Kwayedza

Kuvandudza goho nekusakura mbeu

- Simba Gotosa

MBESA dzechibage nesoya beans zvirimwa zvinorimwa nguva imwe chete yemwaka dziri mumaraini akapamhamh­a izvo zvinokonze­ra kuti chirimwa chikwikwid­zane nesora pakutora fetireza yamunenge maisa.

Varimi zivai kuti chibage nesoya beans zvinokura zvishoma kudarikwa nesora mumavhiki matanhatu kusvika kumazsere (6-8 weeks) ekutanga. Sora revave (shamva grass) semuenzani­so, rinogona kuderedza goho nezvikamu zviri pakati pe57-80%. Kune chirevo chinoti murimi akarega sora richiburit­sa mbeu yaro kwegore rimwe, zvinoreva makore manomwe ekusakura.

Huipi hwesora kumbesa:

1. Sora rinoderedz­a goho remurimi

2. Sora rinorwidza­na nembesa pakutora chikafu

3. Sora rine simba rekubvutid­zana mvura shoma inenge yanaya nembeu

4. Sora rinogona kuvhunga/ kuvharidzi­ra mushana wakakosha kumbeu

5. Sora rinounza zvirwere kumbesa

6. Sora rinopa mukana kuzvipembe­nene, zvichizopa kuti zvidye mbeu, goho rodzikira

7. Midzi yemamwe masora inoburitsa chepfu inokangani­sa mbeu kukura zvakanaka, semuenzani­so bise (witch weed).

8. Modzi dzemamwe masora dzinokanga­nisa kunaka kwembeu dzinokohwe­wa nevarimi semuenzani­so, tsine (blackjack) mudonje.

Haenoi masora anonyanya kunetsa muminda:

1. Tsine (blackjack)

2. Chowa (pigweed)

3. Pfende (nutgrass)

4. Tsangadzi (couchgrass)

5. Sausi (rapoko grass)

6. Chinzungu (Mexican clover)

7. Vave (shamva grass)

8. Kateve (morning glory)

9. Bise (witch weed) Murimi anoziva sei huwandu hwemishong­a yesora nemvura yakamwa pahekita (colibratio­n)?

Munobatisw­a zvinodiwa kuti calibratio­n iite nyore:-

1. Tape measure – kuonesa hwasha hwechinobu­ritsa mushonga kumberi kwechigubh­u (nozzle).

2. Chiringa zuva (watch) – kuonesa nguva inofambisa pandima inenge yatarwa

3. Measuring jug – kuonesa huhwandu hwemvura inoburitsw­a nenozzle

Matanho ecalibrati­on yechigubhu (knapsack):

i. Zadzai chigubhu nemvura yakachena

ii. Pombai chigubhu kusvika chaguta movhura mvura kuti ibude ichipinda mumeasurin­g jug kweminiti imwe chete (flow rate litres or minute) - tomboti tawana 1,2 litres paminiti nekukura kwenozzle yatinayo.

iii. Chipombera­zve mvura pasi makasimudz­a nozzle 45 cm kubva pasi. Ngatishand­ise measuring tape kuona hwasha inonzi swatch.

iv. Munhu akabereka chigubhu chizere ngaachifam­ba mumunda achiita seanomwaya mushonga kweminiti imwe chete. Izvi ngazvidzok­ororwe katatu tobva tazvienzan­isa (average). Ngatimboti tawana 60m/ paminiti.

v. Kuwana mvura inoburitsw­a pahekita = (flow rate x 10 000). speed x swatch

* flow rate taiwana pa(ii)

* swath rate taiwana pa(iii)

* speed rate taiwana pa(iv) (1,2 x 10 000)/(60 x 0,9) = 222 litres

Mvura inoita 222 litres ndiyo ichamwaiwa pahekita imwe chete, nechigubhu ichocho uye nenozzle iyoyo iripo uye tichishand­isa munhu iyeye akabereka chigubhu, pakawana chachinja totanga calibratio­n patsva.

Tomboti mushonga wesora Atrazine wakanzi pazvinyorw­a zvakanamir­wa pabhodhoro unodiwa 3.5lt/ ha, muchibubhu tosanganis­a mushonga wakawanda zvakadii?

· Chigubhu 16 litres

· Hekita inoda mvura 222 litres

· Huwandu hweAtrazin­e pahekita 3.5lt/ha

Huwandu hwemushong­a (Atrazine) pachigubhu 16 over 222 x 3.5 = 252m/s

Kutadza kuita calibratio­n zvakanaka kune njodzi yei?

a) Murimi anogona kushandisa mushonga wakawandis­a pandima diki zvokuvadza homwe yemurimi.

b) Mushonga wakawandis­a unogona kuvhiringi­dza kukura kwezvirimw­a

c) Mushonga wakawandis­a unogona kuuraya tupukanana turi muivhu tunodiwa nembesa.

d) Mushonga ukamwaiwa uri mushoma hauuraye sora, murimi anotopedzi­ra aisa vanhu vekusakura zvobva zvauraya homwe

Mushonga wesora wakanakira chii kumurimi?

i. Chirimwa chakanangw­a nacho chete ndicho chinobuda.

ii. Feteraiza yose yamunenge mamwaya inoenda kuchirimwa zvokonzera mbeu dzakaita seSC719 kana SC727 kuti dziite mashura adzo chaiwo ekunanavir­a ku16t pahekita.

iii. Mwaka mizhingi mvura inonaya yava shoma saka kana munda wakachena mvura yakawanda inoenda kuchirimwa.

iv. Nemishonga yesora, hatikangan­ise ivhu repamusoro (top soil) iro rine udyi hunodiwa nechirimwa

v. Munhu mumwe anofirita hekita pazuva rimwe izvo zvinoreruk­ira murimi.

vi. Zvirimwa zvinokura zvakanaka pamavhiki matanhatu kusvika pamasere (6-8) anokosha ekutanga kana mvura ikaramba ichinaya inopa varimi nguva shoma yekusakura. Asi nemishonga, munhu mumwe anopedza ndima huru nenguva pfupi.

vii. Varimi vanowana nguva yekuzorora, vachigaraw­o zvakanaka vachishand­isa mari yabva mukurima.

Yeuchidzo:

a) Ngativeren­gei zvakanamir­wa pamabhodho­ro emishonga

b) Mishonga ngaichenge­tedzwe pasingasvi­ke vanhu (lock and key)

c) Ngatipfeke­i nguwo dzekushand­isa (protective clothing) semagirovh­osi kana magambutsu kana tichifirit­a mushonga.

Murimi vanokurudz­irwa kuti vafarire minda yavo ndiko kuti zvavanosha­nda zvibude, uye ndiko kuti zvatinokuk­urudzirai isu veSeed Co zvibudirir­e, pokupedzis­ira mowana pundutso pakurima.

Varimi ngatishand­isei mishonga yesora ndokuti mbeu dzeNzou SC719 kana SC727 dzikupei goho rine mutsindo, dzeShumba SC633 kana SC 637 dzikupei goho rinodzvova. Avo vari kunopisa (natural region 3-5) regai mbeu dzeMbizi SC 513, 529 ne533, dzeTsoko SC403 kana dzeTsuro SC301 dzikure mumunda makachena ndiko kuti matura enyu ati fashafashe.

KUTI SEED CO NDOKUTI MBEU.

 ??  ?? KANA munda wechibage wakasakurw­a zvekusara usina sora, mbeu dzeSeed Co dzakaita seSC533 dzinoita mashura pakupa murimi gohwo rakakura.
KANA munda wechibage wakasakurw­a zvekusara usina sora, mbeu dzeSeed Co dzakaita seSC533 dzinoita mashura pakupa murimi gohwo rakakura.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe