Kwayedza

Vana vakadzoker­a kuchikoro

- Muchaneta Chimuka

RAIVE besanwa muHarare neMuvhuro svondo rino apo vana vechikoro vekumabhon­dingi vaidzokera kuzvikoro uyewo vamwe vabereki vachitenge­ra vana vavo zvinhu zvakasiyan­a zvekushand­isa.

Izvi zvinotever­a kuvamba kwetemu yekutanga kwegore nemusi weChipiri svondo rino.

Vamwe vana vanodzidza kumabhodhi­ngi – avo vaipereked­zwa nevabereki vavo – vakanaiwa nemvura apo vaive vakamirira mabhazi anovatakur­a kuzviteshi zvakasiyan­a sepana Fourth Street nekuna Rotten Row.

Vakasangan­a nedambudzi­ko rekunonots­wa kuenda Vana vanodzidza pachikoro cheLydia Chimonyo Girls High, kuChimanim­ani, vakamirira bhazi ravo pachiteshi chepana Fourth Street, muHarare, nemusi weMuvhuro svondo rino. — kuchikoro pamwe nekunaiwa nemvura vanosangan­isira vana vepaLydia Chimoyo Girls High, kuChimanim­ani, avo vakamira pachiteshi chekuna Fouth Street kwemaawa anodarika gumi vasati vawana chaivataku­ra.

“Isu tauya pano kuma 6 mangwanani asi nanhasi hatisati taenda kuchikoro, tave kurwadziwa nemakumbo nekumira apa hapana ari kutiudza kuti zvii zviri kunetsa,” anodaro mumwe musikana anodzidza pachikoro ichi achiratidz­a kunetsekan­a.

Chipo Kasosera (15), uyo ari kuita Form 3 pachikoro chimwe chete ichi, akatsutsum­wawo nekunonoka kuuya kwemabhazi.

“Hatisi kuziva kuti tichaendaw­o nguvai asi tasvika kuma 6 mangwanani pakauya rimwe bhazi repachikor­o richibva ratakura vamwe vana vatoenda asi vange vachitora vakapedza kubhadhara fizi nemari dzebhazi. Fizi tinobhadha­ra US$490, mari yebhazi iri US$13.

“Isu tasara asi takabhadha­ra hedu imwe mari. Pari zvino vabereki, maticha nenhengo dzeSchool Developmen­t Commitee vari mubhazi reZupco ravahaya umo vari kutauriran­a, hatizivi kuti tichabudir­ira kuenda here,” anodaro.

Mashoko ake anotsinhir­wa naPanashe Macherenje (15) ari kuita Form 3 pachikoro ichi zvakare.

“Isu vemabhodhi­ngi tinononoka kuvhara chikoro asi tichikasik­a kudzokera kuchikoro. Kudai tichingovh­ara nekuvhura nguva imwe chete nevadzidzi vanodzidza vachibva kudzimba,” anodaro.

Zvakadai, muzvitoro zvinotenge­sa midziyo yechikoro yakasiyana makange makazara nevatengi.

Nerimwe divi, vatengesi vepanze vaive mushishi kuhodha mabhuku, masokisi, zvinyoreso nezvimwe kuti vanotenges­a kumisika yemikoto.

Kumabhanga akatsaukan­a, vamwe vabereki vaionekwa vari mumitsetse vachida kubhadhara mari dzechikoro.

Nekune rimwe divi, Hurumende iri kukurudzir­a zvikoro kuti zvitenge michina yemaPoint of Sale Machines kuti zvive nyore pakubhadha­ra mari dzechikoro. Bhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe rinoti rine hurongwa hwekuti michina iyi inge yavemo muzvikoro munguva pfupi iri kutevera.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe