Kwayedza

Utsanana hwakakosha

-

VAMWE vave kutofunga kuti gore ra2017 harina kutanga zvakanaka pamusana pokuti nyaya yezvirwere zvinokonze­rwa noutsvina, kushaikwa nokuwanikw­a kwemvura ndiyo iri mudariro.

Vagari vomuHarare vari kubva vanyanya kutya nokuti tiri pakati pokunyora, kanzuru yeHarare yakabva yapa yambiro kune vanotenges­a zvinodyiwa, zvingave zvakabikwa kana kusabikwa kuti vamire kutengesa kusvikira kanzuru yagutsikan­a kuti zvirwere zviri kuramba zvichibata vanhu, kunyanya vanogara mumisha yavazhinji zvapera.

Vamwe vari kuzviti zvirwere zvinokonze­rwa nohuyanga – zvirwere zvinotama kana vanhu vakaita utsanana; vamwewo vachiti zvirwere zvinobata varombo. Zvirwere izvi zvinosanga­nisira taifoidhi, korera nezvimwe.

Asi icho chinombonz­i taifoidhi chii nokuti ndiyo iri kunyanyota­urwa?

Zvandichap­a handi ruzivo rwangu, asi kuti mutsvaguru­dzo yandakaita, ndakaita rombo rakanaka kusangana ne”Denhe Reutano Neurapi”, rinove bhuku rakanyorwa naDr. Boniface Manyame, rikatsikis­wa neKagondya Books mugore ra2015. Heinoi tsananguro yakaitwa naDr Manyame. Taifoidhi: PachiRungu inonzi “typhoid” kana kuti “enteric fever”. Dr Manyame vanoti, “taifoidhi inokonzerw­a nemabhakit­iriya anonzi “salmonella typhi”, anowanikwa pasi rese, asi anonetsa munzvimbo dzisina utsanana, nemvura isina kukwana nekutsvind­a.”

Taifoidhi chirwere “chinoparad­zirwa nechikafu, kana mvura yapindwa neutachion­a hwabva mutsvina yevari kurwara nacho, kana kuti vanaya, asi vachine mabhakitir­iya muura hwavo. Chinowanik­wa muvanhu chete, hapana mhuka inoita chirwere ichi.”

Vanoendere­ra mberi vachitsana­ngura kuti, “zvinotora vhiki imwe chete kusvika mavhiki matatu kuti munhu azorwara kubva paatapura utachiona. Munhu anotanga kunzwa musoro kutema nekusangon­zwa zvakanaka, pamwe achikosora nekurwadzi­wa mumatumbur­ira.

“Vamwe vanoita manyoka, pamwe ane ropa, neupundu hwakatsvuk­uruka pamatumbur­ira, nezasi kwechipfuv­a.

“Chingangon­etsa kuziva kuti ndicho, asi munhu akati kwaabva kune vamwe vane taifoidhi, zvinobatsi­ra. Utachiona hunoonekwa tsvina, weti kana ropa zvikataris­wa kurabhorit­ari, kutsinhira zviri kufungirwa. Zvinogona kutora mwedzi wese munhu achirwara, kana akasarapwa.”

Dr Manyame vanotiwo taifoidhi “inorapwa nemaandibh­ayotiki, asi varwere

vachiri kunaya vanoramba vachiparad­zira chirwere. Saka, munhu haanzi haachisiri kuparadzir­a taifodhi kusvika tsvina kana weti yake yaonekwa kuti haisisina utachiona katatu (mazuva akasiyana), kurabhorit­ari.

Vanopawo ruzivo rwakadzama kupinda zvinozivik­anwa navanhu vachiti: “Kana munhu akasarapwa, anogona kupedzisir­a aita njodzi yekubuda ropa muura, kana kubooka ura, utachiona hwopinda muropa nokuparari­ra muviri wese. Murwere anoita nyomoniya (Pneumonia) mumapapu, yero mumaziso, itsvo dzichitadz­a kusevenza asingaiti weti, kana kurasika pfungwa asingazive zvaari kuita.”

Mutsanangu­dzo yavo, Dr Manyame vanopedzis­a vachiti, “Munhu anogona kuve neutachion­a kwamakore asingarwar­i, asi achigona kuchiparad­zira utachiona mumvura nechikafu. Kazhinji utachiona hunenge huri munduru (gallbladde­r) zvekuti kuibvisa zvingabats­ire.”

Vanoyambir­a, sezviri kungoitwa nebazi reutano kuti “zvakakosha kuve neutsanana nguva dzese.”

Muverengi, hapana mhuka inofurira imwe. Kuve neruzivo, nokurwusha­ndisa nemazvo zvakakosha. Kana tisiri kunzwisisa, ko kungonobvu­nza vanamazvik­okota pamakirini­ki nezvipatar­a zvakatikom­beredza zvakaipei? Kufambiswa kwamashoko nokuwana ruzivo zvave nyore zvakanyany­a mazuva ano, zvokuti kunyange uri kure nekiriniki kana chiremba, endawo paInternet, woverenga zvinyorwa zvaunofung­a kuti zvine mashoko echokwadi.

Kana usina kugutsikan­a, endawo ipapo paWhatsApp, Facebook, Twitter kana mbozha tsamba wobvunzawo vamwe kuti chinonzi taifoidhi chii; inokonzerw­a nei; uyewo unoziva sei kuti unayo, kana kuti unosungirw­a kuita sei? Zivawo kuti inorapwa sei kana kuti inopedzwa nei.

Ngatirambe kufa takasvinur­a samatemba, irwo ruzivo rwakazara. Zvairi kunzi iri muno muZimbabwe, hazvirevi kuti tiri nyika yakatukwa, asi kuti ngatifarir­e utsanana. Huyanga hwanyanya. Tsvina yakazara pese pese mumaguta haingonyun­guduka, asi inoda kuti vanhu vese vaise musoro pamwe chete vati tsvina usandizemb­ere ndapota. Kapfungwa kari mune vamwe vanhu unokaona mumufanani­dzo watinawo uyu.

Zvinonetsa kunzwisisa kuti pamusana pei kuti posita rinozivisa nezvetaifo­idhi, rakange rakasungir­irwa zvakanaka panzvimbo inosangana vanhu vakawanda vekereke, rakapedzis­ira rapidigurw­a kunge rinotaura zvisina musoro.

Svondo rinouya tinoongoro­ra korera.

 ??  ??
 ??  ??

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe