Kwayedza

‘Kanzuru ndiyo honzeri, kwete isu’

- Muchaneta Chimuka

VANHU vanotenges­era zvinhu zvinosanga­nisira zvekudya mumigwagwa muguta reHarare vanoti vakazvipir­a kuita “hondo” nekanzuru zvichiteve­ra mashoko ekuti vanofanirw­a kubva munzvimbo dzavari kuitira izvi mukati memaawa 48.

Kanzuru yeHarare nemusi weChipiri svondo rino yakazivisa vatengesi ava kuti vanofanira kubva munzvimbo dzavari kutengeser­a nechimbi-chimbi zvichiteve­ra kunyuka kwechirwer­e chetyphoid kuMbare, icho chinokonze­rwa nehuchapa.

Kwayedza yakakuruku­ra nevatenges­i ava nevamwe vanhu muguta guru avo vari kudya magaka mambishi nekuda kwenyaya iyi.

“Isu hatisu tiri kukonzeres­a typhoid asi kuti iyo kanzuru ndiyo iri kukonzeres­a zvirwere zvemanyoka nekuda kwekusatak­ura marara kwairi kuita uye mvura yakasviba iri kubuda mumapombi. Izvozvi muguta muno hamuna zvimbuzi zvakakwana uye mvura mupombi hamuna. Typhoid haibvi muguta muno asi kudzimba kwatinogar­a.

“Kanzuru iri kungoda kutitorera zvinhu zvedu saka ngavauye, tichapedze­rana navo,” anodaro Tracy Chikwanha (26) uyo anotengese­ra mumugwagwa First Street.

Anotsigirw­a naVaJohn Jacob (35) vachiti kutengesa kwavanoita hakunei nekuparari­ra kwezvirwer­e muguta asi kuti marara anofanira kutakurwa.

“Tendererei muone kuti marara ari mumabhini ari kutakurwa here, kuzoti ari mumikoto! Tonzi tisu tiri kuunza zviwere, kwete. Kanzuru ngaiite basa rayo nemazvo. Nhunzi dziri kubva pamarara ndidzo dziri kutouya dzichimhar­a pachikafu chatinoten­gesa,” vanodaro.

Doreen Mashongany­ika (27) anotiwo zvimbuzi zvishoma muguta zvekuti vanhu vari kungoitira tsvina pese-pese.

“Tinoda zvimbuzi zvakawanda uye zvinoshand­a mumaguta ese. Kune vamwe vanotenga chikafu mumakylite­s uye kana vaguta voitira tsvina imomo vozopotser­a kunze. Ndinototyi­ra vashandi vekanzuru vanotsvair­a vanobata tsvina idzodzo zuva nezuva, moti typhoid ingapera?” akadaro.

Martha Muchinerip­i (26) wekuDamafa­lls anoti mvura yekushandi­sa mudzimba yakasviba uye suweji iri kungoyerer­a pese-pese ndizvo honzeri yetyphoid.

Portia Mutandwa (32) anotiwo vanhu vanzwa nekutenges­erwa mvura dzenhando vachinzi i”mineral water” uye chikafu chine tsvina nekudaro vatengesi vose vemakandin­i nevepanze vanofanira kuongororw­a mashandiro avo.

“Handi vatengesi vepanze voga vanofanira kudzingwa asi kuti kunyangwe vane makandini nekuti mazhinji acho haana marezinesi. Sadza, chibage zvave kungobikwa pakati peguta, zvikuru sei manheru. Tinopera necholera!” anodaro.

Joe Mupinga (30) wekuKuwadz­ana Extension anoti zvinotoda mushandira­pamwe wekanzuru nevatenges­i vepanze kuti dambudziko rehuchapa ripere.

“Isu hatina huchapa nekuti tinotsvair­awo patinoteng­esera saka tinofanira kubatana nekanzuru nekuti hakuna nyika isina vatengesi vepanze. Hatingaten­gesi hembe tese uye hapafaniri kuitwa rusarura pakudzinga vatengesi,” anodaro.

Evelyn Soko (33) wekuEpwort­h anoti kanzuru iri kutsvaga kuita mari nevatenges­i vepanze. Lantana Tafadzwa (35) anove mutyairi wemakombi anobva muHarare achienda kuChitungw­iza anoti kanzuru iri kurara pabasa.

“Vatengesi vechikafu havana mhosva kana guta rakachena. Marara ari kuzara mumakomba anofanira kufamba nemvura zvekuti kana kukanaya mota dzinoyered­zwa. Ingoonai marara azere pano paCharge Office,” anodaro.

 ??  ?? Evelyn Soko
Evelyn Soko
 ??  ?? Joe Mupinga
Joe Mupinga

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe