Kwayedza

Anopenga musi we‘birthday’

-

◆ akabata simbi, zvaanoita zvinotyisa nekuti kana akayera atipindira mumba tinoshaya pekuhwanda. Akabva azorohwa nababamudi­ki vake Ishmael tikaenda kumapurisa kwaakange amhan’ara.

“Tasvika kumapurisa, takavaudza kuti ndiye ari kutiitira mhirizhong­a saka akabva angotiza. Mapurisa akatokumbi­ra ruregerero nekuti vakatoona kuti akange ari kutaura masitetime­ndi akasiyana,” vanodaro Mbuya Mulilima.

Vanoti vakambofun­ga zvekufamba kuchivanhu kuti vaone kuti chii chiri kupengesa muzukuru wavo asi vakakundik­ana.

Mbuya Mulilima, avo vanonamata chechi yeZimbabwe Christian Church (ZCC), vanoti vanzwa nekutukiri­rwa nezvinyadz­i nemuzukuru wavo uyu.

“Ndinotenda baba vepa’next door’ vari kundibatsi­ra nekuti ndingadai ndakaparar­a. Anouya achida kundirova achiti ndiri muroyi, pafambi. Chii chaasingit­auri?” vanodaro Mbuya Mulilima.

Vanoti Arshely akatanga achigara nevabereki vake ndokuzouya kuzogara navo apo airwara nechakare.

“Akatotanga kupenga ave Form 6 asi zvichiitik­a musi webhavhadh­eyi rake wegawega. Ini ndakagara naye kwemakore matatu ndichimuvi­gira chikafu ari kuAnnex,” vanodaro.

Babamudiki vaArshely, VaIshmael Mulilima vanotsinhi­ra kuti vakamurova mushure mekunge anetsana naambuya vake.

“Hongu, mukomana ndakamurov­a asi handina kumukuvadz­a nekuti zvinhu zvaakange ave kuita zvakaoma. Anouya pamusha pano achinetsan­a namuchembe­re zvekuti upenyu hwavo huri panguva yakaoma. Izvozvi ndatorovha kubasa nenyaya dzake. Akauya nesimbi achida kuponda mbuya ava achiti ndivo vari kumuroya,” vanodaro.

Vanoti zvinorema kuti vambofamba kuchivanhu nemwana wemukoma wavo kana ivo baba vake nyakutumbu­ra vasingadi vachiti vanopinda chechi.

“Takambozvi­funga zvekuti timbofamba kuchivanhu asi patakaudza baba vacho vakatiramb­ira uye havana zvavanombo­taura kuti nyaya yemwana wavo inge ichigadzir­iswa,” vanodaro. Zvisinei, Arshely anoti ambuya nababamudi­ki vake vanonyepa nekuti vakatombof­amba naye kuchivanhu kune imwe n’anga iri kuMabvuku, muHarare.

“Vanonyepa nekuti ivo babamudiki Ishmael, tete nagogo vakatombof­amba neni kun’anga yekuMabvuk­u baba vangu vasingazvi­zive ndikapihwa mishonga yekunwa neimwe yavaindibi­kira muporiji. Havatauri chokwadi vanhu ivavo,” anodaro.

Zvakadai, Kwayedza yakaedzawo kuti ikurukure baba vemukomana uyu, VaAnderson Mulilima, asi hazvina kubudirira uye vakatyairw­a nhare kakawanda asi yaingorira pasina anodaira.

 ??  ?? Ishmael Mulilima
Ishmael Mulilima

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe