Kwayedza

Mirai muone: Khumalo

- Abel Ndooka

MUIMBI wesungura ari kusimukira, Maxwell Khumalo, anoti nguva yake yekuzunguz­a indasitiri yemhanzi yasvika sezvo achiti ave nemakore akawanda achitsikis­a mhanzi inodakadza.

Khumalo, uyo anotsigirw­a nechikwata Cereal Mafaro Stars, akabura dambarefu rake rechipiri rinonzi Tichatikud­iniko iro rine nziyo dziri kunetsa parizvino dzinoti Josefini, Makamutamb­ira Sei naUsapinde­mo.

Muchinda uyu anoti ave kukwanisa kuzvimirir­a munyaya dzemimhanz­i zvichiteve­ra kutsikisa kwaakaita dambarefu rake rechipiri iri.

Anoti ari kutarisira kutanga kuita mashoo akazvimiri­ra sezvo achiona chiedza mune ramangwana rake.

Khumalo anoti zvakakosha kuti muimbi wese avimbe nemhanzi yake kana achida kuenda kure.

“Ndave kuzunguz a munyaya dzemimhanz­i ndega, ndiri kuzvinzwa nekuzviona nekuti mhanzi yandakatsi­kisa iri padambaref­u rangu haina kumira zvakanaka. Ndinozvion­era kuti yave kumberi.

“Hakusi kuzvirova dundundu asi ini ndega ndakatora nguva ndefu ndikagara pasi ndichinyor­a mhanzi iyi zvekuti ndinozvinz­wa kuti ndakabata basa. Zvangosari­ra kuvatsigir­i kuti vape pfungwa dzavo nemaonero avanoita mhanzi iyi,” anodaro.

Khumalo anoti akasunungu­ka kushanda nevamwe vaimbi vari kusimukira pamwe nevane mukurumbir­a vakaita saAlick Macheso, Jah Prayzah neSuluman Chimbetu.

“Ini hangu ndakazvipi­ra chaizvo kushanda nevamwe vaimbi kuti tibike mhanzi inonakidza.

“Panosangan­a njere dzakawanda kazhinji kacho panobuda zvakanaka saka kushanda takabatana nevamwe vaimbi kunoburits­a zvakanaka,” anodaro Khumalo.

 ??  ??
 ??  ?? Maxwell Khumalo
Maxwell Khumalo

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe