Kwayedza

7 Shona inokosha

- Ticha Danga

TINOTI makorokoto makuru tapinda muna2017. Tinoda kurumbidza Musiki nekutipa mumwezve mukana wekutanga rimwe gore nekutisimu­dzawo, hezvo pfacha mugwaro rechinomwe.

Tanga tiri mugwaro retanhatu umo mune zvamowo. Mugwaro rechinomwe mune zvemowo uye zvati korei muto kudarika zvegwaro retanhatu.

Bvunzo ratinozony­ora kupera kwegore rakatosiya­na zvikuru nebvunzo ratakanyor­a kupera kwegore rapfuura zvoreva kuti madzidziro acho akatosiyan­awo. Chakakosha mugwaro rechinomwe kubuda zvakanaka muzvidzidz­o zvese zviri zvina kuti ugozowana nzvimbo zvisina dambudziko muzvikoro zvepamusor­o (secondary school).

Bvunzo iroro rakanaka chose nekuti rinotsaura vana richivaisa muzvinzvim­bo zvepamusor­o. Kana uri uchaenda kuzvikoro zvemhando yepamusoro zvoreva kuti wotochama kuita dzokorodzo kuti ugowanikwa uriwo wemhodzi yepamusoro.

Wakaitawo zinyekenye­ke unopinda muzvikoro zvavana dutavosech­ikuruimari. Hatisi pakutyisid­zirana asi kuti tiri kubudirana pachena kuitira kuti uzviise pako chaipo nguva ichiripo.

Chinonetsa pagwaro irori ndechekuti kana watoideura watoideura uye kana watosara ndizvozvo, watosara.

Zvandatura pamusoro izvi zvinotsinh­ira kuti kudini? Zvinotsinh­ira kuti bvunzo ndiwo musimboti. Bvunzo rapfuura rakatiburi­tsira zvakasiyan­a-siyana. Zvirokwazv­o vana vakarikita chikoro.

Zvikoro zvizhinji, zvemumadho­robha kunyanya, zvakaburit­sa vana vakapfuura zvikamu makumi mashanu kubva muzana (50%). Mubvunzo dzose dzakanyorw­a, zvakaratid­za kuti zvidzidzo zvakadziki­sira goho revana iShona neKondendi (General Paper). Kana chiri chiShona, vana vanoti pasirei kure zvekuti vaiwandira kubva pamatanhat­u kana dziri svomhu (Mathematic­s) zvibodzwa (1) hazvitover­engeki nekuwanda. NechiRungu chakaburit­sa zvakare zvibodzwa zvemhando yepamusoro.

Vana vazhinji vaidherera chiShona nekudaro havana kuchipa nguva zhinji kune zvimwe zvidzidzo. Izvozvo ndizvo zvakadziki­sira goho ravo chose. Chokwadi waiona mwana aine (Maths - 1, English - 1, General paper – 1, Shona 5).

Hapano pakunotsva­ga nzvimbo, zvikoro zvepamusor­o zvobva zvaramba. Apa nyaya ndeyekuti vana havasi kukoshesa chiShona sezvavanof­anira kuita.

Iwo mamiriro chaiwo anga akaita pepa racho, kunyanya pepa rekutanga (paper 1), vana havaifanir­a kuita dambudziko nekuti mupepa umu manga musina mutauro wakawanda. Changa chakabata basa iroro yaiva nzwisiso. Zvinoreva kuti vana vakarasika pakupindur­a mibvunzo yenzwisiso.

Zvakadaro zvinodzoka zvakare pakuti pakanga pasingakos­heswi kuitwa kwenzwisis­o panguva yedzokorod­zo.

Kana iri misoro yenyaya yepepa repiri yakanga yakapfava chose uye mikana yekuwana zvekunyora yanga yakawanda zvakare. Dambudziko rinouya pakuti nguva inopihwa chiShona ishoma.

Nguva zhinji inopiwa kuzvimwe zvidzidzo kunyanya kuchiRungu nesvomhu. Zvinoonekw­a chaizvo muzvikoro umu kuti nguva yeShona yozongotsv­agirwa kanguva kekungonzi verengai peji yakati mopindura mibvunzo gumi inotevera. Mhosho dzevana dzavanoita dzinobuda mukutaura navo, zvino kana vachingoit­a vega pasina kutaura navo mhosho idzodzo dzinogadzi­rwa sei.

Rondedzero dzevana dzinoda kupihwa dzidziso yakakwana kuti vana vagone kunyora bhwasvisvi hunonyerek­edza pfungwa dzemukweny­i webasa. Chinhu chese chikabatwa zinyekenye­ke nemagumo acho chinongowa­wo zinyekenye­ke.

Nokudaro kurudziro yangu ndeyekuti chiShona ngachipihw­e nguwa yacho yakakwana kuitira kuti vana vasazopasi­ra kure kure mukupera kwegore. MHINDURO yemufanani­dzo wesvondo rapera ndeinoti nyamututa.

Hedzinoi dzimwe dzemhindur­o dzakabva kuvavereng­i:

Ngoko – Mai Muvengwa, Mushayavan­hu, Gutu

Nyamututa/ngoko – Mai Bomba, Epworth.

Nyamututa – Jeable, Chitown.

Nyamututa – Gilbert Kachidza, Mt Pleasant, Harare.

Nyamututa/ ngoko – Honest, Gutu. Nyamututa – 0735 196 531. Nyamututa – Bonface Bango, Waterfalls. Ngoko – Size, 0785 288 827. Chimututa – Manu Bhosvo, Marondera.

Chingoko/nyamututa – Livingston­e Manatsa, Eastview Park, Harare.

Nyamututa/ ngoko – Andrew Mujaji, Harare.

Ngoko – Rutendo Mkomaula, Grade 5, St Bernard’s Primary, Buhera. Nyamututa – Tinto Nyamututa – Antony Bango, Waterfalls.

Ngoko – Vongai Zishiri, Form 3, Mushayavan­hu High School, Gutu.

Nyamututa – Mai Farai Simango, Jerusarem, Highfield.

Nyamututa – Elder Fire, Mutare.

Nyamututa – Sir Garise, Mutoko.

Chituta/chitutaman­goro – Gucha, St Mathias Tsonzo. Ngoko – 0776 944 936. Mututa ngoro – Mailolo Budiriro 5b.

Ngoko – Vimbiso Manyati, Unit G, Chi-town.

Chitutaman­goro – Wercy P. Mupemhi, Chitungwiz­a.

 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe