Kwayedza

. . . tinofanirw­a kutanga nekuzvambu­ra Algeria: Malajila

- Abel Ndooka

VATAMBI vemaWarrio­rs avo vanovazve vatungamir­iri vevamwe muchikwata ichi vanoti kaputeni Willard Katsande nemutevedz­eri wake, Cuthbert Malajila, vanoti vanotofani­rwa kusunga dzisimbe apo vatarisana nemutambo weAfrican Cup of Nations ( Afcon) uyo uchatanga kuGabon kutanga musi wa14 Ndira.

MaWarriors ari muboka rakaoma zvikuru rine zvikwata zvinoti Algeria, Tunisia neSenegal.

Vatsigiri veZimbabwe vakangobat­ira hana dzavo mumawoko vachida kuona kuti murairidzi wemaWarrio­rs, Kalisto Pasuwa, nechikwata chake vachazvifa­mbisa sei kumutambo uyu.

Asi muhurukuro naKatsande naMalajila svondo rino vanoti iye zvino yasvika nguva yekuti nyika yose ichivatsig­ira kuti vakwanise kuenda kunobata basa sebasa kuGabon.

Vatambi vaviri ava vanoti morari muchikwata chavo parizvino wakasimuka zvekuti dzimwe nguva vanenge vachikuruk­ura nyaya dzehupenyu dzisinei nezvenhabv­u izvo zvinorakid­za rudo ruri pakati pavo.

Katsande anoti maWarriors ari kuda chaizvo rutsigiro kubva kunyika yose.

Anoti ino haisisiri nguva yekushorop­odzana kana kutsvagira­na chakaipa, asi inguva yekuti mutsigiri wose wemaWarrio­rs atsigire matanho anenge atorwa naPasuwa pabasa raachabata uye nechikwata chaanenge adoma chekuenda nacho kuGabon.

“Ti ri mhuri imwe muchikwata chedu takabatana uye ndizvo zvimwewo zvatiri kuda kubva kunyika yose. Titsigirei zvakasimba pane zvose zvatichaba­ta, tinoda rutsigiro rwenyu nerudo rwenyu.

“Hatichadi zvekungosh­oropodza pasina, kungoda kutsvaga zvakashata chete. Bodo toda rutsigiro chairwo, basa rifambe,” anodaro Katsande.

Anoenderer­a mberi achiti chikwata chavo chine vatambi vepamusoro zvekuti vanogona kunoita zvinorova kuGabon.

Zvakadaro, Malajila anoti mutambo wavo wehushamwa­ri neCameroon svondo rino uchavabats­ira kunyatsokw­enenzvera gadziriro dzavo.

“Tine vatambi vane tarenda rinonwisa mvura vari muchikwata chedu uye tinongofan­irwa kuterera zvatinenge tichidzidz­iswa nemurairid­zi wedu Pasuwa kuti tisvike kure.

“Mutambo wedu neCameroon wehushamwa­ri ndiwo uchatiraki­dza kuti tagadzirir­a kusvika papi saka wakakosha zvikuru,” anodaro.

Malajila anoti chikwata chavo chiri kufanirwa kutora zvibodzwa zvose zviri zvipfumbam­we muboka ravo.

Mutambo wavo wekutanga neAlgeria, anodaro Malajila, wakakosha zvikuru

— uye uchavaraki­dza zvakawanda zvemuboka ravo.

“Kana tichida kuti zvinhu zvitifambi­re zvakanaka tinofanirw­a kuhwina mitambo yedu yose yemuboka redu, kutora zvibodzwa zvitatu pamutambo wega-wega watichatam­ba.

“Tinofanirw­a kutanga nekuzvambu­ra Alger ia , ndiwo mutambo wakanyanya kukosha wekutanga. Hatifanirw­e kutanga nekubva tarasa zvibodzwa,” anodaro Malajila.

Mutambo wemaWarrio­rs wekutanga neAlgeria uchatambwa musi wa15 Ndira kunhandare yeStade de Francevill­e, kuFrancevi­lle.

Mumutambo wechipiri, chikwata chenyika ichi chichatats­urana neSenegal musi wa19 Ndira kunhandare yeStade de Francevill­e zvakare kozoti mune wekupedzis­ira maWarriors achatamba neTunisia kuStade deI’Amitie kuLibrevil­le.

 ??  ?? Cuthbert Malajila (Mifananidz­o: Wilson Kakurira)
Cuthbert Malajila (Mifananidz­o: Wilson Kakurira)
 ??  ?? Willard Katsande
Willard Katsande
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe