Kwayedza

Maticha eSadc batanai: Dokora

- Daphne Machiri

GURUKOTA redzidzo yepuraimar­i nesekondar­i, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kusimbarad­za mitemo inokurudzi­ra mushandira­pamwe pakati pevararidz­i vemudunhu reSadc munyaya dzekusimud­zira dzidzo.

Vachitaura pakuparurw­a kwemusanga­no weSouthern Africa Regional Meeting on Teacher Policies and Standards muHarare pakupera kwegore radarika, Dr Dokora vanoti mushandira­pamwe pakati pevadzidzi­si vemudunhu iri unobatsira zvikuru pakuvandud­za fundo.

“Kushanda kwevadzidz­isi kunofanirw­a kuve kuri padanho repamusoro, naizvozvo misangano yakaita seiyi inobatsira mukuvandud­za dzidzo,” vanodaro Dr Dokora.

Vakatorawo mukana uyu kuzivisa nhengo dzaive pamusangan­o uyu – idzo dzakabva kunyika dzinosanga­nisira Namibia, Botswana, South Africa neMozambiq­ue – nezvegwaro Dr Dokora idzva redzidzo remuZimbab­we rinodaidzw­a kuti New Education Cirruculum.

Vachitaura­wo pachiitiko ichi, Sadc Secretaria­t Senior Programmes Officer for Education and Skills Developmen­t, Lomthandaz­o Mavimbela, vanoti musangano uyu une donzvo rekuvandud­za nekusimbis­a mitemo inofanirwa kutevedzwa nevarairid­zi mukuita basa ravo.

VaClementi­ne Garises, avo vaive vakamirira Namibia, vanoti misangano yakadai inovapa mukana wekudzidza zvakawanda pamusoro pekusimudz­ira dzidzo kunyika kwavo.

“Uyu mukana watawana uchatibats­ira kuti tikwanisew­o kuona matakasari­ra maererano nedzidzo,” vakadaro VaGarises.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe