Kwayedza

Mwana uri kudei apa?

-

MUBVUNZO: MAKASIMBA here sekuru? Ndiri murume ane makore 60 okuberekwa, ndakaroora uye ndine vana vatanhatu — vakomana vatatu nevasikana vatatu — vese vatova nemisha yavo. Vazukuru vangu igumi. Dambudziko rangu nderekuti mudzimai wangu ave nemakore maviri asingabvum­e bonde neni. Patakatang­a kunetsana, mudzimai wangu akabva ati ava kuenda, achindisiy­a. Mwana wangu mukomana akabva apindira nyaya yacho ini ndokumubvu­nza paina amai vake, kuti nyaya yekunetsan­a kwedu sevabereki aiwanirepi? Vose havana kundipindu­ra. Ndoita sei, ndofa nenyota makumbo ari mumvura here?

MHINDURO: Vazukuru vangu mose, kusanganis­ira uyu mukuru ane dambudziko uyu, kakawanda kacho mweya wakaipa unogona kukonzeres­a kusagadzik­ana mudzimba umo. Chionai chembere idzi dzave kuda kuparadza musha nekuda kwezvinhu zvinogona kutauriran­wa zvichipera.

Ndinoti uyu mweya wakaipa nechikonze­ro chekuti imi vanhu matove sekuru nambuya, saka chamuchane­tserana chii? Kana iko kuda bonde kwacho, nezera irori?

Handisi kuti musaite bonde asi dzimwe nguva mudzimai iyeye haachisina shungu nazvo, yatova tsvina kwaari saka usazomufun­gira kuti ave kuita zvezvikomb­a. Zvine zera zvinhu izvi.

Ndinoti garai pasi mutauriran­e kwete kunetsana. Kana zvichida kuti mutaure hama dzemukadzi dzakaita saambuya kana madzitete itai saizvozvo.

Uyo mwanakoman­a ari kutokangan­isa kupindira munyaya dzevaberek­i. Zvinomukam­uudza zvamuri kunetseran­a achati kudii? Vana musaite tsika dzekutora mativi muchipindi­ra munyaya dzemubedro­om mevabereki nekuti mangwana munozoshay­a kwekunyari­ra.

Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe