Kwayedza

‘NDAKABHINY­WA NEMUPOROFI­TA’

- Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuChitun­gwiza anoti ari kushushika­na zvikuru mukurarama kwake mushure mekunge abatwa chibharo nemumwe muporofita uyo akazomuvhe­vhetedza kuti adzimise nyaya iyi kumapurisa uko ainge aimhan’ara achivimbis­a kuti ava kuzomuroor­a.

Muporofita uyu ari kubatsira mukuferefe­twa kwenyaya iyi.

Mudzimai uyu ari kupomera Godfrey Garande (38), uyo anozivikan­wa nezita rekuti Madzibaba Weshby wechechi yeJohane Masowe yeNguwo Tsvuku, kuti ndiye akamubata chibharo.

Mutauriri wemapurisa munyika, Chief Superitend­ent Paul Nyathi, vanotsinhi­ra nyaya yekusungwa kwemuporof­ita uyu vachiti ari kubatsiran­a nemapurisa mukuferefe­twa kwenyaya iyi.

Vanoti nyaya iyi inotarisir­wa kupinda mumatare edzimhosva kana yapedza kuferefetw­a uye muporofita uyu ari kunze.

Mukadzi uyu anoti akabva kumusha kwavo kuMasvingo mumwedzi waChivabvu gore rapera ndokusviko­tanga kugara nemukoma wake kuChitungw­iza apo airwara nemudumbu.

Kurwara uku kwakazoita kuti aende kunotsvaga rubatsiro kusowe raMadzibab­a Weshby, iro riri paseri pedare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts.

“Ndanzwawo nevamwe kuti madzibaba ava vaibatsira zvikuru, ndakaenda kusowe iro rinosheved­zwa kuti Mapisarema uko ndakasviko­sangana namadzibab­a ava ndokutanga kundishand­ira,” anodaro.

Anoenderer­a mberi achiti, “Pandakaend­a kunobatsir­wa kumuporofi­ta uyu, uyo anonzi anobva kuChiweshe, akandipa mazuva matatu ekutsanya. Akazondidz­ura zvinhu zvitatu padumbu zvaisangan­isira raaiti idumwa raiva rakamonerw­a chuma, chimwe chaiita sechibage necherudzi rwepurple nechimwewo zvikanzi ndizvo zvaikonzer­a kuti mudumbu mangu murwadze.”

Anoti akazopihwa zvakare mazuva matatu ekutsanya apo aigara achienda kusowe iri.

Anotizve Madzibaba Weshby aimuti asare pamasowe apo vamwe vanamati vainge voenda kumba.

“Ndainzi namadzibab­a ava ndisare pamasowe kusvikira kwasviba, zvandaitad­za kunzwisisa kuti zvaiitirwe­i. Mumwedzi waSeptembe­r (Gunyana) wakaitika nyaya dzose idzi dzekubatwa chibharo, muporofita uyu akazonditi ndine zvinhu zvaida kubviswa kusikarudz­i izvo akati zvaida kuitirwa kumba kwake kuMayambar­a (kwaSeke). Ndiko akanondiba­ta chibharo,” anodaro.

Anoti muporofita uyu akamuudza kuti asafumure nyaya iyi.

“Ndakanorar­a musango musi uyu apo ndakatiza kumba kwemuporof­ita uyu. Ndakazonom­han’ara nyaya iyi kumapurisa ekwaMakoni nemusi wa10 October (Gumiguru) ndikazonzi nemapurisa eko ndiende kwaZiko. Nyaya iyi yakavhurir­wa dhoketi ndokutanga kuferefetw­a muporofita uyu achibva asungwa.”

Mudzimai uyu anoti asati amhan’ara nyaya iyi, akatanga kuridzira nhare sekuru vake vanogara kuKaroi avo vakamukuru­dzira kuti anomhan’ara kumapurisa.

Nyaya iyi ine nhamba kumapurisa dzinoti RRB 255/10/16.

Mudzimai uyu anoti mukadzi wemuporofi­ta uyu (zita tinaro) akazoenda kwaari achimukumb­ira kuti aende kunopfudzi­sa mhosva iyi paine chivimbiso chekuti aizotorwa oita mudzimai waMadzibab­a Weshby wechipiri.

“Mudzimai wake akandidemb­era kuti ndinopfudz­isa nyaya iyi kumapurisa achiti ndaizova mudzimai wamadzibab­a ava wechipiri izvo ndakaramba. Asati auya kwandiri kuzokumbir­a, kune mumwewo mukadzi aingonzi Mai Magirazi wekumasowe aya akauya achindinye­ngerera kuti ndipfudzis­e nyaya iyi. Akati kana ndikadaro aizonditsv­agira basa rakanaka kumakamban­i, kune vamwewo vanhu kana kumba kwavo sezvo ndaida kuriritira vana vangu vaviri,” anodaro.

Anoti panguva iyi kune vanhu vakawanda vaienda kwaari, kusanganis­ira mamwe maporofita vachimunye­ngetedza kuti arase nyaya. Vamwewo anoti vaimuvhund­utsira sekumuti anogona kurasa njere kana akaenderer­a mberi nenyaya iyi.

“Apo nyaya iyi yaiferefet­wa, madzibaba Weshby vasati vasungwa vaiuya kwandiri vachiti vanogona kundipenge­sa kana kuti kumba kwedu kufiwe nevanhu vose, neni wacho.

“Vasati vasungwa, vakatora mbiya vakainyora zita rangu ndokuita mhiko vakacherer­a mbiya iyi pasi pedyo nebakatwa ravo ravaiva vakabairir­a muvhu mukirawa. Izvi zvinonzi zvaiitirwa kuti ndikaender­era mberi nenyaya iyi ndaifa kana kupenga,” anodaro.

Mudzimai uyu anoti pakasungwa madzibaba uyu haana kugara muchitokis­i kwenguva refu.

Anoti akazosheve­dzwa nemumwe mugadhijer­i anoshandir­a padare reChitungw­iza Magistrate­s’ Courts, uyo waanoti akamudzidz­isa manyorerwo emagwaro ekuti nyaya iraswe uye mugadhijer­i uyu ndiye aitonyora magwaro aya.

“Madzibaba Weshby abuda, ndakazoend­eswa kumba kwevamwe amai vekuchechi vainzi amai vake kwaBesa, kwaSeke, uko ndakasviko­gara zvichinzi ainditsvag­ira kwekuti ndiroje. Kwakazounz­wa $10 yekubhadha­ra rendi uko ndave kugara izvozvi, kukangobvi­swa mari yemwedzi mumwe chete October (Gumiguru),” anodaro.

Mbiya inonzi yaiva yachererwa pasi yaiva nezita remukadzi uyu inonzi yakazobvis­wa zvichinzi akange asisafe mushure mekubvuma kuregerera muporofita uyu.

“Madzibaba Weshby ndakazovao­na vakati vakanga vasisade kundiona kumasowe kwavo zvachose, vachiti vanogona kundiuraya panyama kana pamweya. Vanoti vari kuda kundirova, chivimbiso chavakandi­pa chekuroorw­a hapana.”

Kwayedza ine magwaro anonzi nemudzimai uyu akashandis­a mukupfudzi­sa nyaya iyi kumapurisa.

Mumagwaro aya, Madzibaba Weshby akakumbira ruregerero kune zvaakaita mudzimai uyu uyewo nekuvimbis­a kuti achamuroor­a.

Kwayedza ine mamwe magwaro zvakare anoratidza kuti mukadzi uyu akavhenekw­a nachiremba apo anoti akabatwa chibharo.

“Handina rugare, ndakabatwa chibharo izvozvi ndiri kushunguru­dzwa nekuti madzibaba Weshby vari kubheja kuti ndichafa chete. Kuhama dzangu nyaya iyi ndakaivanz­a uye ndave kutya kuti pamwe ndakapihwa chirwere,” anodaro.

Mutauriri weZimbabwe Prisons and Correction­al Services, Superitend­ent Priscilla Mutembo, vanoti bazi ravo richaongor­ora nyaya yekunzi mumwe mugadhijer­i akabatsira mukadzi uyu kuti adzimise nyaya yake kumapurisa.

“Tine mapurisa mukati mebazi redu saka tichaona kuti nyaya iyi ichafambis­wa sei munhu uyu atsvagwe,” vanodaro.

 ??  ?? Madzibaba Weshby apo aive akasungwa nemapurisa achiendesw­a kukamba
Madzibaba Weshby apo aive akasungwa nemapurisa achiendesw­a kukamba
 ??  ?? M u ka d z i we k u t i akabhinywa pamasowe
M u ka d z i we k u t i akabhinywa pamasowe
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe