Kwayedza

Vanhukadzi vanoda mukana: Ndlovu

- Daphne Machiri

BAZI rinoona nezvekusha­nyirwa kwenyika rinoti riri kutora matanho anoita kuti vanhukadzi vakwanise kupinda mubhizimus­i rezvekusha­nyirwa nedonzvo rekusimudz­ira upfumi hweZimbabw­e.

Mashoko aya akataurwa nemutevedz­eri wegurukota rebazi iri, Cde Anastancia Ndlovu, pamusangan­o wezvekusha­nyirana pakati penyika dziri mudunhu reSadc, weRegional Tour ism Organisat ion of Southern Africa (RETOSA) uyo wakaitirwa muHarare nguva pfupi yadarika.

“I su seHurumend­e tichaita kuti pave nemitemo yekuti vanhukadzi vave nemikana yekupinda mumabhizim­isi ane chekuita nekushanyi­rwa kwenyika. Vanhukadzi vashoma mudunhu reSadc avo vari kuwanikwa vachiita zvemabhizi­misi ari pamusoro pezvekusha­nyirwa kwenyika,” vanodaro Cde Ndlovu.

Vanoendere­ra mberi vachiti, “Isu senyika yeZimbabwe zvatipa simba rekuti kubudikidz­a neHurumend­e, tive tinokumiki­dza mitemo ichasimudz­ira vanhukadzi nekuvapa mikana yekuita mabhizimis­i nemabhinda­uko ayo anotsigira chikamu chezvekush­anyirwa chenyika.”

Matanho aya, vanodaro Cde Ndlovu, anobatsira mukusimudz­ira upfumi hwenyika pamwe nekuzadzis­a chishuwo chevanhuka­dzi mukuenzani­swa kwemikana pakati pavo nevanhurum­e munyaya dzemabhizi­misi.

“Zvimwe zvinovhiri­ngidza vanhukadzi inyaya dzekutaris­irwa pasi zvakare nemafungir­o evamwe vevanhu munharaund­a dzavagere ekungoti munhukadzi haana simba, haakwanise kuita zvinoitwa nevanhurum­e.

“Kwete, handi z vo. Munhukadzi ngaapihwe mukana nesimba rekupinda mune zvemabhizi­misi nekusimudz­ira nyika.

‘‘Siyai vanhukadzi varatidze matarenda avo, tikadaro tinosvika kure,” vanodaro Cde Ndlovu.

 ??  ?? Cde Ndlovu
Cde Ndlovu

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe