Kwayedza

Kutapira kunoita keke

- Muchaneta Chimuka

VANHU vazhinji vanodhurir­wa nekutenga makeke, zvikuru apo vanoronga kuita mabiko akaita seeKirisim­asi, mhemberero dzeGoredzv­a, mabhavhadh­e kana michato.

Svondo rino Mai Bester Murwisi vekuKwekwe vanodonong­odza pamusoro pemabikirw­o ekeke ari nyore. Zvinodiwa:

1/2 komichi yemajarini, 1/2 komichi yeshuga, 1/4 komichi yecake flour, mazai matau

1/2 chupunu chemunyu, 1/2 chipunu chebaking powder, 1/4 chipunu chevanilla ne1/4 komichi yemukaka Wozodii?

Gara wabatidza hovhoni kuti inge ichipisa zvekusvika pa350 degrees.

Tora pani yakachena woizorera majarini.

Mwaya twufurawa twushoma pamusoro pemajarini awazora mupani.

Sanganisa 1/2 yekomichi yemajarini ne1/2 komichi yeshuga uchikurung­a zvakasimba.

Chidira izvi mufurawa wodira muto wemazai matatu, munyu, vanilla, mukaka nebaking powder.

Sanganisa nemuchina kana mugoti kusvika zvanyatsos­angana.

Chiisa mupani wogadzika muhovhoni kwemaminit­si gumi nemashanu.

Kana keke richinge raibva, rinoonekwa nekutsvuki­ra kuita ruvara rwegoridhe.

Unogona kutora kamuti kakachena wobaya pakati pekeke uye kana kakabuda kasina kunamira furawa, zvinoreva kuti rinenge raibva zvakanaka mukati nekunze.

Bura keke asi usaribvise mupani risati rapora sezvo rinogona kudimbuka-dimbuka.

Unogona kuisa kirimu yemhando yaunoda pamusoro pekeke. Kana zvadai, chizviruma hako rurimi nekunakirw­a nemhuri!

◆ Su nu ng u k a i kut umira zvamunoda kuti zvibude pachinyorw­a chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe