Kwayedza

‘Tinokohwa pakuru neCommand Agricultur­e’

VAMWE varimi vari kubatsirwa pasi pechirongw­a chekupihwa zvekushand­isa neHurumend­e cheCommand Agricultur­e vanoti vane tarisiro yekuti vachakohwa goho guru mwaka uno.

- Muchaneta Chimuka

MUMWE wevarimi ava, VaRichard Chirongwe vekuSable Pick Farm kuConcessi­on kuMashonal­and Central, vanoti vakarima mahekita 70 echibage pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e uye vari kutarisira kukohwa matani anodarika gumi pahekita.

“Ini ndakadyara ndichishan­disa fetereza yeCompound D saka ndiri kutarisira kuzowana yepamusoro pane ipi zvayo nguva nekuti zvirimwa zvangu zvave kuda Ammonium Nitrate. Ndine tarisiro yekuwana matani anodarika gumi pahekita,” vanodaro.

VaChirongw­e vanoti vachiri kudyara zvimwe zvirimwa nekuti vane donzvo rekuti varime mahekita zana echibage.

Zvakadai, VaGodwin Mawire vekuKwayed­za Farm kuConcessi­on kwakare vanoti vari kutarisira kukohwa matani masere echibage pahekita imwe chete.

Kwayedza Farm ine mahekita 150 echibage ayo ari kurimwa pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e uye chibage chizhinji chiri mumunda uyu chakatodar­ika mabvi kukura.

“Tine shungu dzekuti nyika inge ichiwana maguta ndiko kusaka tiri kushanda nesimba,” vanodaro.

VaMawire vanoti nguva yadarika vakambosan­gana nedambudzi­ko remakonye e “armyworm” aidya zvirimwa asi vakakwanis­a kupedza dambudziko iri kuburikidz­a nekuafirit­a.

“Vamwe varimi vanofunga kuti chirongwa cheCommand Agricultur­e hachina betsero kwavari asi kuburikidz­a nekushanda nesimba uye zvidzidzo zvatakaita zvekurima ndichavara­tidza kuti chirongwa ichi chakanaka zvikuru. Varimi vanofanira kutevedza nzira kwadzo dzekurima kuti vawane goho guru dzakadai sekutenga mbeu yakauchikw­a muzvitoro zvakanyore­swa zviri pamutemo. Zvirimwa zvinoda kusakurirw­a sora nenguva uye fetereza inoda kuiswa nezvipimo chaizvo zvakatarwa kwete kuomera,” vanodaro VaMawire.

Gurukota rezvekurim­a nekusimudz­irwa kwemadirid­ziro, Dr Joseph Made, vanoti chirongwa cheCommand Agricultur­e chichabudi­rira zvikuru zvisinei nemashoko evamwe vanhu vari kuedza kuchidziki­sira.

“Tinoramba tichikurud­zira varimi kuti vadyare nenguva vachikoshe­sa madiridzir­o kuti vasazochem­a nataisirev­a,” vanodaro.

Zvakadai, Hurumende iri kuyambira varimi vose vari kubatsirwa pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e kuti vashandise zvavari kupihwa nemazvo nekuti pachazoitw­a ongororo yemashandi­siro avanenge vakazviita.

Izvi zvinotever­a mashoko ekuti kune vamwe vari kutengesa zvakakapih­wa neHurumend­e kuti vashandise pakurima asi vose vanobatwa vachiita hunhubu uhu vacharangw­a maringe nemutemo.

Pasi pechirongw­a ichi, Hurumende iri kupa varimi mbeu, fetereza, mishonga yekuf irit isa zvirimwa nemafuta edhiziri ekurimisa kuburikidz­a nemataraki­ta.

Varimi vanotarisi­rwa kukohwa matani 2 miriyoni echibage munyika yose kubva pamahekita 400 000 pasi pechirongw­a cheCommand Agricultur­e.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe