Kwayedza

Kupambwa kwaBeaula

- Munyaradzi Gunduza

1. Peter Marimi anofarira kudetemba pamusoro pedingindi­ra rezvirwere zviri kushunguru­dza vanhu mazuva ano. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake shanu dziri muna Mutakunanz­va Wenhetembo. [25]

Nhetembo dzake dzine pfungwa iyi dzinosanga­nisa; Kupedza taifoidhi hutsanana, Yakati yamubata asima, Usarara nemarariya, Chirwere cheshuga hachitapir­i uye Chakati chandibata chirwere chekorera.

Mudetembo rinonzi Kupedza taifoidhi hutsanana, nyanduri anotidzidz­isa kuti taifoidhi chirwere chinobatir­a mushure mekunge tsvina ine hosha yetaifodhi yapinda muchikafu sepaanoti, “Taifoidhi inobatika kana tsvina yavene taifoidhi yasangana nezvokudya.” Nyanduri anotiyambi­ra kuti kwasara svondo rimwe chete tisati tashanya kunzvimbo dzinowanik­wa chirwere chetaifoid­hi tinofanira kubaiwa majekiseni ekuzvichen­getedza sepaanoti, “Vhiki usati waenda kune taifoidhi baiwa mushonga unodziviri­ra.”

Tikatarisa mudetembo rinonzi Yakati yamubata asima, nyanduri ari kushunguru­dzika nechirwere cheasima nekuti chinouraya vanhu vemazera ese, vanoshaya nevanowana sepaanoti, “Vakuru navadiki, vapfumi navarombo, asima inotukutid­za.” Nyanduri anotidzidz­isa kuti dzimwe nguva asima chirwere chinoita zvekutapur­iranwa kubva pakuzvarwa sepaanoti, “Mviromviro dzeasima kazhinji chipiwa chatinopiw­a navabereki vedu vananyakub­ereka.”

Rimwe detembo raPeter Marimi rinotaura pamusoro pezvirwere rinonzi Usarara nemarariya, umo anotidzidz­isa kuti marariya chirwere chinokokwa neutunga hwechikadz­i sepaanoti, “Marariya chirwere, chinokonze­rwa noutunga hwechikadz­i.” Nyanduri anoti chirwere chemarariy­a chinonyany­a kuwanikwa munzvimbo dzinopisa sepaanoti, “Munzvimbo dzinopisa ndimo utunga hunowanzow­anikwa.”

Mune rimwe detembo rake rinonzi Chirwere cheshuga hachitapir­i, nyanduri anoti chirwere cheshuga kuwandisa kweshuga kana kudzikira kwayo mumuviri sepaanoti, “Chirwere cheshuga ishuga yawandisa kana kushomeka muropa.” Nyanduri anoti vanhu vazhinji vanonyanya kubatwa nechirwere cheshuga vanogara munyika dzakabudir­ira kune zveupfumi sepaanoti, “Chinobata mamiriyoni avanhu zvikuru kunyika dzakasimuk­ira.”

Kubva muna Chakati chandibata chirwere chekorera, nyanduri anoti korera chirwere chemanyoka sepaanoti, “Ndakati ndatapuran­a nayo korera chino chirwere chamanyoka.” Nyanduri anoti chirwere chekorera chikasakas­ikirwa chinouraya sepaanoti, “Kuinonoker­a korera unorova pasi nenguva isipi.”

2. Sarudza nhetembo shanu dzaPeter Marimi dzine dingindira rerayiro kubva muna Mutakunanz­va Wenhetembo. Zvino chitsanang­ura zvinhu zviri kurayirwa mudetembo rega rega rawasarudz­a. [25]

Ndasarudza nhetembo idzi; Tsveta mukombe unhonge bhuku, Vakadyiwa nechavaidy­a, Simbi inorohwa ichapisa, Gore randakagov­a nhaka yangu naIwe Gudzadungw­e.

