Kwayedza

Mahwindi akarwira $10

- Tafadzwa Mutsotso

YAKAVE batai batai pakati peguta reHarare apo mahwindi emushika- shika airwira $ 10 yakange yasiiwa nemutyai r i webhazi ravainge vabatsiran­a kushevedze­ra kuti vanhu vakwire.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Tafadzwa Mafuratidz­e akamhan’arira Petronella Chimbi achimupome­ra mhosva yekumushun­gurudza nemashoko uye kumutyisid­zira.

“Chikumbiro changu ndechekuti dare rindibatsi­re nekudzivis­a musikana uyu kutaura neni. Handidi zvangu kuti titaudzane nekuti ndipo pari kubva kunetsana kwedu.

‘‘ Anogara achindituk­a nemashoko asina kunaka,” akadaro Mafuratidz­e.

“Zvinondika­nganisa basa rangu nekuti ini ndinoshand­a nevanhu, z vino kana togara tichingotu­kana pamberi pevanhu hazviratid­ze chimiro chakanaka. Akaba mari yatakapihw­a akaramba kuti tigovane mushure mekunge taita basa tose.”

Achipawo divi rake, Chimbi akapokana nemashoko aMafuratid­ze achiti haana kumbobvira amutuka.

“Manyepo aari kutaura, ini handina kumbomutuk­a asi kuti ndiye akatonditu­ka nekundirov­a mushure mekunge ndasiirwa $10 nadhiraivh­a webhazi randainge ndarodha. Iye akauya achiti tigovane nepakati achiti ainge andibatsir­a kuti bhazi rizare asi takambenge tatorwira vanhu iye achirodha mota yakewo,” akadaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Paakaona ndaramba nemari, ndipo akatanga kundityisi­dzira achiti ndichazvio­na. Akandiudza kuti achauyisa nyaya kuno kudare ndikaure saka zvekuti ndakamutuk­a zvaari kutaura izvo manyepo,” akadaro Chimbi.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Mafuratidz­e gwaro rerunyarar­o.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe