Tezvara vanondida: Muroora
◆
“Nyoka inoshinha nemukadzi chirudzii? Kana izvo zvekunzi ndinonoshinha nevaroora, handina zvandinoziva. Mukadzi uyu anoda kuparadza musha wangu nekuti vana vangu vose havachawirirana nekuda kwemakuhwa ake. Kana achida kubva mumusha mangu ngaabve zvakanaka osiya asina kuuraya mwana wangu. Mwana wangu (vachimudura nezita rake) ari muchoto nemukadzi uyu,” vanodaro VaJombo.
Vanoti vane tsvimbo yavo yakanaka zvikuru, iyo vakatengerwa nemuzukuru wavo yavanoti haina chekuita netsvimbo inonzi naNetsai yakasanduka ikaita nyoka.
“Izvozvi tinotodawo kuona vazukuru vedu vakabva kuno vari vana vadiki, havachaziva chinonzi mombe. Iye mwana wangu ane mombe dzake 8 asi mukadzi wacho haadi kuuya. Murume ndiye anongouya oga.
“Mwana uyu ari muchoto chaimo, anogara achisungiswa. Kuno hatizive mari yake kana sendi saka ngaarege kutizora makuhwa akadai,” vanodaro tezvara ava.
Mashoko avo anotsinhirwa nemudzimai wavo, Mbuya Tariro Mutuka (76), vachiti muroora wavo anoparadzira manyepo sezano rekuti awane maendero kumusha kwake.
“Chii ichocho? Ndokusaka vakuru vaiti rooranai vematongo, vairevesa. Chionai zvatave kuitirwa nemuroora uyu!
“Kana iyo nyoka inonzi inoshinha naye ndezvekumusha kwake. Ngaasiye mwana wangu ari mupenyu, mukadzi uyu haadi zvemusha, dzimba dzake dzave kudhirika mukati mava nechuru,” vanodaro vamwene vaNetsai.
Mumwe muroora wepamusha apa, Mary Zvinowanda (36) – uyo akaroorwa muna 1998 – anoti haana kumbobvira akasvitswa shoko rerudo natezvara vavo.
“Hamheno ivo amainini vanozvitaura, ini hazvina kumboitika kwandiri. Zvenyoka inoshinha nevaroora izvo handizvizive,” anodaro Mary.