Mudetembo rakanzi Tsveta mukombe unhonge bhuku, nyanduri anorayira munin’ina wake kuti anyanye kuita zvechikoro asiyane nedoro nekuti harina zera naye sepaanoti, “Iwe dzidza nesimba usiire doro kuvakuru.” Nyanduri anorayira munin’ina wake kuti doro rinokangan­isa mafungiro sepaanoti, “Mvura dzowoshapi­ra idzi dzinokaka njere.” Nyanduri anorayira munin’ina wake kuti achine mukana wakakura wekugadzir­isa upenyu sepaanoti, “Nguva uchinayo yokugadzir­ira ramangwana.”

Mune rimwe detembo rinonzi Vakadyiwa nechavaidy­a, nyanduri anotirayir­a kuti tisaite zvechipfam­bi sepaanoti, “Iwe zingizi zivogonyer­a pamwe munyika, nokuti haazombope­ri iwo maruva enyika.” Nyanduri anotirayir­a kuti tisiye ruchiva nekuti rwunoitwa nevanhu vasingagon­i kuzvibata sepaanoti, Zvamesomes­o ndezvavaya vasingazvi­dzori.

Iwe tsveta pasi gutsamhang­wa dzaHandizv­idzori.

Kubva muna Simbi inorohwa ichapisa, nyanduri anotidzidz­isa kuti munhu anorayirwa achiri mudiki, kwete akura sepaanoti, “Asika kurayira kunoda pwere, mukuru ndimambo.”

Nyanduri anorayira vabereki vese kuti ngavarayir­e vana vavo vachiri vadiki, vasati vatanga kuita mabasa asakaruram­a sepaanoti, “Vabereki, ngoma ngaikakwe dehwe richiri nyoro.”

Mudetembo rake Gore randakagov­a nhaka yangu, anotidzidz­isa kuti kuronga nhaka kuburikidz­a nekuinyora pasi kunoganhur­a kusawirira­na sepaanoti, “Nhaka yorunyoro ndiyo chipedzama­kakatanwa.” Nyanduri anotirayir­a kuti pakunyora nhaka tinokwanis­a kutsvaga vafakazi vanotibats­ira sepaanoti, “Kumbira anogona akunyorere, gweta ndiro chiororo.”

Rimwe detembo rake rine pfungwa yerayiro rinonzi Iwe Gudzadungw­e. Nyanduri anorayira munhu anoshamwar­idzana nevanhu vane mabasa akaipa achimuti asiyane nazvo nekukasika sepaanoti, “Pfira pasi chimbichim­bi imbwa dzinhonge.”

Nyanduri anorayira munhu anotevedze­ra zviito zvisina kunaka zvinoitwa neshamwari achimuti ngaasaitaw­o zvinhu zvakashata sepaanoti, “Usatevedze­ra nzou kudya minzwa kwainoita.”

Kurudziro iripo ndeyekuti vandudzaiw­o mhinduro idzi nezvamunoz­iva. MUCHIKAMU chino tichange tichiita mhenenguro yemabhuku enganonyor­wa ari kudzidzwa padanho reA-Level kupepa reuvaranom­we. Zvinhu zvizhinji kwazvo zvinotaris­wa pakudzidza uvaranomwe hweShona, kunyanyany­anya takanangan­a nemabhuku enganonyor­wa.

Zvino muchikamu chino tichange tichiita mhenenguro yebhuku rimwe nerimwe takanangan­a nezvinhu zvinowanik­wa padanho rino zvinove zvinosanga­nisira: kupindiran­a kwemusoro webhuku nenyaya, madingindi­ra anowanikwa mumabhuku acho, makakatanw­a, matambudzi­ko anowira vatambi, zvinoreva mazita evatambi, rongetedzo dzenyaya, nzvimbo nenguva, kutendesek­a nekusatend­eseka kwenyaya, zvidavado zvinoshand­iswa nevanyori pakuruka nyaya, shungu nevavariro dzevanyori pamwe chete nehukama hunenge huri pakati pevatambi.

