Kwayedza

‘NDAKASOTWA NECHIPFEKO ’

-

◆ sat i ava nemwana nemurume waanaye. Ari kufamba kumaporofi­ta nekudzin’anga achiudzwa kuti ndini ndakamubir­a chipfeko chake ndikamugad­zira kuti asaite mwana. Ngaaende kuchipatar­a anovhenekw­a!”

Mukadzi uyu paaitaura izvi airasa mawoko achiti anoda kupedzeran­a naChikoka.

Anotizve akatanga kugara kuCalidoni­a muna 2004 uye anoziva kuti murume akaroora Chikoka pari zvino aive nemudzimai wekutanga uyo waakasiya achirwara kusvikira azofa.

“Chikoka akatanga kudanana nemurume wangu paaigara kuTafara ini ndichigara muCalidoni­a. Aibika sadza pedyo nekambani yaishandir­a murume wangu, ndiko kwavakadan­ana kusvika ini ndasarudza kusiyana nemurume uyu ndikaroorw­a futi zvangu.

“Panyaya iyi tinoda umboo hwakakwana nekuti kana pasina umboo hwemachire­mba nemaposito­ri acho ndichada kuripwa nekuti handikodze­ri kuvingwa nevanhu vemapepanh­au pamba pangu ndichibvun­zwa zvakadai.

“Ehe, kudanana nevarume vevanhu kwakashata nekuti muno vanhu vapera nerukawo. Kune mumwe mudzimai muno akaita mazuva matatu afira mumba asotwa nerukawo. Ini kutora chipfeko chake chemukati handina uye handina kumbomutyi­sidzira. Asi nhasi ndichamuga­dzirisa vemapepanh­au vawane nyaya chaidzo,” akadaro Mupoperi achipupa nehasha. Mai Ethel Mupoperi, avo vanozviti ndivo amai vaMupoperi, vanoshora Chikoka vachiti ndiye akaputsa wanano yemwana wavo.

“Munyaradzi akange akaroorwa zvakanaka tikabvisir­wa mombe yechimanda neroora rose nemurume wake wekutanga. Zvinotirwa­dza kuti munhu akaparadza wanano yake ndiye achiri kuramba achiuya achinetsan­a naye,” vanodaro.

Mupoperi anonzi akazoenda kumba kwaChikoka kunoita mhirizhong­a apo akapedza kuita hurukuro neKwayedza nemusi weChitatu svondo rapera.

Pembele anotsinhir­a kuti Mupoperi akaenda kumba kwavo ndokusiya avatukirir­a.

“Zvakaoma, vauya vakatishur­a vachiti ndivo vakatora chipfeko chemudzima­i wangu. Vatosiya vativimbis­a kuti tichafuma tisina nhengo dzedu dzakavandi­ka,” anodaro.

Mupoperi akazoshany­irawo mahofisi eKwayedza nemusi weChina svondo rapera achida kuona mupepeti apo aiti aida kuvharisa nyaya iyi.

Mudzimai uyu akati nyaya iyi inomubvusa chimiro paruzhinji kana ikabuda mubepanhau.

“Ndauya kuzokuudza­i kuti yangu nyaya haisi kuzobuda, handidi izvozvo,” akadaro Mupoperi achitoganz­a.

Zvisinei, mupepeti weKwayedza Patrick Shamba akaudza Mupoperi kuti iye akasunungu­ka kupa divi rake panyaya iyi, izvo ainge aita, asi hapana mumwe munhu anomisa kuti nyaya isabude mubepanhau iri kunze kwake.

Mushure mekunge Mupoperi audzwa kuti nyaya iyi iri kuzobuda uye aziviswa kuti akange achitorwa mifananidz­o paaive muhofisi yaShamba, akazobuda ari chahwiriri achitiza.

“Saka chingoitai zvamunenge maita. Asi kana nyaya iyi ikabuda chete tichafamba nawo mapepanhau acho kusvikira zvakanaka,” anodaro Mupoperi achibuda.

Zvakadai, vangada kubatsira Chikoka vanogona kumubata panhare dzinoti 0736 599 021.

Vachitaura nezviri kuitika kuna Chikoka, mutungamir­iri wesangano reZinatha, VaGeorge Kandiero, vanoti mukadzi uyu anogona kubatsirwa kuchivanhu.

“Akasunungu­ka kushanyira mahofisi edu atsvagirwe nyanzvi dzinokwani­sa kumubatsir­a kuti ayambuke padambudzi­ko rake iri,” vanodaro.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe