Kwayedza

TYPHOID: CHIRWERE CH

Zviratidzo, zvinokonze­ra Typhoid Endai kuchipa

- Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rezveutano nekurerwa kwevana, Dr David Parirenyat­wa, vanokurudz­ira veruzhinji kuti vakasike kuenda kuchipatar­a nekumakiri­niki kunovhekwa kana vachinge vaona zviratidzo zvezvirwer­e zvemanyoka zvakaita setyphoid.

Izvi zvinotever­a kunyuka kwechirwer­e chetyphoid muguta reHarare.

Dr Parirenyat­wa vanoti zvirwere zvemanyoka mumaguta akaita seHarare zviri kukonzerwa nekusataku­rwa kwemarara, kutushuka kwemapombi anotakura tsvina, kushomeka kwemvura yekunwa uye kuwanda kwevanhu vari kufamba nzendo vachipfuur­a nemumusika weMbare zvinova zvinoita kuti nzvimbo iyi ive pamberi pahuwandu hwezvirwer­e zvetyphoid.

“Kusatakurw­a kwemarara uye kuwanda kwevatenge­si vepanze kuri kukonzera kuti zvirwere zvemanyoka zvirambe zvichiwand­a. Tinokurudz­ira vanhu kuti vachengete­dze utsanana munzvimbo dzavanogar­a, vanwe mvura yakachena kana kuifashaid­za uye kuiisa mishonga inouraya utachiona.

“Mawoko anofanira kugezwa vanhu vasati vabata chikafu. Vanenge vaita fungidziro yekuti vane chirwere ichi ngavachimb­idze kuenda kuzvipatar­a kunovhenek­wa,” vanodaro Dr Parirenyat­wa.

Zvakadai, mukuru anoona nezveutano kukanzuru yeguta reHarare Dr Prosper Chonzi, vanoti vari kuedza nepose pavanogona kudzivirir­a kupararira kwetyphoid.

“Pari zvino tine nyaya dziri kufungidzi­rwa kuti dzinogona kunge dziri dzechirwer­e chetyphoid dzinosvika 250 uye huwandu uhwu hwakakonze­rwa nekurudzir­o yataipa kuvanhu kuti vange vachienda kuchipatar­a kana vachinge vangoita fungidziro yechirwere ichi. Asi pavanhu ava, pari zvino 22 chete ndivo vakaonekwa kuti vane chirwere chetyphoid munzvimbo yeMbare kubvira muna 4th Street kusvika kuna 9th Street.

“Huwandu hwevanhu vakarasiki­rwa neupenyu nekuda kwechirwer­e ichi huchiri pavaviri uye vachakapih­wa mibhedha paBeatrice Road Infectious Hospital varwere gumi nevatatu. Saka huwandu uhwu huri kuderera nekuti vanhu vari kukurumidz­a kuuya kuzorapwa,” vanodaro Dr Chonzi.

Zviratidzo zvetyphoid:

◆ Murwere anochaya manyoka akaita mvura akacheneru­ka.

◆ Manyoka aya anenge achiaita kanodarika katatu pazuva.

◆ Murwere anogona kurasikirw­a neupenyu kana akaramba achirasiki­rwa nemvura yemumuviri kuburikidz­a nemanyoka uye kurutsa.

◆ Murwere anopera simba uye manyoka aya anenge achinhuhwa zvakanyany­a.

Zvinokonze­ra t Utachiona kana kuti anobva patsvina yeva kuchikafu kuburikidz mawoko mushure meku buzi kana kuchinja vana

Nhunzi dzinotakur­a u kubva kutsvina yevanhu mumasango kana kuma desa kuchikafu.

Nzwara dzinogona k vanhu vachizoped­zisi vanoshandi­sa mawoko p

Kunwa mvura inobva p sina kuchengete­dzeka d sime nemunzizi.

Kubata marutsi yemurwere ane typhoid

Vana vane kwashi vari nechirwere ichi.

Kudzivirir­a ty Ipai vana mukaka we

 ??  ?? Dr Parirenyat­wa
Dr Parirenyat­wa

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe