‘NDAKASOTWA NECHIPFEKO CHEMUKATI’
MUDZIMAI wekuCaledonia, pedyo neTafara, muHarare, ari kudemba zuva raakatorerwa chipfeko chake chemukati icho chaanoti chakanoshinhirirwa nemukadzi wemurume waaidanana naye.
An o t i kudanana nemurume wemunhu kwamuparira sezvo achiti akazoshinhirirwa chipfeko ichi izvo zvamuita kuti atadze kubata mimba iyo yaari kutsvaga nemeso matsvuku.
Mushure mekupfimbwa nemurume wemunhu iye ndokuti, “Neniwo ndakuda”, mukadzi uyu anoti zvino atambura nekutsvaga mbereko achiishaya zvichibva pakubatikidzwa kwaakaita nemuridzi wemurume uyu.
Mirirai Chikoka (45) anoti ave nemakore manonwe achitsvaga kubata mimba asi zvichiramba uye ane fungidziro huru yekuti izvi zviri kukonzerwa nekushereketerwa kwaakaitwa pachipfeko chake chemukati nemuridzi wemurume.
“Zvakaitika ndezvekuti ndakafirwa nemurume muna 2008 ndichibva ndazosangana naGilbert Kachingo, uyo aiti aida mukadzi wekuroora ini ndokubvuma kufambidzana naye. Pandakabva kuTafara ndichienda kunogara kuCaledonia, handina kuziva kuti pamba pandainogara ndipo pairojawo aimbove mudzimai wemurume uyu — Munyaradzi Mupoperi (31).
“Handaiziva kuti aimbove mudzimai wake nekuti pataigara tose akange achitogarawo nemumwe murume,” anodaro Chikoka, uyo anobva kumusha kwaMurinye, kuMasvingo.
Anoti Kachingo ainge akamuudza kuti akarambana nemudzimai wake mushure mekumubatikidza aine chikomba.
“Ndakatanga kugarisana nemurume uyu asi pasina nguva ndakatangisa kurwara ndichizviitira tsvina. Papera svondo, ndakashaya chipfeko changu chemukati uye ndinofungidzira kuti mudzimai wake uyu ndiye akachiba uye ndakamuona achibuda mumba mangu,” anodaro.
Anoenderera mberi achiti: “Kachingo ndakamubvunza nezvenyaya iyi akatanga kundichinjira nyaya. Ndakadzimaidzwa chibereko changu nemishonga yevaviri ava zvekusvika pakutadza kubata pamuviri.”
Chikoka ari kukumbira kune vanokwanisa kuti akwanise kubata mimba.
“Iko zvino ndakaroorwa nemumwe murume asi tatove nemakore 7 pasina kubata pamuviri. Handisi kushandisa kana nzira dzekurera mhuri nekuti ndiri kuda mwana pamwe chete nemurume wangu asi zviri kuramba.
“Aive mudzimai waKachingo uyu ndakambomubvunza nenyaya yechipfeko changu uye dambudziko rekushaya mbereko iro rakatanga mushure mekunge atora chipfeko changu chemukati akanditi, ‘Chidembo chinotamba-tamba asi muswe ndakabata’. Akati handife ndakabereka mwana muupenyu hwangu nekuti akandigadzira,” anodaro.
Murume waChikoka, Simon Pembele (40), anotsinhira nyaya yekuti vave nemakore manomwe vasina mwana.
“Tave nemakore 7 nemudzimai Mifananidzo: Tawanda Midimu naInnocent Makawa
uyu asiri kubata mbereko. Takamboenda kumachiremba zvikanzi hapana dambudziko. Takambotenderera kuchivanhu nekumaporofita asi hapana shanduko.
“Mudzimai wangu anoti akambonana nemurume wekuMalawi waari kutaura, nekudaro tine fungidziro yekuti akasotwa nemishonga ndokusaka tauya kuno kuzotaura dambudziko redu,” anodaro apo vainge vashanyira mahofisi eKwayedza.
Asi Mupoperi anoramba zvaari kupomerwa
naChikoka zvekuti akatora chipfeko chake chemukati ndokunochishinhirira.
“Amai ivavo (Chikoka) vanonyepa zvikuru, vanoda kurohwa zvakasimba nekuti ivo vakanditorera murume wangu wandakaita naye vana vaviri, mumwe ane makore 15 neane 12.
“Vakauya vakagara nemurume wangu pamba pandaigara, munoti zvivindi zvavo ndezveyi? Nhasi uno vave kuti ndakavatorera bhurugwa ravo. Vaidii kuzvitaura kudhara nekuti patove nemakore 11 zvaitika?
“Ngavaende vanoongororwa chibereko chavo neropa nemachiremba kuti vaonekwe kuti chii chiri kuita kuti vasaite mwana kwete kundipumha huroyi ini,” anodaro Mupoperi.
Anoenderera mberi achiti, “Takamboendesana kumapurisa nenyaya iyi tikayananiswa asi vave kutangazve. Neaimbove murume wangu wacho iyeye takatorambana kare, akatoroora mumwe mukadzi waari kugara naye kuChitungwiza.
“Ini ndakaroorwawo, ndava nevamwe vana vaviri uye iye akaroorwawo asi haa
◆