Zim Warriors: Tambai bhora
KUTANGA nemusi weSvondo svondo rino, mwoyo nepfungwa zvezvizvarwa zveZimbabwe zvichange zviri kuGabon uko chikwata chenhabvu chenyika, cheZimbabwe Warriors, chichatamba mutambo wacho wekutanga neAlgeria mumakwikwi eAfrica Cup of Nations (Afcon).
Chikwata ichi ndicho chega kubva kudunhu reSouthern Africa chakabudirira kuenda kumakwikwi aya.
Zvichireva kuti dunhu rose reSouthern Africa richange richitsigira maWarriors sezvo kubudirira kwawo iri budiriro yedunhu rose.
MaWarriors ari muGroup B, iro rine zvikwata zvinoti Algeria, Senegal neTunisia. Uyu mukana wekuti maWarriors, achitungamirirwa nemurairidzi Callisto Pasuwa, asimudze mureza wenyika uyewo nekuti ivo vatambi varatidze hunyanzvi hwavo kuzvikwata zvekunze, izvo zvinoita kuti vamwe vaonekwe zvigogona kuita kuti vazotengwa mune ramangwana. Aka kachange kari kechitatu maWarriors achinokwikwidza kuAfcon munhoroondo yawo. Mumakore a2004 ne2006, apo chikwata chenyika chakabudirira kuenda kumitambo iyi, chaiburitswa mumakwishu aya chisati chaenda kure. Zimbabwe yange yave nemakore gumi yakapedzisira kukwikwidza kuAfcon.
Munhu wose ari kungokwenya mhuno nekasiyanwa, kuda kuona kuti Pasuwa nechikwata chake vanganyore nhoroondo here nekuve ivo vekutanga muZimbabwe kusimudza mukombe uyu.
Zvinokwanisika kuti chikwata chenyika ichi chihwine mukombe weAfcon kana chikashanda nesimba uye chikawana rutsigiro rwakazara.
MaWarriors kubudirira kwaakaita kuenda kuAfcon zvinoreva kuti ishasha pakati pedzimwe shasha nekudaro haafanirwe kutarisirwa pasi.
Kana zvikwata zvenyika yeZambia neSouth Africa – izvo zvisina kubudirira kuenda kuGabon – zvakambotora mukombe weAfcon, chinotadzisa maWarriors kutevera matsimba azvo chii?
Ino ndiyo nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabwe pamwe nedunhu rose reSouthern Africa vape rutsigiro ruzere kumaWarriors.
Vatsigiri venhabvu vakawanda vari kungodemba kuti, “Dai vekuZifa vambotipawo ma’serious’ rwendo rwuno.” Nekuti Zifa ndiyo anofanirwa kuona kuti vakomana ava havatambe nhabvu vaine zvimwe zviri kuvakanganisa, chavo kubanha bhora bedzi pasina kufunga zvimwe.
Chiri kufadza ndechekuti pari zvino nyaya dzemari yemaWarriors, iyo yaimbonetsa nguva yadarika, yakagadziriswa.
Izvi zvinotevera kusagadzikana kwezvinhu svondo rapera apo vatambi ava vakange vave kuramba kuenda kuCameroon kunopedzisa gadziriro dzavo vachiti vaida kutanga vabhadharwa mari dzavo.
Ichokwadi kuti maWarriors anofanirwa kupihwa muripo wavo sezvinoitwa kumabasa kwose-kwose kuti munhu akashanda anofanirwa kutendwa. Asika, pane dzimwe nguva zvakakoshawo kuisa zvido zvenyika pamberi panguva yakadai iyi. Tine idi rekuti maWarriors acharwa semvumba kuGabon nekuti kana akahwinha mukombe weAfcon, mutambi mumwe nemumwe achawana mari inodarika $100 000. Apoka! Uyu mukana unofanirwa kushandiswa zvizere nekuti hauwanikwe nyore. Tinoti kumaWarriors, vakomana simudzai mureza weZimbabwe neweSouthern Africa kuGabon.Tambai bhora vakomana!