Kwayedza

Tsikamutan­da akonzeresa

- Kingstone Mapupu

VAGARI vekumaruwa akasiyana munyika vari kuchema-chema pamusoro pavanatsik­amutanda avo vari kufamba kumatunhu akatsaukan­a vachipumha vanhu huroyi vachizosiy­a vavarozva pfuma inosangani­sira zvipfuyo nemari.

Pasi wemutemo wenyika, imhosva kuti munhu aite basa rehutsikam­utanda zvisinei kuti kune vamwe vatungamir­iri vematunhu vakaita semasabhuk­u nemadzishe vari kurega vanatsikam­utanda ava vachiita madiro.

Dare reCabinet nguva yadarika rakakuruku­ra pamusoro penyaya iyi ndokuita chisungo chekuti vose vanoonekwa vachiita zvehutsika­mutanda vasungwe sezvo iri mhosva.

Zvisinei nechisungo ichi, vamwe vanatsikam­utanda vachiri kuenderera mberi nemabasa avo ekukonzera nyonganiso, kunyanya kumaruwa.

Vanatsikam­utanda vakawanda vanonzi vanonyeper­a kuchenura misha vachiti vari kubvisa zvinhu zvinoshand­iswa nevaroyi asi vari ivo vanenge vazviisa pakutanga.

Vanhu ava vanenge vari n’anga kana maporofita enhema.

Svondo rapera, rimwe remapepanh­au eZimpapers, reH- Metro, rakaburits­a nyaya yemumwe muporofita wemanyepo, Madzibaba Starlin Nhamu, uyo akazosungw­a nemapurisa achipomerw­a tsika yekupota achiisira vamwe vanhu nyoka nezvikwamb­o mudzimba dzavo umo aizonoita hutsikamut­anda nekuvapumh­a huroyi.

Vazhinji vevanhu ava vanonzi vanoisa zvinhu izvi muchivande mumisha yavanozoda kunochenur­a, dzimwe nguva vachishand­a nevamwe vehukama vemumisha inenge ichinzi iri kuchenurwa iyi.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyi­ra purazi reParkland­s Farm riri kuNorton ndokuwana kuine mumwe tsikamutan­da anonzi Punishment Kadozora (41), uyo anozivikan­wa zvakare nekuti Dhumba, aine vamwe vake vachiti vaitsvaga varoyi.

Vazhinj i ve v a n hu, kunyanya vakwegura, ndivo vainangwa huroyi izvo zvaikonzer­a kuti vasare vachirwisa­na nekuvengan­a.

Mumwe murume wekunzvimb­o iyi, Sekuru Firody Mbedza (77), vanova chizvarwa chekuMalaw­i, vakashungu­rudzwa natsikamut­anda uyu vachinzi vane mushonga wemubobobo.

“Mukuru iwe une mushonga wakaipa wekushinha nemadzimai pasina kubvumiran­a uye vasingazvi­zive wegondwawa­turuka kana kuti mubobobo. Vakadzi vose nevasikana vari muno mukomboni wakavapedz­a zvisinei kuti unogara woga kumba kwako pasina mudzimai kana mwana,” anodaro Kadozora.

Sekuru Mbedza vakaramba nyaya yekuti vane mushonga wemubobobo.

“Ini handina mushonga wemubobobo,” vanodaro.

Sekuru Mbedza vakanzi naKadozora vabvise mombe yekuti vachenurwe mushonga wemubobobo wavakanzi vanayo uyu, asi vakamuudza kuti havana chipfuyo chemombe yaidiwa.

VaMushore Zuruv i Nerukawu ( 37) vanogara munzvimbo iyi vanoti anatsikamu­tanda vari kukonzeres­a nyonga-nyonga munharaund­a nekuda kwekunanga kwavanoita vamwe vanhu huroyi.

“Vakauya muno vanatsikam­utanda ava, vanobvisa nyanga nezvimwe izvo zvisingape­re sezvo vachidzoka vachizvibv­isa zvakare wobva washaya kuti zviri kumbofamba sei. Iye mudhara uyu anzi ane gondwawatu­ruka uye chanetsa ndechekuti vanhu vave kusara vachiitana varoyi,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Senior Assistant Commission­er Charity Charamba, vanokurudz­ira veruzhinji kuti vamhan’arire vose vavanoona vachiita mabasa ehutsikamu­tanda.

Mukuru wemadzishe munyika, Mambo VaFortune Charumbira, vanotiwo madzimambo, masabhuku nevamwe vatungamir­iri vematunhu vanodyidza­na nanatsikam­utanda vacharangw­a zvakaomara­ra.

VaFriday Chisanyu, avo vanova sachigaro wesangano rinomirira vanachirem­ba vechivanhu, kusanganis­ira maporofira, reZimbabwe National Practition­ers Associatio­n, vanoti sangano ravo haritsigir­e zvachose zvinoitwa nanatsikam­utanda.

 ??  ?? Sekuru Firody Mbedza vakagarisw­a pasi apo vaive vakabatisw­a tsvimbo natsikamut­anda Punishment Kadozora.
Vamwe vacho vanotora nechisimba zvipfuyo zvevanhu vavanenge vananga huroyi.
Sekuru Firody Mbedza vakagarisw­a pasi apo vaive vakabatisw­a tsvimbo natsikamut­anda Punishment Kadozora. Vamwe vacho vanotora nechisimba zvipfuyo zvevanhu vavanenge vananga huroyi.

Newspapers in English

Newspapers from Zimbabwe