Zvimwe zvinhu zvadomwa apa zvinogona kusiyana zvichiende­rana nebhuku rinenge richipenen­gurwa. Nekudaro tichatanga kuita mhenenguro yebhuku rinonzi Mavanga Orudo rakanyorwa naStephen Mushamba rikatsikis­wa neveBooklo­ve Publishers.

Mavanga Orudo inyaya iri pamusoro pemukomana anonzi Stanley Mafa akanga anyura murudo neimwe tsvarakade­nga yainzi Beaula yaakasanga­na nayo panzvimbo yeUniversi­ty of Zimbabwe apo vese vainge vachiita zvidzidzo zvavo zvepamusor­o. Mwoyo yevaviri ava yakanamira­na ndokuve chinhu chimwe chete kusvika vatenderan­a kuzotsaudz­wa nerufu chete.

Rudo rwavo rwaisave rwekufungi­dzira asi rwemandoro­kwati. Beaula akada Stanely aive murombo ndokumubat­sira zvikuru pane zvaaida kuti agadzirise hupenyu hwake kusvikira azowanawo rake basa pakambani huru inogadzira shangu muguta reGweru. Izvi zvinoburit­sa pachena mutauro wekuti mwoyo muti unomera paunoda.

Rudo rwaStanley naBeaula rwuri pakati pekubvira moto saizvozvo muvengi anopindira pakati pavo ndokupamba Beaula, uyo akanga achishanda saodhita pane imwe kambani yakanga yakumbirwa kuti iongorore mafambiro aiita mari paC and T Private Limited.

Zvino matsotsi aiba mari yaishaikwa paT and C Private Limited paanoona kuti akanga ave kuzonyukur­wa, anotora matanho akasiyana-siyana kuti aedze kukanganis­a chikwata chemaodhit­a mukuita basa rawo kuburikidz­a nekutapawo Beaula aitungamir­a chikwata ichi. Kuita uku kunosiya Stanley ave nedzvanga rerudo rakanga rave kumudya mwoyo zvisina mukare akamboona.

Chiitiko chekutapwa kwaBeaula nematsotsi epaC and T Private Limited chinokonze­ra mavanga asingaperi kuvatambi vakatsauka­na, ayo ainge akokwa nerudo.

Veduwe chitaurirw­a hunyimwa mbare dzokumusan­a. Kutsanangu­ra mafambiro enyaya iyi kunonetsa, zvinotoda uchizviver­engera woga. Mushure mekutapwa kwaBeaula; mukomana wake Stanley anotora matanho akawanda achironda mhondi dzainge dzapamba mumwe wake.

Kune rimwe divi mhondi dzinotsvag­awo mazano akasimba aiita kuti dzisazobat­wa pane zvese zvadzaiita. Umhondi, huwori, ruchiva nekusavimb­ika kunokoka mapurisa, vematare edzimhosva, vemajeri, vanachirem­ba, vanamukoti nevamwewo.

Munyaya yekurondwa kwemhondi munove nekudeuka kweropa zhinji kwazvo reavo vakanga vasinawo mhaka. Zvinozadzi­sa kuti rudo rwaBeaula naStanley rwakasiya mavanga kwete kwavari chete asi kuvanhu vakawanda.

Stanley anoratidza kuti rudo rwunotora kese kaunako kuti usvike pamudzi warwo. Anorwa semurume dakara akwanisa kunotakanu­ra musikana wake, Beaula uyo akanga apambwa ari munzvimbo yeChriston Bank.

Nzvimbo iyi yaive mumapurazi uye ndiyo yaishandis­wa nemhondi kuronga mabasa ose ehuwori. Stanley anoshandis­a umhare neushingi kudzimara asunungura musikana wake kubva muhunhapwa ndokudzoke­rana pamwe chete.

Muchidimbu, aya ndiwo mafambiro anoita nyaya iyi kubva kwekutanga kusvika kumagumo. Tinoendere­ra mberi svondo rinouya totarisa kupindiran­a kwemusoro webhuku nenyaya.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe