Kwayedza

‘VAMWENE IMI MURI MUPARANZVO­NGO’

‘Ndimi munonyenge­ra murume wangu pfambi’

- Trymore Muvhawa

MUROORA akamuka chibhebhen­enga ndokupwany­a mahwindo epamba paamwene vake pamwe nekuvatuki­dzira achivapome­ra mhosva yekutsvagi­ra murume wake vamwe vakadzi.

Kupukai Kutinyu, uyo anogara kuMbare, akatozomha­n’arira muroora wake, Alice Nhera, kudare reHarare Civil Court.

Kut i nyu akaudz a mutongo wedare iri, Yeukai Dzuda, kuti: “Mambo wangu, muroora uyu anotuka mashoko anobaya moyo. Anondirwad­zisa zvisingait­e, achindipom­era mhosva dzandising­azive.

“Gore rapera akauya kumba akagumbuka akasvikopw­anya mahwindo pamba pangu achiti ndini ndinoita basa rekutsvagi­ra mwana wangu vamwe vakadzi. Haana kana kundipa mukana wekupindur­a achingopop­ota chete.”

Nhera akaudza dare kuti vamwene vake vaitaura chokwadi kuti akavatuka uye kupwanya mahwindo emba achiti ivo ndivo muparanzvo­ngo. “Hongu, ndakavatuk­a pamwe nekuputsa mahwindo nekuti ndaive ndakashati­rwa nemaitiro avo ekutsvagir­a murume wangu mamwe madzimai. Ndakaramba­na nemurume wangu muna 2013 ndokutanga kuzviraram­ira zvangu ndichizvic­hengeta. Asi murume wangu akazodzoka kwandiri gore rapera achikumbir­a ruregerero ndikamutam­bira.

“Ndaifunga kuti pamwe kahunhu kaamai vacho kakapera saka pandakaona vatanga futi ndakangofu­nga kuti kuvaudza chokwadi ndokuzvipe­dza, ndichivara­tidza kuti ndinorwadz­iwawo uye ndiri munhu,” akadaro Nhera.

Akaenderer­a mberi achiti: “Kumba kwavo hazviite kuti ndirege kusvikako nekuti kana ndanetsana nemurume wangu anoenda ikoko saka ndinofanir­a kutosvika ikoko kuti tidzokere kumba tose.

“Zvakare pasina kunetsana kwangu nemurume wangu, vanogara nemwana wangu musikana ane makore 17 ekuberekwa saka ndinoita kuudzwa nevanhu kuti anopinda mumba nguva isina kufanira uye kuuya pamba pacho akadhakwa asi ivo havadi kumutsiura. Ndikati ndiende kunotaura naye havadi saka ndodii?”

Mutongi Dzuda akapa Kutinyu gwaro redzivirir­o ndokuudza Nhera kuti kana achidawo gwaro iri akasunungu­ka kuisa chikumbiro chake kudare.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe