Kupambwa kwaBeaula
1. Peter Marimi anofarira kudetemba pamusoro pedingindira rezvirwere zviri kushungurudza vanhu mazuva ano. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo. [25]
Nhetembo dzake dzine pfungwa iyi dzinosanganisa; Kupedza taifoidhi hutsanana, Yakati yamubata asima, Usarara nemarariya, Chirwere cheshuga hachitapiri uye Chakati chandibata chirwere chekorera.
Mudetembo rinonzi Kupedza taifoidhi hutsanana, nyanduri anotidzidzisa kuti taifoidhi chirwere chinobatira mushure mekunge tsvina ine hosha yetaifodhi yapinda muchikafu sepaanoti, “Taifoidhi inobatika kana tsvina yavene taifoidhi yasangana nezvokudya.” Nyanduri anotiyambira kuti kwasara svondo rimwe chete tisati tashanya kunzvimbo dzinowanikwa chirwere chetaifoidhi tinofanira kubaiwa majekiseni ekuzvichengetedza sepaanoti, “Vhiki usati waenda kune taifoidhi baiwa mushonga unodzivirira.”
Tikatarisa mudetembo rinonzi Yakati yamubata asima, nyanduri ari kushungurudzika nechirwere cheasima nekuti chinouraya vanhu vemazera ese, vanoshaya nevanowana sepaanoti, “Vakuru navadiki, vapfumi navarombo, asima inotukutidza.” Nyanduri anotidzidzisa kuti dzimwe nguva asima chirwere chinoita zvekutapuriranwa kubva pakuzvarwa sepaanoti, “Mviromviro dzeasima kazhinji chipiwa chatinopiwa navabereki vedu vananyakubereka.”
Rimwe detembo raPeter Marimi rinotaura pamusoro pezvirwere rinonzi Usarara nemarariya, umo anotidzidzisa kuti marariya chirwere chinokokwa neutunga hwechikadzi sepaanoti, “Marariya chirwere, chinokonzerwa noutunga hwechikadzi.” Nyanduri anoti chirwere chemarariya chinonyanya kuwanikwa munzvimbo dzinopisa sepaanoti, “Munzvimbo dzinopisa ndimo utunga hunowanzowanikwa.”
Mune rimwe detembo rake rinonzi Chirwere cheshuga hachitapiri, nyanduri anoti chirwere cheshuga kuwandisa kweshuga kana kudzikira kwayo mumuviri sepaanoti, “Chirwere cheshuga ishuga yawandisa kana kushomeka muropa.” Nyanduri anoti vanhu vazhinji vanonyanya kubatwa nechirwere cheshuga vanogara munyika dzakabudirira kune zveupfumi sepaanoti, “Chinobata mamiriyoni avanhu zvikuru kunyika dzakasimukira.”
Kubva muna Chakati chandibata chirwere chekorera, nyanduri anoti korera chirwere chemanyoka sepaanoti, “Ndakati ndatapurana nayo korera chino chirwere chamanyoka.” Nyanduri anoti chirwere chekorera chikasakasikirwa chinouraya sepaanoti, “Kuinonokera korera unorova pasi nenguva isipi.”
2. Sarudza nhetembo shanu dzaPeter Marimi dzine dingindira rerayiro kubva muna Mutakunanzva Wenhetembo. Zvino chitsanangura zvinhu zviri kurayirwa mudetembo rega rega rawasarudza. [25]
Ndasarudza nhetembo idzi; Tsveta mukombe unhonge bhuku, Vakadyiwa nechavaidya, Simbi inorohwa ichapisa, Gore randakagova nhaka yangu naIwe Gudzadungwe.
Mudetembo rakanzi Tsveta mukombe unhonge bhuku, nyanduri anorayira munin’ina wake kuti anyanye kuita zvechikoro asiyane nedoro nekuti harina zera naye sepaanoti, “Iwe dzidza nesimba usiire doro kuvakuru.” Nyanduri anorayira munin’ina wake kuti doro rinokanganisa mafungiro sepaanoti, “Mvura dzowoshapira idzi dzinokaka njere.” Nyanduri anorayira munin’ina wake kuti achine mukana wakakura wekugadzirisa upenyu sepaanoti, “Nguva uchinayo yokugadzirira ramangwana.”
Mune rimwe detembo rinonzi Vakadyiwa nechavaidya, nyanduri anotirayira kuti tisaite zvechipfambi sepaanoti, “Iwe zingizi zivogonyera pamwe munyika, nokuti haazomboperi iwo maruva enyika.” Nyanduri anotirayira kuti tisiye ruchiva nekuti rwunoitwa nevanhu vasingagoni kuzvibata sepaanoti, Zvamesomeso ndezvavaya vasingazvidzori.
Iwe tsveta pasi gutsamhangwa dzaHandizvidzori.
Kubva muna Simbi inorohwa ichapisa, nyanduri anotidzidzisa kuti munhu anorayirwa achiri mudiki, kwete akura sepaanoti, “Asika kurayira kunoda pwere, mukuru ndimambo.”
Nyanduri anorayira vabereki vese kuti ngavarayire vana vavo vachiri vadiki, vasati vatanga kuita mabasa asakarurama sepaanoti, “Vabereki, ngoma ngaikakwe dehwe richiri nyoro.”
Mudetembo rake Gore randakagova nhaka yangu, anotidzidzisa kuti kuronga nhaka kuburikidza nekuinyora pasi kunoganhura kusawirirana sepaanoti, “Nhaka yorunyoro ndiyo chipedzamakakatanwa.” Nyanduri anotirayira kuti pakunyora nhaka tinokwanisa kutsvaga vafakazi vanotibatsira sepaanoti, “Kumbira anogona akunyorere, gweta ndiro chiororo.”
Rimwe detembo rake rine pfungwa yerayiro rinonzi Iwe Gudzadungwe. Nyanduri anorayira munhu anoshamwaridzana nevanhu vane mabasa akaipa achimuti asiyane nazvo nekukasika sepaanoti, “Pfira pasi chimbichimbi imbwa dzinhonge.”
Nyanduri anorayira munhu anotevedzera zviito zvisina kunaka zvinoitwa neshamwari achimuti ngaasaitawo zvinhu zvakashata sepaanoti, “Usatevedzera nzou kudya minzwa kwainoita.”
Kurudziro iripo ndeyekuti vandudzaiwo mhinduro idzi nezvamunoziva. MUCHIKAMU chino tichange tichiita mhenenguro yemabhuku enganonyorwa ari kudzidzwa padanho reA-Level kupepa reuvaranomwe. Zvinhu zvizhinji kwazvo zvinotariswa pakudzidza uvaranomwe hweShona, kunyanyanyanya takanangana nemabhuku enganonyorwa.
Zvino muchikamu chino tichange tichiita mhenenguro yebhuku rimwe nerimwe takanangana nezvinhu zvinowanikwa padanho rino zvinove zvinosanganisira: kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya, madingindira anowanikwa mumabhuku acho, makakatanwa, matambudziko anowira vatambi, zvinoreva mazita evatambi, rongetedzo dzenyaya, nzvimbo nenguva, kutendeseka nekusatendeseka kwenyaya, zvidavado zvinoshandiswa nevanyori pakuruka nyaya, shungu nevavariro dzevanyori pamwe chete nehukama hunenge huri pakati pevatambi.
Zvimwe zvinhu zvadomwa apa zvinogona kusiyana zvichienderana nebhuku rinenge richipenengurwa. Nekudaro tichatanga kuita mhenenguro yebhuku rinonzi Mavanga Orudo rakanyorwa naStephen Mushamba rikatsikiswa neveBooklove Publishers.
Mavanga Orudo inyaya iri pamusoro pemukomana anonzi Stanley Mafa akanga anyura murudo neimwe tsvarakadenga yainzi Beaula yaakasangana nayo panzvimbo yeUniversity of Zimbabwe apo vese vainge vachiita zvidzidzo zvavo zvepamusoro. Mwoyo yevaviri ava yakanamirana ndokuve chinhu chimwe chete kusvika vatenderana kuzotsaudzwa nerufu chete.
Rudo rwavo rwaisave rwekufungidzira asi rwemandorokwati. Beaula akada Stanely aive murombo ndokumubatsira zvikuru pane zvaaida kuti agadzirise hupenyu hwake kusvikira azowanawo rake basa pakambani huru inogadzira shangu muguta reGweru. Izvi zvinoburitsa pachena mutauro wekuti mwoyo muti unomera paunoda.
Rudo rwaStanley naBeaula rwuri pakati pekubvira moto saizvozvo muvengi anopindira pakati pavo ndokupamba Beaula, uyo akanga achishanda saodhita pane imwe kambani yakanga yakumbirwa kuti iongorore mafambiro aiita mari paC and T Private Limited.
Zvino matsotsi aiba mari yaishaikwa paT and C Private Limited paanoona kuti akanga ave kuzonyukurwa, anotora matanho akasiyana-siyana kuti aedze kukanganisa chikwata chemaodhita mukuita basa rawo kuburikidza nekutapawo Beaula aitungamira chikwata ichi. Kuita uku kunosiya Stanley ave nedzvanga rerudo rakanga rave kumudya mwoyo zvisina mukare akamboona.
Chiitiko chekutapwa kwaBeaula nematsotsi epaC and T Private Limited chinokonzera mavanga asingaperi kuvatambi vakatsaukana, ayo ainge akokwa nerudo.
Veduwe chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana. Kutsanangura mafambiro enyaya iyi kunonetsa, zvinotoda uchizviverengera woga. Mushure mekutapwa kwaBeaula; mukomana wake Stanley anotora matanho akawanda achironda mhondi dzainge dzapamba mumwe wake.
Kune rimwe divi mhondi dzinotsvagawo mazano akasimba aiita kuti dzisazobatwa pane zvese zvadzaiita. Umhondi, huwori, ruchiva nekusavimbika kunokoka mapurisa, vematare edzimhosva, vemajeri, vanachiremba, vanamukoti nevamwewo.
Munyaya yekurondwa kwemhondi munove nekudeuka kweropa zhinji kwazvo reavo vakanga vasinawo mhaka. Zvinozadzisa kuti rudo rwaBeaula naStanley rwakasiya mavanga kwete kwavari chete asi kuvanhu vakawanda.
Stanley anoratidza kuti rudo rwunotora kese kaunako kuti usvike pamudzi warwo. Anorwa semurume dakara akwanisa kunotakanura musikana wake, Beaula uyo akanga apambwa ari munzvimbo yeChriston Bank.
Nzvimbo iyi yaive mumapurazi uye ndiyo yaishandiswa nemhondi kuronga mabasa ose ehuwori. Stanley anoshandisa umhare neushingi kudzimara asunungura musikana wake kubva muhunhapwa ndokudzokerana pamwe chete.
Muchidimbu, aya ndiwo mafambiro anoita nyaya iyi kubva kwekutanga kusvika kumagumo. Tinoenderera mberi svondo rinouya totarisa kupindirana kwemusoro webhuku nenyaya.