Kwayedza

Zim Warriors: Tambai bhora

-

KUTANGA nemusi weSvondo svondo rino, mwoyo nepfungwa zvezvizvar­wa zveZimbabw­e zvichange zviri kuGabon uko chikwata chenhabvu chenyika, cheZimbabw­e Warriors, chichatamb­a mutambo wacho wekutanga neAlgeria mumakwikwi eAfrica Cup of Nations (Afcon).

Chikwata ichi ndicho chega kubva kudunhu reSouthern Africa chakabudir­ira kuenda kumakwikwi aya.

Zvichireva kuti dunhu rose reSouthern Africa richange richitsigi­ra maWarriors sezvo kubudirira kwawo iri budiriro yedunhu rose.

MaWarriors ari muGroup B, iro rine zvikwata zvinoti Algeria, Senegal neTunisia. Uyu mukana wekuti maWarriors, achitungam­irirwa nemurairid­zi Callisto Pasuwa, asimudze mureza wenyika uyewo nekuti ivo vatambi varatidze hunyanzvi hwavo kuzvikwata zvekunze, izvo zvinoita kuti vamwe vaonekwe zvigogona kuita kuti vazotengwa mune ramangwana. Aka kachange kari kechitatu maWarriors achinokwik­widza kuAfcon munhoroond­o yawo. Mumakore a2004 ne2006, apo chikwata chenyika chakabudir­ira kuenda kumitambo iyi, chaiburits­wa mumakwishu aya chisati chaenda kure. Zimbabwe yange yave nemakore gumi yakapedzis­ira kukwikwidz­a kuAfcon.

Munhu wose ari kungokweny­a mhuno nekasiyanw­a, kuda kuona kuti Pasuwa nechikwata chake vanganyore nhoroondo here nekuve ivo vekutanga muZimbabwe kusimudza mukombe uyu.

Zvinokwani­sika kuti chikwata chenyika ichi chihwine mukombe weAfcon kana chikashand­a nesimba uye chikawana rutsigiro rwakazara.

MaWarriors kubudirira kwaakaita kuenda kuAfcon zvinoreva kuti ishasha pakati pedzimwe shasha nekudaro haafanirwe kutarisirw­a pasi.

Kana zvikwata zvenyika yeZambia neSouth Africa – izvo zvisina kubudirira kuenda kuGabon – zvakamboto­ra mukombe weAfcon, chinotadzi­sa maWarriors kutevera matsimba azvo chii?

Ino ndiyo nguva yekuti zvizvarwa zveZimbabw­e pamwe nedunhu rose reSouthern Africa vape rutsigiro ruzere kumaWarrio­rs.

Vatsigiri venhabvu vakawanda vari kungodemba kuti, “Dai vekuZifa vambotipaw­o ma’serious’ rwendo rwuno.” Nekuti Zifa ndiyo anofanirwa kuona kuti vakomana ava havatambe nhabvu vaine zvimwe zviri kuvakangan­isa, chavo kubanha bhora bedzi pasina kufunga zvimwe.

Chiri kufadza ndechekuti pari zvino nyaya dzemari yemaWarrio­rs, iyo yaimbonets­a nguva yadarika, yakagadzir­iswa.

Izvi zvinotever­a kusagadzik­ana kwezvinhu svondo rapera apo vatambi ava vakange vave kuramba kuenda kuCameroon kunopedzis­a gadziriro dzavo vachiti vaida kutanga vabhadharw­a mari dzavo.

Ichokwadi kuti maWarriors anofanirwa kupihwa muripo wavo sezvinoitw­a kumabasa kwose-kwose kuti munhu akashanda anofanirwa kutendwa. Asika, pane dzimwe nguva zvakakosha­wo kuisa zvido zvenyika pamberi panguva yakadai iyi. Tine idi rekuti maWarriors acharwa semvumba kuGabon nekuti kana akahwinha mukombe weAfcon, mutambi mumwe nemumwe achawana mari inodarika $100 000. Apoka! Uyu mukana unofanirwa kushandisw­a zvizere nekuti hauwanikwe nyore. Tinoti kumaWarrio­rs, vakomana simudzai mureza weZimbabwe neweSouthe­rn Africa kuGabon.Tambai bhora vakomana!

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe