Kwayedza

Murume hutu neshamwari

- Tafadzwa Mutsotso

MUPURISA wechikadzi anoshandir­a pakamba yekuBeatr ice anot i akagurwa kunorira neshamwari yake yepamoyo iyo yakamutore­ra murume wake zvikaita kuti wanano yavo iparare.

Pamela Gocha akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court uko akaendeswa nemurume wake, Alfred Ndoya, anova mushandi weZimbabwe National Water Authority, achiti ari kumushungu­rudza.

Ndoya aikumbira dare kuti ridzivise Gocha kuti asauye kumba kwake achiti ari kumuonesa pfumvu.

“Uyu aimbove mudzimai wangu asi takazosiya­na mushure mekunge tatadza kunzwisisa­na. Ndanga ndichikumb­irawo dare kuti rimurambid­ze kusvika pamba pangu nekuti ave kugara achiuya achingondi­tuka pamwe nekundityi­sidzira kuti anoda kundiuraya,” akadaro Ndoya.

Akaenderer­a mberi achiti, “Kutaura kuno atori nemumwe murume waanogara naye asi anongoda kuramba achinetsan­a neni. Chaanoving­a kumba kwangu handichizi­ve nekuti mari yemendenen­zi ndinobvisa mwedzi wega-wega.

“Ngaasiyane neni neupenyu hwangu, ndinodawo kufurwa nemhepo.”

Akati akatoendes­a chikumbiro chake chekuti varambane kudare guru reHigh Court sezvo vaine muchato.

“Ari kuramba achiendere­ra mberi nekundishu­ngurudza zvekuti akatombobu­ritsisa nyaya yangu nemusikana wandiri kufambidza­na naye mubepanhau reH- Metro,” akadaro Ndoya.

Gocha akaudza dare kuti haana kumbobvira anetsana naNdoya asi kuti ainge atodzingwa pamba nekuda kwemukadzi ari kufambidza­na nemurume wake uyo waanoshand­a naye.

“Zv a a r i kutaura manyepo, kumba kwake ndakakusvi­ka kamwe chete ndichida kubvunza kuti sei mari dzevana dzakanga dzatora nguva dzisingapi­nde kubhanga. Handina kumbomurwi­sa kana kumutuka, munhu wandakaton­etsana naye ishamwari yangu inova ndiyo yave pfambi yake.

“Mukadzi iyeye aive shamwari yangu uye tichishand­a tose, atori pasi pediscipli­nary committee yekubasa nekuda kwenyaya iyoyi,” akadaro Gocha.

Gocha akaenderer­a mberi achiti, “Zvaari kutaura zvekuti ndakaendes­a nyaya yake kuH- Metro hazvina umboo. Handisini ndakaendes­a nyaya yake kupepanhau. Zvakare, ari kutondinye­pera kuti ndine murume wandiri kugara naye pari zvino, ndinogara nevana vangu chete.” Mutongi Yeukai Dzuda akati vaviri ava vazodzoka kudare kuti vanzwe mutongo wavo.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe