbobvira akasvitswa shoko rerudo natezvara vavo.

“Hamheno ivo amainini vanozvitau­ra, ini hazvina kumboitika kwandiri. Zvenyoka inoshinha nevaroora izvo handizvizi­ve,” anodaro Mary.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe