Anopenga musi we‘birthday’
◆ akabata simbi, zvaanoita zvinotyisa nekuti kana akayera atipindira mumba tinoshaya pekuhwanda. Akabva azorohwa nababamudiki vake Ishmael tikaenda kumapurisa kwaakange amhan’ara.
“Tasvika kumapurisa, takavaudza kuti ndiye ari kutiitira mhirizhonga saka akabva angotiza. Mapurisa akatokumbira ruregerero nekuti vakatoona kuti akange ari kutaura masitetimendi akasiyana,” vanodaro Mbuya Mulilima.
Vanoti vakambofunga zvekufamba kuchivanhu kuti vaone kuti chii chiri kupengesa muzukuru wavo asi vakakundikana.
Mbuya Mulilima, avo vanonamata chechi yeZimbabwe Christian Church (ZCC), vanoti vanzwa nekutukirirwa nezvinyadzi nemuzukuru wavo uyu.
“Ndinotenda baba vepa’next door’ vari kundibatsira nekuti ndingadai ndakaparara. Anouya achida kundirova achiti ndiri muroyi, pafambi. Chii chaasingitauri?” vanodaro Mbuya Mulilima.
Vanoti Arshely akatanga achigara nevabereki vake ndokuzouya kuzogara navo apo airwara nechakare.
“Akatotanga kupenga ave Form 6 asi zvichiitika musi webhavhadheyi rake wegawega. Ini ndakagara naye kwemakore matatu ndichimuvigira chikafu ari kuAnnex,” vanodaro.
Babamudiki vaArshely, VaIshmael Mulilima vanotsinhira kuti vakamurova mushure mekunge anetsana naambuya vake.
“Hongu, mukomana ndakamurova asi handina kumukuvadza nekuti zvinhu zvaakange ave kuita zvakaoma. Anouya pamusha pano achinetsana namuchembere zvekuti upenyu hwavo huri panguva yakaoma. Izvozvi ndatorovha kubasa nenyaya dzake. Akauya nesimbi achida kuponda mbuya ava achiti ndivo vari kumuroya,” vanodaro.
Vanoti zvinorema kuti vambofamba kuchivanhu nemwana wemukoma wavo kana ivo baba vake nyakutumbura vasingadi vachiti vanopinda chechi.
“Takambozvifunga zvekuti timbofamba kuchivanhu asi patakaudza baba vacho vakatirambira uye havana zvavanombotaura kuti nyaya yemwana wavo inge ichigadziriswa,” vanodaro. Zvisinei, Arshely anoti ambuya nababamudiki vake vanonyepa nekuti vakatombofamba naye kuchivanhu kune imwe n’anga iri kuMabvuku, muHarare.
“Vanonyepa nekuti ivo babamudiki Ishmael, tete nagogo vakatombofamba neni kun’anga yekuMabvuku baba vangu vasingazvizive ndikapihwa mishonga yekunwa neimwe yavaindibikira muporiji. Havatauri chokwadi vanhu ivavo,” anodaro.
Zvakadai, Kwayedza yakaedzawo kuti ikurukure baba vemukomana uyu, VaAnderson Mulilima, asi hazvina kubudirira uye vakatyairwa nhare kakawanda asi yaingorira pasina anodaira.