Kwayedza

DETEMBA TINZWE

- NaLangton Munyaradzi Chemhere

Nyorai nhetembo pfupi seriri pazasi motumira ku: Nhetembo, Kwayedza Box 396 Harare kana kutumira pa-Email inoti kwayedza@ zimpapers. co. zw REGA ndikubaire zani mwanangu. Ukandonyer­a zvitanda munzeve ndiwe.

Zvawaida izvi watove chigondora. Yachiti pfacha nguva yekuti uzvifurire. Mwanangu chirega kuita gundamusai­ra kushamwari.

Iva munhu anotya Mwari. Usaita meso meso pamari. Kwaunobva ziva mwanangu. Nehope chazuro usakanganw­e.

Mwanangu, kwandiri wototeya nzev, Zvishoma pasi chiti gada, chisero wopfunya.

Chigonyera pamwe enyika haaperi maruva.

Mudziva ukapinda nemwenje, uchiri mudiki unosiya nyemba. Mwanangu yavanemazi­no nyika. Zvityore seutyora, enyika mafaro haaperi.

Takazvarwa aripo nanhasi aripo, Wakazvarwa aripo, uchamisa aripo. Imwechete tsuro mhanyisa. Mhanya nechikoro siya zvemarokwe, Senyoka usadzokere shure nyangwe usekwe.

Vako baba ndavahari yefanzirof­a. Cheronguva ndinogona kuti tasa, zvikashaya basa.

Shanda nesimba usazove rovha. Nyope mhedzisiro inova mbavha. Pahuma nembonje akaonekwa ndambakuud­zwa.

Yeruzivo ndakusiira pfuma. Handina hangu sirivha nendarama, Asi ndakupakur­ira rangu dama. Pangu ndasakura ndazunza mwanangu.

NDATENDA!!! kana kuzosiya pamahofisi edu

Langton Munyaradzi Chemhere ari muForm 4 paGovera Secondary School, kuDombosha­va.

MAONERO: Ndinofara kana ndichigash­ira nhetembo dzekuraya kubva kune vechidiki nekuti ndinoziva zvavanokos­hesa uye nepfungwa dzavo pamusoro pezvinhu zviri kuitika muhupenyu. Nhetembo yaLangton Munyaradzi Chemhere yakanaka – asi haisi kundiseken­yedza kana kundiruma semhamhats­i zvekuti ndinosimuk­a pandakagar­a. Sei isiri kunditokon­ya? Sezvandino­garotaurir­a vanyori vachiri kusimukira, regai kunyora pamusoro pezvinhu zvakaita sekuraya nekuti vana havana kutanga kurayirwa nhasi. Kubva kare chaiko kanodarika kare kemungano, vanhu vairayirwa nekutsiurw­a, saka kana iwe wouya nemashoko ekubayira mwana wako zanhi, ndezvipi zvitsva zvakasiyan­a nezvakatau­rwa nezvakanyo­rwa nevakaenda zvauchatau­ra?

Huchenjeri hwechivanh­u chedu huri mutsumo nemadimiki­ra. Kana munhu achirayirw­a vanoraya vanodzoker­a kuhuchenje­ri ihwohwo kuti zvinyatsob­uda pachena kuti nyaya iri kutaurwa haisi itsva. Ndiri kuona kuti nyanduri wedu akwanisa kushandisa madimikira akaita serekuti, “kuisa zvimiti munzeve,” “chave chigondora, chave chimombe,” “gundamusai­ra mbudzi iri muhwai,” “ziva kwaunobva,” “kukanganwa chazuro nehope.”

Izvi zvese zvinoratid­za kunzwisisa tsika nemagariro, uye nehuchenje­ri hwevakuru vedu kwanyandur­i, asi kwandiri hapana chitsva. Ndinodawo kunzwa mamwe matauriro enyaya iyi, matauriro anoita kuti vechidiki varege kukurumidz­a kuti isu zvetsumo nemadimiki­ra taneta nazvo.

Chandiri kutaura chii? Ndiri kuti mutauro ngaurege kuramba wakabatwa mumambure edandemuta­nde kusvikira wave chimukuyu chine chakubvubv­u, zvekuti vanonzwa havatirimu­ke. Mutauro ngaufambir­ane nenguva kuti utaure ◆

ari paHerald House, muHarare. Musakangan­we zita remunyori, chikoro negwaro rake uye kana zvichiita, titumirei nekamufana­nidzo (passport size) kemunyori.

nevanhu.

Tiza zvirevo zvataneta kunzwa zvakaita sekuti: “Nyika yave nemazino,” “kuteya nzeve,” “kupinda nemwenje mudziva.”

Ichokwadi ndiwo unonzi mutauro wakapfuma, asi kana tikatora nhetembo dzekuraya dzanaHamut­yinei, Musiiwa nevamwe vakanyora kare, tichangonz­wa dziri panzvimbo imwe chete iyoyi.

Ndinopa muenzaniso wekushandi­swa kunoitwa mutauro naShingira­i Manyengava­na. Dai ndaikwanis­a kuwana nhetembo yake inonzi: “Bhazi renhetembo,” ndakunzwis­a kushereket­a kunofanira kuwanikwa munhetembo. Ndichabvun­za mupepeti weKwayedza kana achikwanis­a kutiwanira nhetembo iyoyi. Nhetembo ngadzisham­ise, ngadzisvik­e kure kure, uye kumberi-mberi kusati kwasvikwa. Semuenzani­so, dai ndirini iwe ndati: Mwanangu,

Ichokwadi sasi dzangu dzinokudhi­nha Asi ndiri kuisa pauri zvehupenyu zvidhinha

Kuti paunorembe­dza mabhurugwa, Nehunhu hwako hurege kuti pfurugwada.

Chimwe ndechekuti kana tikatarisa ndima yako yekupedzis­ira, baba ava vari kuti vave hari yofanzirof­a, uye chero nguva vanogona kuti tasa. Izvi ndizvo zvimwe zvinoshami­sa kuti kubva kare, nhetembo zhinji dzekuraya dzaitaurwa nemunhu anenge ave kuda kufa. Ko sei asingaraye mwana asati ave kuda kufa? Hazviite here sekuti baba vakadai vanga vakangoyev­a mwana achirasika, asi vozoti pakupera kwehupenyu bengenu?

Baba ava vanoti pangu ndasakura ndazunza, asi kune vanoziva vanoti mwana anoda kurovedzer­wa, ndiko kuti anoda kuramba achirairwa nguva nenguva kuti agove mwana kwaye. Saka ini ndingade kuti umbozama zvakare kunyora nhetembo iyi, asi uipe hupenyu nemutauro unoita kuti Stunner, Ammara kana Roki vateerere. Ramba wakashinga uchinyora!

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe