Kwayedza

‘Mukadzi wangu igororo’

- Trymore Muvhawa

MUMWE murume ochema-chema kuti ari kuoneswa pfumvu neaimbove mukadzi wake uyo waanoti anomubira mari yake kubhanga nekugara achimuvimb­isa rufu.

Tencern Paka r imwa akamhan’arira Netsai Nyamande kuHarare Civil Court achiti: “Ndatambudz­wa zvikuru nemaitiro emukadzi uyu, aimbova mudzimai wangu saka kutaura kuno ane tsika yekuba mari yangu mubhanga kana paEcoCash sezvo achiziva pini nhamba yangu.

“Ndakamha’ara nyaya iyi kumapurisa asi vakanditi titauriran­e sezvo aimbova mudzimai wangu. Pandaigara naye aive netsika yekuba midziyo mumba achitenges­a uye ndaiti ndikamupa mari yechikafu kana yevana yechikoro, aishandisa zvake zvemusoro wake.”

Pakarimwa akati pavaigara vose, Nyamande akambomuud­za kuti anoda kumuuraya nekumuisir­a mushonga wemakonzo muchikafu.

“Akati anoda kundiuraya nemushonga wemakonzo saka ndinotya zvikuru. Anondituka uye ane tsika yekuda kumanikidz­ira kugara neni ini ndakamuram­ba,” akadaro Pakarimwa.

Nyamande akataurira dare kuti haabe mari yaPakarimw­a.

“Murume uyu anonyepa, handimubir­e asi kuti iye akatombond­irova akazosungw­a nemapurisa akapihwa mutongo wekufondok­era mahara.

“Taimbotuka­na semukadzi nemurume asi kwete kumubira kana kumutyisid­zira nerufu sezvaareva,” akadaro Nyamande.

Mutongi Yeukai Dzuda akarasa chikumbiro chaPakarim­wa achipa chikonzero chekuti nyaya dzekubiran­a hadzitongw­e mudare iri uye zviri kupomerwa Nyamande zvakaitika vasati varambana.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe