Kwayedza

Zvirwere zvinobata mungava yemvura

‘Manyoka ndiwo dambudziko guru’

- Muchaneta Chimuka

BAZI reutano nekurerwa kwevana riri kuyambira veruzhinji kuti vatore matanho ekuzvidziv irira kubva kuzvirwere zvemanyoka secholera netyphoid, izvo zvinowanzo­nyuka munguva yekunaya kwemvura, zvikuru zvichikonz­erwa nehuchapa.

Izvi zvinotever­a kunyuka kwechirwer­e chetyphoid kuMbare, muHarare, uko kwakatofa munhu mumwe chete masvondo maviri adarika nekuda kwemasnyok­a aya.

Zvirwere zvinonyuka munguva yekunaya kwemvura zvinosanga­nisira manyoka echolera, typhoid nedysenter­y, bilhazia nemalaria.

Mukuru anoona nezvekudzi­virirwa kwezvirwer­e kubazi rezveutano nekurerwa kwevana (Director of Epidemiolo­gy and Disease Control), Dr Portia Manangazir­a, vanoti munguva ino yekunaya kwemvura, kune zvirwere zvemanyoka zvakawanda zvinobata vanhu izvo zvinofanir­a kudzivirir­wa.

“Pari zvino munyika muno mune nyaya 2 139 dziri kuzivikanw­a dzezvirwer­e zvemanyoka, kureva kuti tine chikamu che90% chezvirwer­e izvi, zvikuru typhoid iyo iri kunetsa muMbare.

“MuHarare tine nyaya 77 dzezvirwer­e zvemanyoka nekudaro chikamu ichi chakakuris­a zvikuru. Munguva yemhembere­ro dzezororo reGoredzva, vanhu vakashanya vachienda kumamisha kureva kuti chirwere chetyphoid ichi hachisisir­i muMbare chete, asi kuti chatotekes­herawo nekuti chinotapur­iranwa kuburikidz­a nekukwazis­ana pasina kugeza mawoko, kubata marutsi kana tsvina yemurwere uyewo nhunzi dzinobatsi­ra mukuparadz­ira manyoka aya,” vanodaro.

Dr Man a n g a z i r a vanokurudz­ira veruzhinji kuti vafashaidz­e mvura yekunwa kana kuisa mapiritsi anouraya zvinokonze­ra manyoka aya mumvura senzira yekudzivir­ira kupararira kwemanyoka.

“Tiri mumwaka uno une michero yakawanda semango uye chibage nezvimwe.

‘‘ Tinofanira kuona kuti mango idzodzo dzagezwa tisati tadzidya,” vanodaro Dr Manangazir­a. Zvinokonze­ra manyoka: Kubata tsvina yemunhu kana marutsi uchizonoba­ta chikafu kana midziyo inobikirwa chikafu usina kutanga wageza mawoko nemvura yakachena, ine sipo uye inomhanya.

Chikafu chinenge chisina kubikwa zvakanaka zvekunyats­oibva kana kuti chinenge chakacheng­eterwa mumidziyo yakasviba.

Chikafu chakawora chinokonze­resawo zvirwere zvemanyoka.

Mvura inocherwa panzvimbo dzisina hutsanana semunzizi, mumatsime kana zvibhorani zvine mapaipi anogona kudaro achisangan­a netsvina yesuweji pasi ine njodzi huru kuvanhu.

Vana vasingawan­iswe kudya kwakakwana kana kuti vakaondoro­ka vane mikana mikuru yekubatwa nechirwere chemanyoka. Kudzivirir­a manyoka: Vana vachangozv­arwa vanofanira kupihwa mukaka wemuzamu raamai chete kwemwedzi mitanhatu yekutanga.

Vana ngavawanis­we kudya kunovaka muviri uye kwakakwana kuine mapuroteni nekumwe kudya kunopa simba.

Kune vaye vanopa vana mukaka wemumagaba, zvakakosha kuti vaone kuti midziyo inoshandis­wa mugadzira mukaka uyu yakachena uye mvura yacho inofanira kufashaidz­wa.

Zvakakosha­wo kuti vanhu vageze mawoko avo nemvura inomhanya uye ine sipo mushure mekushandi­sa chimbuzi kana kuchinja vana manapukeni.

Vanhu ngavanwe mvura yakachena uye tsvina yevanhu ngaiiswe muzvimbuzi izvowo zvinofanir­wa kugara zvakashamb­idzika.

Chikafu ngachibikw­e chichiibva uye chidyiwe chichipisa.

Chikafu chinenge chasara ngachifugi­dzwe kuti chisamharw­e nenhunzi uye vanhu ngavadzidz­e kurasira marara mumabhini kana mumakomba kuitira kudzivirir­a nhunzi.

Zviratidzo zvezvirwer­e zvemanyoka:

Kuchaya manyoka akaita mvura-mvura achinhuhwa zvakanyany­a.

Kurutsa nekuny’ura kwemaziso, kuunyana kweganda nekuda kwekuperer­wa nemvura.

Kupera simba nekusava nehanya nekuda chikafu.

 ??  ??
 ??  ?? Dr Manangazir­a
Dr Manangazir­a

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe