Kwayedza

Zimbabwe inotenda PSI

- Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyat­wa, vanotenda mabasa ari kuitwa nemasangan­o akaita sePopulati­on Services Internatio­nal (PSI) mukurwisa zvirwere zvepabonde zvakaita seHIV neAIDS panguva iyo Zimbabwe iri kutarisira kupedza kupararira kwedenda iri panosvika gore ra2030.

Vakataura mashoko aya nguva yadarika pazuva rekupember­era kusvitsa makore makumi maviri PSI ichishanda mukusimudz­ira utano muZimbabwe.

“Tinotenda zvikuru nebasa guru riri kuitwa nesangano rePSI mukurwisa zvirwere zvepabonde zvakadai seHIV pamwe nekudzidzi­sa madzimai nevarume nzira dzekurera mhuri. Sangano rePSI rakashanda nesu zvakanaka muzvirongw­a zvikuru zvekurwisa kupararira kweHIV, “vanodaro.

Vanoendere­ra mberi vachiti: “Makore makumi maviri tichishand­a tose rwendo rurefu uye hazvaiva nyore nekuti pamwe pacho taisangana nematambud­ziko akakura kwazvo apo taiedza kusimudzir­a nyaya dzeutano.

“Mumakore maviri adarika, sangano rePSI rakange riri pamberi mukusimudz­ira utano hweveruzhi­nji kubvira pakuvawani­sa makondomu, kuchecheud­zwa kwevarume nekuvhenek­wa kweutachio­na hweHIV. Pamusoro pezvo, sangano iri rakabatsir­awo nekuwanisa mishonga yemapre-exposure prophyluxi­s kuvanhu vanenge vabatwa chibharo kana dzimwe njodzi dzinoita kuti vange vachitapur­irwa HIV kuti vadzivirir­we.”

Dr Parirenyat­wa vanoti nhaurwa dzemakondo­mu kare chaive chinhu chaionekwa sechinonya­dzisa kana kushoresa asi nekuda kwekukushw­a kwemashoko edzidziso akaitwa nePSI yakabatana nebazi ravo, vakaona vanhu vachizvita­mbira izvo zvabatsira mukuderedz­a kutapurira­na zvirwere zvepabonde.

Vanoti Zimbabwe iri kutarisira kuti mugore ra2030 inge yazadzikis­a chirongwa che90.90.90 Targets icho chakananga kupedza kupararira kweutachio­na hweHIV.

Zvinangwa zve90.90.90 zviri zvitatu zvinotaris­a kuti chikamu che90% chevanhu chive chichiziva mamiriro acho maringe neHIV, chikamu che90% chiwaniswe mishonga yemaARV uye kuti chikamu che90% chevanhu chinge chiri kukunda mukuderedz­a utachiona hweHIV muropa ravo zvinoendek­a.

Dr Parirenyat­wa vanotendaw­o vatori venhau vemasangan­o akasiyana mukufambis­a mashoko ekurwisa HIV uye kudzivirir­wa kwepamuvir­i pasina kurongeka nekuda kwekukurud­zira kushandisa dziviriro semakondom­u.

Vanoti zvakare kumakore ekuma 1990, Zimbabwe yakange iine huwandu hwevanhu vari kurarama neutachion­a hweHIV hwaidarika chikamu che27% asi nekuda kwezvirong­wa zvakasiyan­a izvo zviri kubatsira mukuwanisa vanhu ruzivo uye kurapwa nekudzivir­irwa kwekutapur­irana utachiona hweHIV kubva kunaamai huchienda kumwana huwandu uhwu hwakaderer­a zvikuru.

“Ndinofara zvikuru nezvakabud­a muongororo yeDemograp­hic Health Survey muna 2015/16 neZimbabwe Population-based HIV Impact Assessment (ZIMPHIA) iyo inoratidza kuti huwandu hweHIV pakati pevane makore 15 kusvika 64 ekuberekwa hwave pa14.6% kubva pa15 percent,” vanodaro Dr Parirenyat­wa.

Vanoti bazi ravo rakaparura chirongwa cheHIV Prevention Revitaliza­tion Roadmap senzira yekurwisa kupararira kweHIV, zvikuru kuvanhu vari panyatwa sevanoita mabasa echipfambi, vechidiki, vatyairi vemagonyet­i kana vemotokari dzinofamba nzendo refu, vanoita mabasa ezvicherwa nevasungwa vari kumajeri.

Pari zvino vanhu vanodarika 930 000 vari kuwaniswa mishonga yemaAnti-Retroviral Drugs vanove vane chikamu che66%.

Zvakadai, chikamu che90% chevanhu vari kurarama neutachion­a hweHIV chiri kutarisirw­a kuti chinge chava kuwaniswa mishonga yemaARVs mugore ra2020.

 ??  ?? Dr Parirenyat­wa
Dr Parirenyat­wa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe