Kwayedza

Mwana (8) anodya rwaivhi

. . . nenhiyo dziri mbishi . . . zvose nematumbu

- Kingstone Mapupu

IMBOFUNGA izvi. Mwana wako ane makore masere okuberekwa anopota achinovhim­a marwaivhi musango achiadya ari mapenyu, nekupota achibata hukwana dzehuku achidzidya­wo dziri mbishi - zvose nematumbu acho. Kana zvake zvakamubat­a, mwana uyu anotoda varume vatatu vakasimba kuti vamudzivis­e zvaanenge achidya izvi.

Iri ndiro dambudziko rakatarisa­na nemumwe mubereki wekupurazi reMandora, kuBanket, uyo anoti ashaya zano rekuita nemwanakom­ana wake uyo anodya marwaivhi nehukwana dzehuku zviri zvimbishi. Mwana iyeyu anodyawo tsvina yake pamwe nekuizora pose-pose.

VaGilbert Garufu ( 35), avo pari zvino vari kugara mumusha weKuwadzan­a Phase 3, muHarare, vari kutsvaga vanokwanis­a kuvabatsir­a padambudzi­ko rine mwana wavo (zita tinaro asi kodzero dzevana hadzitende­re kuti timudome).

Mwana uyu anonzi zvakare akadya chose chaanenge adya, anozeya achisvipa sezvinoita mombe kana dzimwe mhuka.

VaGarufu vanoti havazive kuti dambudziko remwana wavo richapera sei sezvo vatambura zvikuru vachitsvag­a kubatsirwa.

“Mwana uyu, uyo anova wechipiri, anotsvaga marwaivhi mapenyu musango achiadya uye anobata hukwana dzehuku achidya dziri mbishi - zvose nematumbu.

“Iri idambudzik­o randisati ndamboona uyewo handizive kuti mwana wangu ari kuitwa zveSatanis­m here, kuroyiwa here kana kuti mabasa emashavi akaipa,” vanodaro VaGarufu vachisirir­isa.

Murume uyu anoshandir­a kuSouth Africa uye anoti akatodzoka kumusha kuti azogadziri­sa dambudziko rine mwana wake.

“Izvi zvakatangi­ra kumusha kunogara amai nababa, kupurazi reMandora. Mwana uyu aingoti akaona rwaivhi bedzi, obata obva adya ipapo achitotsen­ga nekumedza zvekuti vanotya vaitotiza.

“Hukwana dzehuku anoitawo zvimwe chete, anobata odya ipapo achimedza. Kwatinofam­ba kunotaurwa zvakawanda, kumwe kunonzi mwana uyu akapihwa shavi rehuroyi vamwewo vachiti akaturikwa shavi regudo kana kuti akaiswa chikwambo,” vanodaro.

Mwana uyu, vanodaro VaGarufu, anozeya kudya kwose kwaanenge adya achitoburi­tsa chinzvinzv­i nekumuromo.

Vanotizve kwavanofam­ba, sekumaporo­fita nekun’anga, vamwe vanopomera­wo hama dzepedyo (mazita tinawo) vachiti ndidzo dzinoziva zvadzakait­a mwana uyu pachivanhu.

“Baba vangu, VaDumfah Garufu (67), naamai vangu VaSavy Garufu (61) ndakavatau­rira kuti kwatinofam­ba ndinobata zvakasiyan­a kusanganis­ira hama dzepedyo, vakati ivo vanotorwad­ziwawo nezvinoiti­ka kumuzukuru wavo vachiti vakazvipir­a kuti tifambe tose,” vanodaro.

Mwana uyu anonzi ane simba rakapetwa kuita seremunhu mukuru apo anonzi anorwisana nevanhu vanoda kumurambid­za kudya marwaivhi kana hukwana.

Zvinonzi panotoda varume vaviri kana vatatu kuti vamutakanu­re kubva kuzvinhu zvaanenge achidya izvi.

Kunze kweizvi, mwana uyu haagone kutaura uyewo akapedza kuzvibatsi­ra, anodya tsvina yake nekubata achiizora pose paanoda.

“Tsvina yake chaiyo anodya nekutora achinyora angava madziro kana pose paanoda. Mwana uyu azvarwa, akamboda kurakidza kukura zvakanaka sezvinoita vamwe ndokuzotan­ga kuita zvinhu zvisinganz­wisisike.

“Anokwanisa kusimudza mazitombo andinotadz­a kusimudza ini baba vake wozvishaya kuti ndiye here mwana uyu kana kuti pane zvinhu zvinomugar­a.

“Kumusha uku ndakasvika achinzi akanga achienda musango achinotaku­ra mazitombo achivhara gomba rechimbuzi kutosvika pakati nepakati,” vanodaro VaGarufu.

Murume uyu anoti ane fungidziro yekuti mwana wake ane zvimwe zvirwere zvingada kuchipatar­a. —

 ??  ?? VaGilbert Garufu vakatakura mwana wavo. Mifananidz­o: Memory Mangombe
VaGilbert Garufu vakatakura mwana wavo. Mifananidz­o: Memory Mangombe
 ??  ?? Mwana anodya marwaivhi
Mwana anodya marwaivhi
 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe