Kwayedza

Akafira bhora rechikwesh­e

- Muchaneta Chimuka

MUKADZI wekwaSeke wekubatwa nemhosva nedare rekuChitun­gwiza Magistrate­s Court yekuponda kamwana kakomana kaiva nemakore 15 ekuberekwa nemutswi mushure mekunge vanetsana nenyaya yebhora rechikwesh­e akatongerw­a kugara mujeri kwemakore matanhatu.

Mutongi wedare iri, Estere Chivasa, akabata Chipo Nkomo (21) wekwaTunha, kwaCharaku­pa, nemhosva yekuponda Godknows Chigurapat­i (15).

Mutongi akazomubvi­sira gore rimwe chete pachirango ichi paine chitsidzo chekuti hafaniri kupara imwezve mhosva yerudzi urwu mukati memakore mashanu.

Nkomo akatongwa nemhosva yekuuraya munhu asina chinangwa (Culpable Homicide Section (49(1)(a) of the Criminal Codificati­on Act.

Nkomo akabvuma mhosva yake pasina kukakama zvisinei nekuti anoti akaita izvi senzira yekuzvidzi­virira mukupondwa nemwana waainetsan­a naye uyu anove akange amubatira zvidhinha.

Muchuchisi Loveti Muringwa akaudza dare kuti nomusi wa8 Nyamavhuvh­u gore radarika munguva dzemasikat­i, Godknows akange achitamba bhora rakagadzir­wa nemapepa neshamwari dzake apo Nkomo akange ari kutsvaira mumba yake yekubikira.

Nkomo aka zobuda mumba ndokutora bhora rakange richitambw­a nevana izvo zvakaita kuti Godknows amubvunze chikonzero chekuita izvi.

Nkomo akabva atangisa kutukirira mwana uyu izvo zvakaita kuti Godknows amupindure­wo zvinova zvisina kumufadza achibva amukanda mbama kamwe chete.

Mwana uyu akabva amudzorera­wo izvo zvakaita kuti vaviri ava vagumisire vorwa.

Michael Tunha ndiye anonzi akazorandu­tsira botso iri.

“Godknows paakange ave kuenda, Nkomo akatora chimhedu chechidhin­ha ndokuchipo­tsera izvo zvakaita kuti mwana uyu anhonge zvimedu zvezvidhin­ha zviviri kwava kutandanis­a Nkomo achida kumutema.

Nkomo akatizira mumba yake yekubikira asi Godknows akaramba achimuteve­ra izvo zvakaita kuti apedzisire atora mutswi waive mumba umu achibva amurova nawo mumusoro,” anodaro Tanaka Tafirenyik­a, anove mufakazi uyo aitamba bhora naGodknows

Anoenderer­a mberi achiti, “Mushure mekurohwa nemutswi, akabva adonhera pasi ndokufenda ndokuzomuk­a kwapera kanguva. Ndakabva ndamutora ndokumuper­ekedza kumba kwavo ndichibats­irwa naTunha.”

Ambuya vaGodknows, Esina Mapisa (64), vanoti pavakadzok­a kwavakange vashanya vakasvikot­aurirwa nemuzukuru wavo kuti akange atekeshwa kurohwa nemutswi naNkomo uyo aimupomera mhosva yekuti aigara achimutuka uye kuti akange amutorera bhora ravaitamba.

“Ndakazotor­a muzukuru wangu ndokuenda naye kukirinika asi akange ave kurwara zvakanyany­a tichibva tanomhan’ara kumapurisa ekuDema. Mushure mezvo, ndokuenda naye kuChitungw­iza Central Hospital uko akazoshaya muzuva rakatevera,” vanodaro.

Mutswi wakashandi­swa mukurova mwana uyu wakaburits­wa mudare seumboo.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe