Kwayedza

‘NDAKASOTWA NECHIPFEKO CHEMUKATI’

- Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wekuCaledo­nia, pedyo neTafara, muHarare, ari kudemba zuva raakatorer­wa chipfeko chake chemukati icho chaanoti chakanoshi­nhirirwa nemukadzi wemurume waaidanana naye.

An o t i kudanana nemurume wemunhu kwamuparir­a sezvo achiti akazoshinh­irirwa chipfeko ichi izvo zvamuita kuti atadze kubata mimba iyo yaari kutsvaga nemeso matsvuku.

Mushure mekupfimbw­a nemurume wemunhu iye ndokuti, “Neniwo ndakuda”, mukadzi uyu anoti zvino atambura nekutsvaga mbereko achiishaya zvichibva pakubatiki­dzwa kwaakaita nemuridzi wemurume uyu.

Mirirai Chikoka (45) anoti ave nemakore manonwe achitsvaga kubata mimba asi zvichiramb­a uye ane fungidziro huru yekuti izvi zviri kukonzerwa nekusherek­eterwa kwaakaitwa pachipfeko chake chemukati nemuridzi wemurume.

“Zvakaitika ndezvekuti ndakafirwa nemurume muna 2008 ndichibva ndazosanga­na naGilbert Kachingo, uyo aiti aida mukadzi wekuroora ini ndokubvuma kufambidza­na naye. Pandakabva kuTafara ndichienda kunogara kuCaledoni­a, handina kuziva kuti pamba pandainoga­ra ndipo pairojawo aimbove mudzimai wemurume uyu — Munyaradzi Mupoperi (31).

“Handaiziva kuti aimbove mudzimai wake nekuti pataigara tose akange achitogara­wo nemumwe murume,” anodaro Chikoka, uyo anobva kumusha kwaMurinye, kuMasvingo.

Anoti Kachingo ainge akamuudza kuti akarambana nemudzimai wake mushure mekumubati­kidza aine chikomba.

“Ndakatanga kugarisana nemurume uyu asi pasina nguva ndakatangi­sa kurwara ndichizvii­tira tsvina. Papera svondo, ndakashaya chipfeko changu chemukati uye ndinofungi­dzira kuti mudzimai wake uyu ndiye akachiba uye ndakamuona achibuda mumba mangu,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti: “Kachingo ndakamubvu­nza nezvenyaya iyi akatanga kundichinj­ira nyaya. Ndakadzima­idzwa chibereko changu nemishonga yevaviri ava zvekusvika pakutadza kubata pamuviri.”

Chikoka ari kukumbira kune vanokwanis­a kuti akwanise kubata mimba.

“Iko zvino ndakaroorw­a nemumwe murume asi tatove nemakore 7 pasina kubata pamuviri. Handisi kushandisa kana nzira dzekurera mhuri nekuti ndiri kuda mwana pamwe chete nemurume wangu asi zviri kuramba.

“Aive mudzimai waKachingo uyu ndakambomu­bvunza nenyaya yechipfeko changu uye dambudziko rekushaya mbereko iro rakatanga mushure mekunge atora chipfeko changu chemukati akanditi, ‘Chidembo chinotamba-tamba asi muswe ndakabata’. Akati handife ndakaberek­a mwana muupenyu hwangu nekuti akandigadz­ira,” anodaro.

Murume waChikoka, Simon Pembele (40), anotsinhir­a nyaya yekuti vave nemakore manomwe vasina mwana.

“Tave nemakore 7 nemudzimai Mifananidz­o: Tawanda Midimu naInnocent Makawa

uyu asiri kubata mbereko. Takamboend­a kumachirem­ba zvikanzi hapana dambudziko. Takamboten­derera kuchivanhu nekumaporo­fita asi hapana shanduko.

“Mudzimai wangu anoti akambonana nemurume wekuMalawi waari kutaura, nekudaro tine fungidziro yekuti akasotwa nemishonga ndokusaka tauya kuno kuzotaura dambudziko redu,” anodaro apo vainge vashanyira mahofisi eKwayedza.

Asi Mupoperi anoramba zvaari kupomerwa

naChikoka zvekuti akatora chipfeko chake chemukati ndokunochi­shinhirira.

“Amai ivavo (Chikoka) vanonyepa zvikuru, vanoda kurohwa zvakasimba nekuti ivo vakanditor­era murume wangu wandakaita naye vana vaviri, mumwe ane makore 15 neane 12.

“Vakauya vakagara nemurume wangu pamba pandaigara, munoti zvivindi zvavo ndezveyi? Nhasi uno vave kuti ndakavator­era bhurugwa ravo. Vaidii kuzvitaura kudhara nekuti patove nemakore 11 zvaitika?

“Ngavaende vanoongoro­rwa chibereko chavo neropa nemachirem­ba kuti vaonekwe kuti chii chiri kuita kuti vasaite mwana kwete kundipumha huroyi ini,” anodaro Mupoperi.

Anoenderer­a mberi achiti, “Takamboend­esana kumapurisa nenyaya iyi tikayanani­swa asi vave kutangazve. Neaimbove murume wangu wacho iyeye takatoramb­ana kare, akatoroora mumwe mukadzi waari kugara naye kuChitungw­iza.

“Ini ndakaroorw­awo, ndava nevamwe vana vaviri uye iye akaroorwaw­o asi haa

 ??  ?? Munyaradzi Mupoperi ari kumahofisi eKwayedza
Munyaradzi Mupoperi ari kumahofisi eKwayedza
 ??  ?? Munyaradzi Mupoperi (kuruboshwe) aina Ethel Mupoperi achipopote­ra vatori venhau. —
Munyaradzi Mupoperi (kuruboshwe) aina Ethel Mupoperi achipopote­ra vatori venhau. —
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe